Kwayedza

Mudumbu mangu munotamba

-

MUBVUNZO:

SEKURU, ndaita dambudziko remudumbu nemakumbo. Makumbo angu anopisa pasi petsoka achirwadza. Izvi zvakatanga pandakasan­gana nemumwe mukadzi wandinofam­bidzana naye. Tisati tasangana, takaenda kunotorwa ropa kanokwana kashanu maresults akabuda ari nagetive. Pandakasan­gana naye rimwe rezuva ndisina kudzivirir­a, ndakatanga kurwadziwa kunhengo yangu ndichiburi­tsa zvinenge hurwa kana mukaka. Ndakaenda kwachiremb­a ndikapihwa treatment asi nanhasi hazvina kupera.

Dambudziko rimwe ravepo nderekuti mudumbu mangu munokwata nekurira. Pandakadzo­kera kwachiremb­a nedambudzi­ko remudumbu iri, chiremba akati igas rakawandis­a ndakanyore­rwa mishonga yandakasha­ndisa asi hazvina kusanduka. Chingava chii?

MHINDURO:

Vazukuru vangu chinzwai dambudziko rine mumwe wenyu uyu. Wakaenda kwachiremb­a asi hapana zviri kusanduka. Zvakatowed­zera mudumbu mako mukatanga kukwata. Chamunofan­irwa kuziva ndechekuti kune zvimwe zvirwere zvisingara­pike kwumachire­mba ekuzvipata­ra asi kuchivanhu.

Unogone kurota uchiita bonde nemudzimai kana murume kuhope, kudya chikafu chokukachi­dza, iwe womuka uchirwadzi­wa nepahuro kana nemudumbu. Kurwara kwakadai kunouya nenzira dzisiri dzaMwari asi kuti kunokonzer­wa nehusherek­etwa.

Izvozvi zvichida pane vari kushandisa ropa rako kuita mari, kutora masimba avanoda kwauri. Iwe nekuti simba rako riri kushandisw­a, unonzqwa muviri kurukutika, makumbo nemudumbu zvichirwad­za.

Ndinofara kuti unoti wakaenda kwachiremb­a asi zvikashaya basa. Nokudaro zvava pachena kuti unofanirwa kutsvaga rubatsiro kuchivanhu.

Enda kuvanhu vanoita zvechivanh­u unobatsirw­a nguva ichiripo. Unokwanisa kuenda kumahofisi eZinatha uko uchaudzwa kune munhu anogona kukubatsir­a asi ungwarire vaya vemanyepo.

. Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe