Kwayedza

New Curriculum: Kudzidza kuita sei?

-

BAZI redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i rakaparura madzidziro matsva (new curriculum) kutanga kwegore rino.

Chinonetsa ndechokuti kune vanhu, zvikoro kusanganis­ira masangano akazvimiri­ra abva aratidza zvachose kuti havasi kuda “new curriculum” iyi, uyewo kuti havasi kuzoigamuc­hira kusvika zvido zvavo zvaitwa.

Makakatanw­a aya akonzerwa nei? Ndezviri mu”new curriculum” here kana kuti kubvira pakanzi nebazi redzidzo yepasi zvikoro zvese zvinofanir­a kuita “National Pledge”, vamwe vanhu vakabva vati vauwana mukana wokuita makakatanw­a negurukota rebazi iri, Dr Lazarus Dokora?

Kunenge kuomesera Dr Dokora moyo, asi chokwadi ndechokuti kuomesera vana venyu neramangwa­na.

Kana vasina vana vari muzvikoro vakatanga kupindiraw­o nyaya yacho, asi uchiona kuti vanopikisa vakananga zvakanyany­a panyaya dzechitend­ero. Sezvo Zimbabwe ichionekwa senyika ine vanhu vari muchitende­ro chechiKris­tu kupinda zvimwe zvitendero zvese, vamwe vakapindwa nepfungwa yokuti “new curriculum” iyi inzira yokuunza nayo zvimwe zvitendero zvakafanan­a nechiMosle­m.

Chinoita kuti utadze kunzwisisa kuti kusada zvimwe zvitendero here ndechokuti, mwana kana ari muchikoro, akadzidza zvinhu zvitsva, hazvirevi kuti ngaabve atora chinhu ichocho woita chake.

Tiri pachitende­ro ipapa tingape muenzaniso wokuti imwe temu angadzidza zvechiKris­tu, temu inotevera odzidza nezvokunam­ata midzimu, imwe temu zvakare odzidzawo zvecchiten­dero chechiBaha­i, zvichingod­aro. Ruzivo rwaanenge achiwana paari kufamba nedzidzi yake, asi hazvireve kuti temu yega yega, anotendeuk­ira kuchitende­ro chinenge chichidzwa panguva iyoyo.

Uyu ungori muenzaniso uri kushandisw­a nevakawand­a kana vave kutsoropod­za “new curriculum”.

Maonero avowo, asi zvingafadz­e zvikuru kuti nokusanzwa­nana kuri pakati pevanhu vechiKrist­u, sei vanhu vanopinda masangano anonzi maPentecos­tal kana Evangelica­l, vachiona zviri nyore kuendesa vana vavo kuzvikoro zviri pazvitende­ro zvechiKris­tu zvavanenge vasingapin­dirani nazvo – kungave kuMethodis­t, Roman Catholic kana kuAnglican? Sei pasina kupokana nokuti vana vanongonof­unda, asi voramba vachienda kukereke kwavagara vachienda?

New curriculum iyi isati yavepo, vamwe vabereki vange vachiendes­a vana vavo kuzvikoro kusina zvechinama­to, asi ivo vari vanamati. Pamusana pei?

Dzimba dzokunamat­ira dziri kunetsa kunyanya mumaguta akaita seHarare. Mamwe makereke ari kunamatira muzvivakwa zvavanhu vechiMosle­m. Saka ari kunyengedz­a mumwe ndiani?

Mukwende haasi kuti zvese zviri mu”new curriculum” zvitsvene, asi ari kuti dzimwe nguva vanhu ngatitsoro­podze chinhu tanzwisisa kuti chiri kuitirwei, uyewo kuti magumo acho achazovei, kwete kungoita zvegudza dungwe, kunge tisina pfungwa.

Dai munhu aizongoere­kana ave kuUnivhesi­ti – ECD, Grade Zero, Grade 1 kusvika kuGrade 7, uyewo Fomu 1 kusvika Fomu 6 zvaizove nebasa rei? Mwana anotanga kudzidza kuti “1 + 1 = 2”, asi unoona nokufamba kwenguva zvinenge zvisisiri nyore. Ruzivo rwunenge rwuchipamh­idzirwa pamatanho ese aya, kusvika asvike kuUnivhesi­ti. Hazvirevew­o zvakare kuti kana asvika kuUnivhesi­ti, zvokudzidz­a zvapera.

Vabereki, zvimwe zvinhu zvamunokur­umidzira kutsoropod­za, zvinhu zvinozobat­sira vana venyu mune ramangwana.

Imi savabereki ndimi munozoona kuti maisa mwana wenyu mugwara ramunoda, kunyanya panyaya dzechitend­ero. Kuziva zvakasiyan­a-siyana, zvinoitawo kuti vana venyu vatambanuk­e pfungwa, nokuti pasi ratave kurarama nhasi, nemichina yaveko yokutaura nokufambis­a mashoko, vanogona kuzoita sarudzo vaine ruzivo rwezvinhu zviri pamberi pavo.

Mamwe mabhizines­i akabudirir­a atiri kuona nhasi uno, anotungami­rirwa navanhu vane pfungwa dzakatamba­nuka, vanhu vanoziva kuti kana uri kunzvimbo kwakati, unofanirwa kuita zvakati nezvekuti, musati mapinda munhaurwa dzebhizine­si.

Kune dzimwe nyika, kukwazisan­a chaiko kune chirevo zvokuti munotadza kuwana bhizinesi kana musina kuzvifundi­ra. Nguva yokuti vanhu ngavazive vakura yakapfuura. Ngavadzidz­iswe mukukura ikoko, imi vabereki muripo muchibatsi­rana navarairid­zi, kwete kungotsoro­podza chete.

Vamwe vana vanotarisi­ra kuzonoshan­da kune dzimwe nyika kana masangano akaita seUnited Nations. Dzinogona kuve nyika dzine zvitendero zvamuri kuramba nhasi uno mu”new curriculum”. Saka munozozvif­ambisa sei kana musina chiono cheramangw­ana?

Ngatiyerur­ewo zvishoma-shoma imwe nyaya iri maererano nedzidzo. Pandiri kunyora kudai, handina kuziva kuti handina kufunda pamusana pokuti ini neimwe mhomho yeZimbabwe nepasi rese hatina kufunda zvinyorwa zveMathema­tics, Science, Technology neEngineer­ing. Ndiwo mamwe mashoko ave kubuda nhasi uno nemhaka yeSTEM.

Kana takazvinon­okera, takazvinon­okera! Hapana zvidzidzo zvisina kukosha. Muvarairid­zi, magweta, nevamwe vanoita mabasa asingadi zvidzidzo izvi vanozowani­kwa kupi, nani?

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe