Kwayedza

Shandisai mishonga inouraya sora: Seed Co

- Malven Mugadzikwa

KAMBANI huru ine mukurumbir­a wekuuchika mbeu munyika muno yeSeed Co inoti zvakakosha kuti varimi vasimudzir­e goho ravo kuburikidz­a nekushandi­sa dzimwe nzira dzakareruk­a pakuita basa dzakaita sekushandi­sa mishonga inouraya sora mumbesa dzavo.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaSimba Gotosa vanova head of communal agronomy kukambani iyi

nguva yadarika apo vaiongoror­a goho rechibage kuMuzaraba­ni, kudunhu reMashonal­and Central.

Vanoti varimi vazhinji vari kusangana nedambudzi­ko rekudzikir­a kwegoho nekuda kwesora rinenge risina kusakurirw­a zvakakwana asi ipo paine dzimwe nzira dzinogona kushandisw­a mukupedza sora iri.

“Varimi farirai kushanda pamwe chete nevarimisi munyaya dzekubvisa sora muminda yenyu. Takakombor­erwa kuti nyika yedu ine varimisi vakawanda chaizvo vakamirira basa rekubatsir­a varimi. Varimisi vedu vane hunyanzvi hwekuziva kuti mishonga yesora inoshandis­wa sei uye vanovabats­ira kuisa mishonga yacho. Kune vamwe vanoti havaisi mishonga, kunyanya varimi vekumaruwa uye vekumapura­zi madiki. Chisingazi­vi varimi vazhinji ndechekuti zvinodhura kuisa vanhu vemaricho mumunda nekuvabhad­hara pane kushandisa mishonga inouraya pamwe chete nekupisa sora,” vanodaro VaGotosa.

Vanoti kusakura dzimwe nguva kunotokang­anisa mamiriro anenge akaita ivhu izvo zvinotadzi­sa zvirimwa kukura zvakanaka.

“Aiva makare apo vamwe vaiudzwa nevarungu kuti mishonga yesora haina kunaka nekuti varungu vaida kuti minda yavo iibve yevaitema isingaibve. Varimi ngatifambi­ranei nenguva panzira dzekurima dzechimanj­e-manje. Kusakura dzimwe nguva kunokangan­isa mamiriro evhu (soil structure) uye kunogona kuvhiringi­dza mbeu nekuti dzinotemwa pakusakura. Chimwe chibage chinobva chatadza kuita vana vakasvika nekuti chinenge chambotemw­a-temwa pakusakura,” vanodaro.

VaGotosa vanoti pambeu dzechibage dzose dzinouchik­wa nekambani yavo hapana isingaite kushandisi­ra mishonga yekupisa sora asi chakakosha kuti murimi atange aona murimisi asati ashandisa mushonga uyu.

Muhurukuro neKwayedza, mukuru wevarimisi (Arex supevisor) kuCentenar­y - VaOwen Magwanya - vanoti varimi vanofanira kuve neruzivo rwakadzama vasati vashandisa mishonga inouraya sora.

“Kune varimi vanoenda kunotenga mishonga yekuuraya nekupisa sora vasati vaona vanamudhum­eni zvinova zviri kuzoita kuti mishonga iyi inzi yakashata. Vazhinji vavo vanongoten­ga mishonga vasina ruzivo rwakakwana. Varimi tinovakuru­dzira kuti vaone varimisi vavo maererano nedambudzi­ko ravanenge vainaro vasati vaenda kuzvitoro kunotenga mishonga. Chakakosha pamurimi kuziva mhando yesora riri mumunda make, chechipiri kuziva zera rava nembeu dzake kozotiwo maisirwo anoitwa mushonga wacho,” vanodaro.

Vanoti mishonga inouraya sora iyi yakasiyana mashandiro acho.

“Kune mishonga inoshanda kusora rave nemashizha akapamhama, kozoti inoshanda kusora rine mashizha matete. Mukuisa mushonga, kune inoiswa mbesa dzisati dzabuda, koita inoiswa mbesa dzabuda asi ichosarudz­a kuuraya sora chete, kozotiwo imwe inoiswa mukati membeu asi ichiuraya zvese sora nembeu. Pamishonga inouraya sora zvese nembeu iyi varimi, vanofanira kuishandis­a zvine hungwaru,” vanodaro.

 ??  ?? VARIMI vokurudzir­a kushandisa madiridzir­o senzira yekudzinga nzara.
VARIMI vokurudzir­a kushandisa madiridzir­o senzira yekudzinga nzara.
 ??  ?? VaSimba Gotosa
VaSimba Gotosa
 ??  ?? VaOwen Magwanya
VaOwen Magwanya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe