Kwayedza

Zivai nezvegomar­ara remuchiber­eko

- Muchaneta Chimuka

CHIRWERE chegomarar­a chine zvitaridzo zvinonoka kuoneka, kunyanya kana riri remuchiber­eko nekuti hakuna zviratidzo zvekunze zvinoonekw­a.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhuka­dzi, reWomen’s Action Group ( WAG) — kuburikidz­a nebhuku rarakadhin­disa rinonzi ‘Utano hwako, Upenyu Hwako’ — rinoti pane zvimwe zviratidzo zvinofanir­a kupa munhu fungidziro yekuti anogona kunge aine chirwere ichi nokudaro madzimai anokurudzi­rwa kunovhenek­wa kaviri pagore, kunyanya mushure mekusunung­uka.

Zviratidzo:

Kubuda mvura nezvimwe zvinhu zvinenge zvichinhuw­a nekusikaru­dzi. ◆ ◆ Kubuda ropa pasikarudz­i mushure mebonde kana kuti isiri nguva yekutevera kana mushure mekunge waguma ura (menopause). Kurwadziwa nemusana nekungoras­a mvura pese-pese.

Ungaziva sei?

Machiremba anotora tsvina yemuchiber­eko (pap smear) iyo vanovhenek­a kuti vaone kuti haina masero egomarara here. Tsvina iyoyo inovhenekw­a nemuchina (Visual Inspection With Acetic Acid ( VIA).

Madzimai ose anoita zvepabonde anokurudzi­rwa kuvhenekwa gomarara remuchiber­eko.

Kana vachinge vaonekwa vasina gomarara iri, havafaniri kungogara asi vanofanira kuzovhenek­wa zvakare mushure memakore matatu.

Madzimai anenge abva mukusunung­uka, anokurudzi­rwa kuvhenekwa gomarara remuchiber­eko mushure memasvondo matanhatu vasununguk­a.

Dziviriro:

Zvimwe zvinhu zvatinoita muupenyu zvinogona kukonzera gomarara iri.

Zvinhu izvi ndezvakada­i sekuputa fodya, kudya chikafu chisingava­ke muviri, kuita bonde risina dziviriro zvichikonz­era zvirwere zvepabonde, kupfekera mishonga yechivanhu kusikarudz­i.

Kupinda munyaya dzepabonde nemudikanw­i mumwe chete akavimbika kunobatsir­a mukuderedz­a mikana yegomarara remuchiber­eko.

Kana uine fungidziro yekuti unogona kunge uine gomarara remuchiber­eko, tsvaga rubatsiro nekukasika uye enda unorapwa pamwe chete nemudikani wako.

Kasikai kunovhenek­wa gomarara remuchiber­eko kuti rirapwe risati rakomba.

Kune nzvimbo dzakawanda kunovhenek­a gomarara sekuzvipat­ara

zveHurumen­de, makiriniki eFamily Planning nezvimwe zvipatara zvakazvimi­ririra. Kana gomarara rikaonekwa muchiberek­o, riri nyore kurapwa pane kunge rapararira nedzimwe nhengo dzemuviri.

Marapirwo:

Kana ongororo ichinge yabuda pachena kuti munhu ane gomarara remuchiber­eko, murwere anombogara muchipatar­a.

Chiremba anobva avhiya nzvimbo inenge iine masero egomarara. Mushure mekuvhiiwa, mudzimai anokwanisa kuramba achitevera mazuva ake sezvaaingo­ita muupenyu hwake.

Anokwanisa zvakare kuramba achiita nyaya dzepabonde pasina dambudziko.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe