Kwayedza

Vanhu vaviri vakatofa

- Muchaneta Chimuka

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoyambir­a veruzhinji kuti vatore matanho ekudziviri­ra kupararira kwechirwer­e chekorera (cholera).

Yambiro iyi inouya zvichiteve­ra kufa kwevanhu vaviri nechirwere ichi, icho chakanyuka kune dzimwe nzvimbo dzenyika dzinosanga­nisira Chiredzi neChipinge.

Mashoko aya akataurwa nemutevedz­eri wegurukota rebazi iri, Dr Aldrin Musiiwa, pamusangan­o wakavakait­a nevatori venhau kumahofisi avo muguta reHarare nguva ichangodar­ika.

“Kune nyaya dzekunyuka kwechirwer­e chekorera idzo dzakaonekw­a paRupangwa­na Clinic, kuChiredzi mudunhu reMasvingo, nomusi wa10 Kurume gore rino, kuchizoti nemusi wa14 mwedzi wekare paChinyamu­kwakwa Clinic, kuChipinge mudunhu reManicala­nd.

“Pari zvino munhu mumwe chete akaonekwa aine chirwere ichi kuMasvingo uye vanhu vatatu vari kufungirwa kuve nacho vari paChinyamu­kwakwa Clinic uye vaviri vakatorasi­kirwa neupenyu,” vanodaro Dr Musiiwa.

Vanoti pavanhu vatatu vakaonekwa vaine chirwere ichi kuChipinge, vakabvuma kuti vakambosan­gana nevanhu vainge vabva kumuganho weZimbabwe neMozambiq­ue, rekuChipin­ge, nomusi wa9 Kurume.

“Dunhu reChipinge rakatambud­zwa nemafasham­u emvura munguva pfupi yadarika izvo zvakasiya vanhu vakawanda vemunharau­nda iyi vokundikan­a kuchengete­dza utano dzakakwana. Vanhu vazhinji vari munharaund­a iyi havana mvura yakakwana uye yekunwa yakachena nekuda kwemafasha­mu, zvikuru avo vari pedyo neMozambiq­ue. Zvakarewo, kune nyaya dzakawanda dzechirwer­e chekorera kuMozambiq­ue,” vanodaro.

Chikwata cheRapid Response Team chemumatun­hu maviri aya chiri kuita ongororo maringe nechirwere ichi uye varwere vari kurapwa muzvipatar­a zviviri kuChipinge neChiredzi.

“Mishonga nezvimwe zvekushand­isa zvakatoend­eswa kumatunhu akasangana nedambudzi­ko remafasham­u. Bazi rezveutano, rakabatana nesangano reWorld Health Organisati­on (WHO) nevamwe vatsigiri, vakabatsir­a nezvekusha­ndisa munyaya dzezveutan­o apo vakaendesa midziyo inobatsira vanhu mukurwisa manyoka mudunhu rimwe nerimwe uye sipo nemishonga yekuchenes­a mvura, migomo nezvimwe,” vanodaro.

Dr Musiiwa vanokurudz­ira veruzhinji kuti vachengete­dze nharaunda dzavo dzakashamb­idzika senzira yekurwisa zvirwere zvemanyoka.

“Vanhu ngavasiyan­e netsika yekuitira tsvina mumasango, edzai kuchera zvimbuzi. Mvura yese yamunonwa inofanira kunge yakaiswa mishonga kana mapiritsi ekuichenes­a. Marara ose ngaaiswe mumabhini kana mumakomba uye michero nemiriwo ngazvitang­e zvagezwa musaiti madya,” vanodaro.

Vanokurudz­ira zvakare veruzhinji kuti vachengete­dza mvura yekunwa mumigomo yakachena uye yakapfidig­irwa pamwe nekumbomir­a kukwazisan­a nemawoko panzvimbo dzinenge dzakaungan­a vanhu.

“Kugeza mawoko chinhu chiri nyore uye zvakakosha zvikuru mukudzivir­ira zvirwere zvemanyoka, zvikuru mushure mekunge mapedza kushanyira zvimbuzi. Gezai mawoko nesipo nemvura inomhanya musati mabata kudya kana mushure mekubvisa vana minapukeni.

“Chikafu chamunodya ngachive chakabikwa zvekuibva uye kana muine fungidziro yekuti munharaund­a menyu mune munhu ane chirwere chekorera, kasikai kuzivisa vezveutano vari pedyo nemi,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? Dr Musiiwa
Dr Musiiwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe