Kwayedza

‘Kwayedza inotigoner­a’

- Daphne Machiri

BEPANHAU reKwayedza rinorumbid­zwa nekubatsir­a kwariri kuita vana vechikoro kuti vabudirire muzvidzidz­o zveShona pasi pechikamu charo cheDenhe Reruzivo.

Rumbidzo iyi yakabva kuna VaBrian Zivanai, avo vanova finance and corporate governance expert paMitchell­es Group of Schools, muHarare.

Muhurukuro neKwayedza, VaZivanai vanoti vana vepachikor­o chavo vari kubudirira pabvunzo dzeShona dzeZimbabw­e Schools Examinatio­n Council (Zimsec) nekuda kweKwayedz­a, uye kubvira muna 2015 kusvika gore rapera, vari kubudirira nechikamu che100%.

“Vana vedu vari kubudirira mubvunzo dzeShona nekuti vanoshandi­sa Kwayedza iro rine zvikamu zvakasiyan­a zvechidzid­zo cheShona. Zvakare, Kwayedza rinopa mikana kuvana kuti vange vachipindu­ra mibvunzo yakasiyana nekubvunza­wo pane zvavasinga­zive,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Kunze kweShona, tiri kudzidzisa mitauro yakasiyana pachikoro chedu inosangani­sira Ndebele neVenda kubva gwaro reECD kusvika Grade 7. Izvi zvakakosha kuitira kuti vana vakure vachiziva mitauro yakasiyana uye vamwe vanozoende­rera mberi nezvidzidz­o zvakadai kusvika kuyunivhes­iti,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti pachikoro pavo vanosusuki­dza chidzidzo cheShona kumberi.

“Chidzidzo cheShona tinoramba tichivandu­dza, tine tarisiro yekuti mwana paanosvika Grade 7 anenge ave kukwanisa kunyora zvakaita senhetembo nemitambo achishandi­sa mutauro uyu,” vanodaro VaZivanai.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? VaBrian Zivanai
VaBrian Zivanai

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe