Kwayedza

Bhora mutambo zvakare

-

VAVERENGI vanotsigir­a nhabvu, tinoda kuti mufembere, mutiudze kuti mutambo wehushamwa­ri pakati neZimbabwe neZambia (nemusi weSvondo kuNational Sports Stadium) uchapera sei. Tumirai mhinduro dzenyu panhamba dzinoti 0714 200 007.

Hezvinoi zvakatumir­wa nevamwe vaverengi pamusoro pemutambo weCAF Champions League waivepo pakati peCAPS UNITED neTP Mazembe (nemusi wesvondo wadarika kuNational Sports Stadium).

Shepherd Manyange – CAPS UNITED 1 TP Mazembe 0.

***

Dhliwayo, Rusape - Kepe kepe 2 TP Mazembe 1. ***

0773 060 240 - CAPS UNITED 0 TP Mazembe 2.

***

0773 184 495 - CAPS UNITED 2 TP Mazembe 1.

*** Mafevuke, Chikangwe, Karoi - CAPS UNITED 2 TP Mazembe 0.

***

Katsvairo wePlatinum - CAPS UNITED 0 TP 1.

***

Zvaipira S Feremenga, Domboshava

- CAPS UNITED 2 TP Mazembe 1.

*** Lovemore Kashawo, Kuwadzana - CAPS UNITED 2 TP Mazembe 1.

***

0712 306 177 - CAPS UNITED 2 TP Mazembe 1.

***

Stewart Magunje - CAPS UNITED 3 TP Mazembe 1.

◆ “Kwatabva ndiko kwange kune makata, kwatave kunanga kunewo makata asi zvakasiyan­a nekwatabva nekuti tarakidza kuti tinokodzer­a kuve tiri pakati pezvikwata zvepamusor­o zvemuAfrci­a.”

Mwaka uno CAPS UNITED ichange ichirwira mikombe miviri mikuru inoti Premier League neChampion­s League.

Chitima anoti Kepe-kepe yakarwa zvikuru kuchengete­dza vatambi vayo vese avo vakahwina mukombe wePSL gore radarika uye ndokupamid­zira vamwe nechinangw­a chekusimbi­sa chikwata apo vakatarisa­na nekurwira mikombe miviri iyi.

“Takagona kuramba tine vatambi vataive nayo mwaka wadarika izvo tiri kuona kuti zvichatiba­tsira zvikuru mwaka uno mukurwira kuchengete­dza mukombe wedu wePSL uye kurwira weChampion­s League.

“Kubudirira kuenderera mberi muChampion­s League kwativhuri­ra mukana wekuwedzer­a vamwe vatambi vashanu vanosangan­isira Leonard Tsipa uyo watakamben­ge takatsveta mumitambo yadarika,” anodaro Chitima.

Chitima anoti anotenda vatsigiri venhabvu veCAPS UNITED pamwe nevezvimwe zvikwata avo vakauya kuzovatsig­ira svondo radarika mumutambo wavo neTP Mazembe.

“Vatsigiri vedu nevamwe vakatifadz­a svondo radarika nekuuya kuzotitsig­ira kwavakaita, zvinhu zvinofadza chaizvo uye isu tinotenda nazvo, ngazviramb­e zvakadaro.

“Patinotamb­a tinenge tisingatam­bire CAPS UNITED chete, asi tinenge tine nyika yese nekuti chatinoda kuona nhabvu yemuno ichisimuki­ra uye ichiwana rutsigiro rwakasimba sezvaimboi­tika kare,” anodaro.

Chikwata chichahwin­a mukombe weCAF Champions League gore rino, kunze kwekupihwa US$2,2 miriyoni, chinowanis­wa zvakare tikiti rekunokwik­widza kumutambo we2017 FIFA Club World Cup uyo uchaitirwa kuUnited Arab Emirates muna Zvita.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe