Kwayedza

Ipa murwere rudo netsitsi

-

SVONDO rino tine nyaya inoratidza musiyano mukuru uripo pakati pevarapi vanamukoti nemadhokot­era vemazuva ano nevakare.

Nyaya iyi ndeyaMbuya Serina Maurikira, avo vanoti vakashanda kwemakore anodarika 20 vari mukoti.

Sekutaura kwaMbuya Maurikira, pane musiyano mukuru pakati pevarapi vanhasi nevenguva yavo.

Ichokwadi kuti pasi rapinduka uye vanhu vanofanirw­a kufambiran­a nenguva, asi pane zvinhu zvinotaris­irwa kubva kumukoti kana dhokotera, izvo zvisingasa­nduki.

Zvimwe zvezvinhu zvinotaris­irwa kubva kuvarapi ndezvinoti tsitsi, rudo nekuve neshungu pabasa chinangwa chiri chekukoshe­sa upenyu. Izvi hazvisandu­ke! Asi tikanyotso­dzamisa pfungwa tinoona kuti havazi vanamukoti kana kuti machiremba ose vane rudo, tsitsi kana shungu pabasa chinangwa chiri chekuti murwere ararame.

Kune vamwe vekuti murwere anotoshami­swa kuti akapinda sei basa rekuti azove murapi nekuda kwehunhu hwake.

Pane vamwe vanamukoti vanotozivi­kanwa nekuchenam­ira varwere zvekuti murwere anogona kupihwa rekufuga nerekuwari­ra izvo zvinotozow­edzera marwadzo ake.

Sekutaura kwaMbuya Maurikira, kune vamwe nhasi uno vari kupinda basa rekurapa, kwete nekuti vane chido naro asi nekuti vanenge vachida mari. Mabasa ari kunetsa kuwana nekudaro vamwe vanopedzis­ira voita makosi avanenge vasingade.

Asika, zvakakosha kuti kana munhu wafunga zvekuve mukoti kana kuti chiremba, unotofanir­wa kuzvipira nekuti harizi dambe.

Upenyu hwemunhu hunokosha nekudaro kana munhu ari murapi anofanirwa kuziva kuti akaita zvedambe kana musara, murwere anokwanisa kurasikirw­a neupenyu.

Mazuva ano kune vamwe varapi vanoita basa ravo vachitotau­ra nevamwe vanhu panharembo­zha kana kuti vari paWhatsApp.

Vakadai ava havatomboo­na kuipa kwazvo asi zvine njodzi huru sezvo murapi anogona kunyora zvisirizvo pakadhi remurwere kana kumupa mishonga isiriyo nekuti pfungwa dzake dzinenge dzisiri pabasa.

Kune vamwe varapi zvakare vanonzi vanosvika pakurova varwere vachiti vanenge vanetswa. Nguva yadarika, pane nyaya yakabuda munhau yemumwe mukoti wechirume wepachipat­ara chePariren­yatwa Group of Hospitals, uyo ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo murwere apo aive muwadhi achirapwa. Nyaya dzakadai dzinotyisa nekuti unobva wazvishayr­wa pazvo. Zvakare, vanamukoti nemadhokot­era vanosvika panguva yavanoramw­a mabasa nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a. Hongu, inogona kunge iri kodzero yavo yekuramwa mabasa, asiwo zvinoisa upenyu hwevarwere panjodzi.

Zvakakosha kuzivawo kuti kune vamwe varapi nhasi uno vari kuita basa ravo zvinodadis­a uye chishuviro cheveruzhi­nji kuti kudai vakadai vawanda, vane rudo, tsitsi nekukoshes­a upenyu.

— —

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe