Mapurisa voferefeta n’anga
MAPURISA anoti ari kuferefeta nyaya yen’anga ine mukurumbira yekuMudzi, mudunhu reMashonaland East, iyo iri kupomerwa kubata hunhapwa nekubhinya kamwana kasikana kwemakore gumi ako yainge yati inokwanisa kurapa asi ndokuzorambira nako ichiti inoda kutanga yabhadharwa mari nemombe nevabereki vemwana uyu.
Jekesani Navhaya (50), uyo anozivikanwa saSekuru Pingizi, anogara mubhuku raMushamba uye anonzi akazotorerwa mwana uyu zvechisimba nehama dzake dzichibatsirana nenhengo dzeimwe chechi nguva pfupi yadarika.
Mwana uyu – uyo pakatanga kubuda nyaya iyi muKwayedza svondo rapera, akangodomwa saVimbai – akaendeswa nevabereki vake kun’anga iyi vachida kuti abviswe mamhepo.
Pari zvino Vimbai ava nemakore 22 ekuzvarwa asi anonzi akaendeswa kun’anga iyi makore gumi adarika zvichireva kuti apa aiva nemakore 12 okuberekwa.
Zvisinei, Navhaya akaudza Kwayedza svondo rapera kuti Vimbai ndiye akamupfimba zvekuti atova mudzimai wake wechipiri.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi.
“Isu semapurisa, tave kuongorora nyaya iyi uye takaendesa mwana uyu kuchikamu chedu cheVictim Friendly Unit (VFU) uko iri kuferefetwa. Pane matanho ari kutorwa kuti musikana uyu aendeswe kunoongororwa pfungwa dzake nenyanzvi (psychologist) kuti zvionekwe danho nehudzamu hwekushungurudzwa uko anonzi akaitwa ari mumawoko men’anga iyi.
“Zvikapera izvozvo, kumusha kwen’anga iyi kuchaendwa yonotaurwa nayo kuchitorwa matanho akakodzera,” vanodaro Insp Muzondo.
N’anga iyi ine magwaro anoratidza kuti inhengo yesangano reZinatha.
Mukuru weZinatha, VaGeorge