Kwayedza

Mapurisa voferefeta n’anga

- Kingstone Mapupu

MAPURISA anoti ari kuferefeta nyaya yen’anga ine mukurumbir­a yekuMudzi, mudunhu reMashonal­and East, iyo iri kupomerwa kubata hunhapwa nekubhinya kamwana kasikana kwemakore gumi ako yainge yati inokwanisa kurapa asi ndokuzoram­bira nako ichiti inoda kutanga yabhadharw­a mari nemombe nevabereki vemwana uyu.

Jekesani Navhaya (50), uyo anozivikan­wa saSekuru Pingizi, anogara mubhuku raMushamba uye anonzi akazotorer­wa mwana uyu zvechisimb­a nehama dzake dzichibats­irana nenhengo dzeimwe chechi nguva pfupi yadarika.

Mwana uyu – uyo pakatanga kubuda nyaya iyi muKwayedza svondo rapera, akangodomw­a saVimbai – akaendeswa nevabereki vake kun’anga iyi vachida kuti abviswe mamhepo.

Pari zvino Vimbai ava nemakore 22 ekuzvarwa asi anonzi akaendeswa kun’anga iyi makore gumi adarika zvichireva kuti apa aiva nemakore 12 okuberekwa.

Zvisinei, Navhaya akaudza Kwayedza svondo rapera kuti Vimbai ndiye akamupfimb­a zvekuti atova mudzimai wake wechipiri.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi.

“Isu semapurisa, tave kuongorora nyaya iyi uye takaendesa mwana uyu kuchikamu chedu cheVictim Friendly Unit (VFU) uko iri kuferefetw­a. Pane matanho ari kutorwa kuti musikana uyu aendeswe kunoongoro­rwa pfungwa dzake nenyanzvi (psychologi­st) kuti zvionekwe danho nehudzamu hwekushung­urudzwa uko anonzi akaitwa ari mumawoko men’anga iyi.

“Zvikapera izvozvo, kumusha kwen’anga iyi kuchaendwa yonotaurwa nayo kuchitorwa matanho akakodzera,” vanodaro Insp Muzondo.

N’anga iyi ine magwaro anoratidza kuti inhengo yesangano reZinatha.

Mukuru weZinatha, VaGeorge

 ??  ?? Jekesani Navhaya
Kandiyero vanotiwo sangano ravo richaongor­ora mashandiro aNavhaya uye kana akawanikwa aine mhosva yekushanda zvinopesan­a nemutemo, vachamutor­era magwaro ebasa.
Jekesani Navhaya Kandiyero vanotiwo sangano ravo richaongor­ora mashandiro aNavhaya uye kana akawanikwa aine mhosva yekushanda zvinopesan­a nemutemo, vachamutor­era magwaro ebasa.
 ??  ?? Insp ector Muzondo
“Nyaya yen’anga iyi yakasvika kwatiri.
‘‘Tichatuma vanhu vedu ikoko vonoongoro­ra, tozoizeya mudare redu reZinatha,” vanodaro.
Insp ector Muzondo “Nyaya yen’anga iyi yakasvika kwatiri. ‘‘Tichatuma vanhu vedu ikoko vonoongoro­ra, tozoizeya mudare redu reZinatha,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe