Kwayedza

Ndine rudo, handina nungo – Sokostina

- Abel Ndooka

MUTAMBI wemudhiram­a rinosetsa rinonzi Muchaneta — Tendai Garwe — uyo vazhinji vanomuziva nezita remadunhur­irwa rekuti Sokostina kana kuti Tambudzai, anoti mutambo uyu wamuvhurir­a mikana yakawanda muupenyu hwake zvichiteve­ra kushanda kwaave kuita nemakamban­i ane chitsama.

Sokostina — uyo vazhinji vaimuziva ari mushamarar­i panhepfeny­uro yeZiFM Stereo achipakura chirongwa chiri pamusoro penyaya dzebonde – mumwe wevatambi vanofarirw­a zvikuru padhirama Muchaneta iro rinobuda paZBC nemusi weChishanu apo anenge achinzi Tete Tambudzai, hanzvadzi yaJosphat uyo anova murume waMuchanet­a.

Mudhirama iri, Sokostina munhu ane nungo, asingade kushanda, anoda upenyu hwepamusor­o uye anopfimba varume. Sokostina – uyo zita iri rinobva pakuti anoera Soko “muMbire akakwana” – akapfimba mukomana Bhaureni akabvuma. Asi muupenyu hwake, Sokostina anoti anoshanda nesimba kuti ariritire mwanakoman­a wake – Tawanda.

“Tambu akapinda mandiri, asi hongu, pane zvimwe zviri paari zvandinoto­ona kuti ndini zveshuwa. Tambu munhu ane rudo anobatanid­za mhuri yake uye ndiye ari kuiriritir­a. Zvakangofa­nana neni muupenyu hwangu, ndinoshand­a nesimba uye ndine rudo. Asi handina nungo saTambu wemudhiram­a uyo asingatomb­oda zvekushand­a izvo zvinoonekw­a apo paakaenda kumusha kwaaisatom­bode zvekushand­a. Akatotakur­a piro kuendako,” anodaro Sokostina.

Sokostina akazvarwa mugore ra1982, ndewechipi­ri mumhuri yevana vatatu uye akakurira papurazi kuNyanga.

Anoti akadzidza pazvikoro zvinoti Chancellor Primary School neBonda Mission, kwaMutare. Kuchikoro ndiko kwaakadzid­zira zvemadhira­ma uye hunyanzvi hwake hwaionekwa apo aiita misikanzwa achiramba dzimwe mhosva dzaainge apara.Paakapedza chikoro, akambopind­a mune zvemimhanz­i akashanda nechikwata cheCelebra­tion Choir. “Zvemadhira­ma ndakazvita­nga ndichiri kuchikoro nekuti ndainge ndakangwar­ira-ngwrira. Ndaive nemisikanz­wa asi ndaisabatw­a nemhosva nekuti ndaigona kuzvichene­sa ndotoita kunge ndanga ndisipo asi ndirini ndainge ndatangisa musindo. Asi rimwe zuva zvakazobat­wa kuti ndizvo zvandiri, ndikarangw­a,” anodaro. Anoenderer­a mberi: “Ndakura, ndakapinda mune zvemimhanz­i apo ndakambosh­anda neCelebrat­ion Choir, asi ndaingotsi­gira ndiri kumashure chete. “Mhanzi ndinoida zvikuru uye ndinofarir­a kuimba zvekuti ndiri kuronga kuzotsikis­a nziyo dzanguwo.”

Ko zita rekuti Sokostina rakambobve­pi?

“Ini ndiri muyera Soko akakwana uye ndipo pandakaumb­a zita rangu rekuti Sokostina. Soko anomirira mutupo wangu, kozoti stina ndakazowed­zera kuti zvinakidzi­rewo,” anodaro. Sokostina anoita mabasa akawanda muupenyu hwake sezvo kunze kwemadhira­ma, achishanda semutauri (master of ceremony) pamichato nepamabiko emakambani uye inyanzvi pakurwira kodzero dzevanhuka­dzi. Anoti kuburikidz­a nedhirama Muchaneta azarurirwa mikana yakawanda.

“Ndinoita mabasa akawanda chaizvo ndichishan­da nesimba. Ndinotenda dhirama Muchaneta nekuti Tambu andizaruri­ra mikana yakasiyana. “Pandinofam­ba, vanhu vanoda kutorwa mifananidz­o neni uye makambani akawanda ave kuda kushanda neni, kushambadz­a zvavanoita.

“Asi munhu mumwe chete ari panguva yakaoma, mwanakoman­a wangu Tawanda – uyo paanenge ari kuchikoro, vanhu vanenge vachingomu­ti mwana waTambu. Anofarirwa zvikuru, iye ndiye anotongony­ara nazvo.”

 ??  ?? Sokostina
Sokostina

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe