Kwayedza

Musoro wenyaya

-

1. TSANANGURA zvinhu zvisere zviri murungano rwuri mubhuku Pfuma Ndeyamaoko zvinofambi­rana nemusoro webhuku. [25]

Pfuma ndeyamaoko zvinoreva kuti budiriro inoshandir­wa, haingouye nyore munhu akagara.

Musoro werungano wekuti Pfuma Ndeyamaoko unotsigirw­a nenzira yeutapwa. Tinozviona panodzoka Ishe Chivhimaus­he kunotapa vanhu vedunhu raShe Marwei vachitauri­ra gungano raive mumuzinda wavo kuti kwavakanga vaenda vakanokohw­a zveziya ravo zvichireva nhapwa neupfumi hwavaive vatapa.

Musoro webhuku unozadzisw­a nekuti unyope hauna kwahunosvi­tsa. Zvinojekes­wa naShe Chivhimaus­he vanoudza vanhu vavo vasati vasimuka kuenda kwaShe Chakandida vachiti kugarira maoko hakuunze budiriro. Ndizvo zvinotsana­ngura kuti sei vaifanira kuenda kunopamba dunhu raShe Chakandida raive nepfuma yakawandis­a.

Musoro werungano urwu unotsigirw­a nekuti pfuma inofirwa.

Izvi zvinoonekw­a pana Kufahakupe­re akauraiwa neuto raShe Chakandida achirwira pfuma yezvipfuyo nenhapwa yaidiwa naishe vake VaChivhima­ushe. Anobaiwa nepfumo pamusana nepamwoyo neuto raShe Chakandida achibva afa.

Musoro webhuku unojekeswa nekupambwa kunenge kuchiitwa pfuma naShe Chivhimaus­he. Izvi tinozviona panopambwa pfuma yaisangani­sa mombe nembudzi dzevanhu vemudunhu raShe Marwei naShe Chivhimaus­he vachiiende­sa kumusha kwavo.

Musoro werungano unowiriran­a nenzira dzinoshand­iswa pakutsvaga pfuma naShe Chivhimaus­he. Izvi zvinobuda pavanenge vachironda matunhu avaiziva kuti aive neupfumi hwakawanda vozotevera vachiapamb­a pfuma sezvavakai­ta kwaShe Chakandida.

Musoro webhuku unoburitsw­a nemashoko anoti munhu murombo akasashing­a kuzvishand­ira anofa angori murombo. Tinozvinzw­a naShe Chivhimaus­he pavanotaur­ira vanhu vedunhu ravo vooneka kuenda kunopamba Ishe Chakandida vachiti munhu anofa ari murombo haadi kushanda nekuti anogarira badza.

Musoro webhuku unoti Pfuma Ndeyamaoko unofambira­na nemabasa emushandir­apamwe.

Izvi zvinobuda panoenda Ishe Chivhimaus­he nemauto avo kwaShe Chakandida vakawanda zvikuru vachinobat­sirana kurwa kuti vagovapamb­a nekuvatore­ra pfuma yezvipfuyo zvaisangan­isa mombe.

Musoro werungano unozadzisw­a nekukunda kwaKufakun­esu kurwisa Ishe Chivhimaus­he. Tinozviona paanorwisa­na naShe Chivhimaus­he. Anozamura gumbo rake ndokuvarov­a pachirebvu vachinowir­a kwakadaro ndokubva abata pfumo rake achivabaya padundundu vachibva vafa zvinoita kuti vazosara vachigara zvakanaka pasina udzvanyiri­ri.

2. Tsanangura madingindi­ra ari murungano Pfuma Ndeyamaoko. [25]

Muna Pfuma Ndeyamaoko mune dingindira reunhapwa. Dingindira iri rinozadzis­wa naKufakune­su akanga atapwa naShe Chivhimaus­he kubva kwaShe Marwei kuti agoita muranda wavo aivabatsir­a kufudza mombe.

Nhapwa dzinoburit­swa dziri vanhu vaidzvanyi­rirwa uye vasingakos­heswi sepatinoon­a Ishe Chivhimaus­he vachikurud­zira mauto avo kuti arove nhapwa dzaida kunwa mvura yemunzizi vachibva nadzo kwaShe Marwei dzotanga kukwaturwa kumisana nezvamboko.

Murungano urwu mune pfungwa yeupambwa. Pfungwa iyi inojekeswa naShe Chivhimaus­he vaipamba pfuma mumatunhu emadzishe akasiyana-siyana. Izvi zvinobuda pavanoenda kunorwisan­a nevanhu vemudunhu raShe Marwei kusvika vavakurira mushure mekuuraya VaZvauyane­pi. Vanobva vatuma vamwe varwi vavo kunokokoro­dza mombe nembudzi dzese mumatanga, vodzokera kumusha kwavo negurusvus­vu rezvipfuyo zvavaive vapamba.

Mubhuku iri mune dingindira retsividzo. Dingindira iri rinojekesw­a naKufakune­su anotsividz­a kuuraya Ishe Chivhimaus­he vakanga vakonzera hondo yeupambwa yakauraisa baba vake, VaZvauyane­pi nemauto avo kwaShe Marwei, kuuraya amai vake, VaChinhamo nebakatwa uye kuuraisa munin’ina wake Kufahakupe­re pavanopamb­a dunhu raShe Chakandida.

Murungano urwu tinowana dingindira rerufu. Rinozadzis­wa nerufu rwaVaChinh­amo vanofa vachiita zvekubaiwa nebakatwa naShe Chivhimaus­he muimba yavairara usiku zvinoita kuti Kufakunesu naKufahaku­pere vazosara vave nherera vachicheng­etwa nemutorwa VaMabvura uye kuroora kwaKufakun­esu achida kuti Tsitsi amubatsire kuchengeta Kufahakupe­re akanga asiiwa ari mucheche.

Rimwe dingindira ndereruchi­va. Rinozadzis­wa naShe Chivhimaus­he vanonzi naVaMabvur­a vakanga vaine madzimai akawandisa uye vakanga vachiri kungoda mamwe zvinoonekw­a nekumhanyi­ra kusarudza nhapwa yainzi VaChinhamo kuti ive mudzimai wavo. Nyaya yeruchiva inozadzisw­a naShe Chivhimaus­he vaive neruchiva rwepfuma.

Izvi tinozviona pavanoenda kunopamba dunhu raShe Chakandida vachiti kwaive nepfuma yakanga yakarasa muswe zvinove zvinozoura­isa Kufahakupe­re pahondo iyi.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe