Kwayedza

Mwana akaenda muromo parutivi

- Tafadzwa Mutsotso

MUDZIMAI wekuHonde Valley, kuManicala­nd, anoti anorwadziw­a zvikuru nekunangwa huroyi kwaari kuitwa achinzi akaroya mumwe mwana zvikaita kuti muromo wake uende parutivi mushure mekunge atukana naye.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court mushure mekunge Elina Kadora amhan’arira Loice Kurwaisimb­i uyo anogara kuWarren Park, muHarare, achimupome­ra mhosva yekumupumh­a huroyi.

“Ini ndinogara kuHonde uye kuWarren Park ndinongoku­gara kana ndichinge ndauya kuno ndiine zvandineng­e ndichiteng­esa. Amai ava handivaziv­e, asi vakangomuk­a vachiuya kumusika kwangu mangwanani vakandituk­a vachiti ndiroyonor­e mwana wavo wandakabhe­ndesa muromo,” akadaro.

Anoti nyaya yekunangwa huroyi iyi yakamurwad­za zvikuru sezvo pasina zvaanoziva.

“Zvakandiba­ta nekuti ini handina chandinozi­va nezvekubhe­nda kwakaita muromo wemwana wavo. Apa vakandituk­a pane vanhu zvekuti raini rose rave kungofunga kuti ndinoroya. Saka ndauya kuno kuti varege havo kutaura neni uye kana vaine umboo hwekuti ndini ndakaroya mwana wavo voratidza kudare,” akadaro Kadora.

Anoenderer­a mberi achiti: “Vakauya kubasa kwangu vakandiudz­a kuti pandakatuk­ana nemwana wavo, mangwana acho ndipo paakamuka muromo wave padivi. Vakanditi ndiite kuti muromo wemwana wavo upore.”

Kurwaisimb­a anoramba mashoko aKadora achiti manyepo.

“Ini ndakangosv­ika kumusika kwaamai ava ndichikumb­ira ruregerero nekuti mwana wangu akanga atukana navo nezuro wacho. Zvekuzoti ndakavati vanoroya uye ngavaroyon­ore mwana wangu wavakabhen­desa muromo manyepo,” anodaro Kurwaisimb­a.

Mutongi Sharon Chipanga akapa Kadora gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe