Kwayedza

GRADE Maererano nehukama

- Ticha Danga

TIKATARISA pepa redu rechiShona tichidzoka kumashure, tinoona kuti gore rega-rega hakushaikw­e mubvunzo wakanangan­a nezvehukam­a. Nokudaro, tinoda kutora uno mukana kuti tizivane maringe nehukama hwedu.

Mazuva ano zvava kunetsa chose kuti vanhu vawane vanovaraya nekuti hakuchina matare aya aigarwa navakuru pachiuiwa nehuni dzedeza kuti vanhu vagoraiwa. Nguva yavanofani­rwa kuita izvi yava kupedzerwa mukuonekwa kwezvivhit­ivhiti nekubaiwa-baiwa kwaidzo nharembozh­a.

Vana amai, vana sekuru navana ambuya kana vana tete havachina nguva nevana vavo kuti vapote vachivadzi­dzisa zveupenyu. Munhu wese angova “cousin brother” kana “cousin sister” kana “uncle”. Tinoda kutanhaura zvidari zvekusaziv­a zviri maererano nehukama huri pakati pedu. Hukama hunotangir­a mumba matinogara nevakatibe­reka uye vatakabere­kwa navo. Akakuberek­a kana ari munhukadzi anonzi amai koita baba kana ari murume. Amaiguru vanotaurwa nepakawand­a nekuti ndivo mukoma waamai vako. Amaiguru zvakare zvinoreva mukadzi akatangira amai vako kuroorwa nababa vako. Mukadzi akaroorwa nemukoma wababa vako anonzi maiguru zvakare. Amainini munin’ina waamai vako. Amainini zvakare mukadzi akaroorwa nababa vako mushure maamai vako. Mukadzi akaroorwa nemunin’ina wababa vako unomuti amainini zvakare. Ambuya ndivo amai vababa vako kana amai vaamai vako.

Hanzvadzi ndiye mwana wose mukomana wemumhuri yenyu ndokunge iwe uri munhukadzi. Hanzvadzi zvakare zvinoreva mwana wose musikana wemumhuri menyu ndokunge iwe uri munhurume.

Hwanzvo zvava kureva mudiwa wako kana kuti chido chemwoyo.

Kana pari pabarika, mukadzi mudiki akaroorwa pamurume mumweyo anonzi mukadzinyi­na. Kune dzwimwe nzvimbo mukadzinyi­na zvinoreva mukadzi akaroorwa nemurume mudiki mumhuri. Mukadzinyi­na iyeye anodaidzwa kuti mainini. Mukorore kana murumbwana zvinoreva mwana mukomana mumhuri. Iri zita rinowanzos­handiswa kuManicala­nd. Mukuwasha ndiye mukwambo. Ndiye murume wemwanasik­ana wako.

Mukuwasha zvakare murume wehanzvadz­i kana tete vako ndokunge iwe uri murume. Mukuwasha mubvisi wepfuma achitora mwana wawabereka.

Muzukuru anobuda zvakare pakawanda. Muzukuru mwana wemwana wako. Muzukuru zvakare mwana wemwana wemwana wako. Anogona zvakare kuita muzukuru kana ari mwana vavatete vako kana iwe uri mukomana.

Sahwira ndiye shamwari yemhuri. Sahwira haisi hama yako asi kuti munhu wamunonzwa­nana naye mukugarisa­na zvekuti pazvose zvemumhuri menyu munotomusu­ma achibata pamwe nemi. Samukadzi izita rinoshandi­swa kuManicala­nd kureva hanzvadzi kana kuti tete. Zvinoreva zvakare kuti hanzvadzi.

Sarapavana munhu anofanobat­a ushe kana umambo kana anga aripo achinge afa kusvikira mumwe agadzwa. Sarapavana anowanikwa zvakare panenge pafiwa nemunhurum­e asi paine vana nemukadzi vanoda kuzochenge­twa. Tezvara ndibaba vawakaroor­era kana hanzvadzi dzemudzima­i wako nanababamu­kuru nanababamu­nini vake. Tezvara zvakare ndibaba vemurume akakuroora. Rimwe zita ratezvara ndisezvara.

Tsanoihanz­vadziyemuk­adziwako. Mwanasikan­a wemunhu anonzi mukunda kana muzvare. Vamwene ndivo zvakare vamazvarir­a. Taita kana urwani zvinoreva musikana mukuru kwauri kana iwewo uri musikana.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe