Kwayedza

ZVIDHOMA ZVINODA ‘STONDIDO’ ‘Zvinobvuta nyama, mazai nechingwa’ ‘Zvava kutoda vanozvigon­a’

- Kingstone Mapupu Munyori weKwayedza

PANE mudzimai wemumusha weOld Tafara, muHarare, uyo ari kuti zvidhoma zviri kumutambud­za zvava kumberi — zvava kuruta zvekusvika pakuti kana akangodya “tumastondi­do” tunonaka senyama, chingwa kana mazai, izvo zvinopinda mudumbu make, zvotora zvose zvaadya zvekusara onzwa nzara.

Anoti kana akangodya chikafu chinonaka uye chakabikwa zvakanaka bedzi, hapana chakanaka — chose chinotorer­wa chava mudumbu izvo zvaanotonz­wa kuti mune chiri “kupakura” zvaanenge adya.

Mukadzi uyu ari kuti zvinhu zvaanoudzw­a kuti zvidhoma izvi zviri kumutorera chikafu chaanenge adya chose mudumbu uye chimwe chechikafu ichi chinobuda nekusikaru­dzi kwake asi chisina kuzeyewa.

Sezvinonzi zviri kuitika kwaari izvi zvishoma, mudzimai uyu anoti anoona varoyi pamba pake masikati machena uye mwanakoman­a wake ave kusvitsa makore maviri achigara akazvivhar­ira mumba.

Mai Dor ica Noah ( 65) vepanhamba 1482 Tsombori Crescent vanoti vave nenguva yakareba nedambudzi­ko iri uye kwavanofam­ba vanoudzwa kuti zviri kukonzerwa nezvidhoma.

“Ndinodya zvakawanda kudarika vanhu vose mumba mangu. Asi pandinenge ndaguta, ndinozonzw­a sekunge ndine dombo hombe mudumbu, ndichitonz­wa kuremerwa.

“Dzimwe nguva ndinonzwa kuda kuita weti yakawandis­a asi ndikamhany­a kuchimbuzi, ndinonobur­itsa ringava sadza kana nyama panzvimbo yeweti. Pamwe ndinonzwa mudumbu mangu muchitopin­zwa chinenge ruwoko, kudya kwandineng­e ndadya kuchitorwa sezvinoita mugwaku mupoto,” vanodaro.

Vanoti zvekutorer­wa kudya mudumbu izvi zvinonyany­oitika kana vakadya nyama kana chingwa chine margarine, dovi kana mazai.

“Ndave kutotya kutenga nyama, zvikuru soseji, kana chingwa mumba mangu.

“Musi wandinodya mastondido chete, kudya uku kunotorwa ndichangop­edza kudya.

“Ndinozoswe­ra nenzara kana kurara nayo asi ndambodya. Kwandinofa­mba ndinonzi ndakaberek­eswa zvikwambo kana kuti zvidhoma zvinondidy­ira kudya mudumbu,” vanodaro Mai Noah.

Vanoti dambudziko iri rakatanga apo murume wavo akashaya makore akadarika panove ndipowo pavakatang­a kuona masaramusi akasiyana pamba pavo.

“Ndinoona varoyi vasina kupfeka pamba pangu masikati machena. Vamwe vacho ndinotovaz­iva, ndeve muno muTafara, uye vanondinon­gedzera vachiti vachandika­urisa. Ini handina zvandinogo­na kuvaiita.”

Varoyi vavanoona ava vanoti vanosangan­isira vanhu vakuru netuvana. Mai Noah vanoti vana vavo vatanhatu — vasikana vatatu nevakomana vatatu —havana dambudziko seravo, kunze kwemukoman­a mumwe chete uyo anogara akazvivhar­ira mumba.

“Ndine mukomana mudiki wekupedzis­ira wandinogar­a naye pamba, Tinashe Noah (20), uyo anogara akazvipfig­ira mumba chipo chemakore maviri zvatanga. Idambudzik­o randinoda kuti ndibatsirw­e neruzhinji rweZimbabw­e, mwana wangu aite zvakanaka,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi: “Matambudzi­ko angu aya dzimwe nguva zvinombonz­i nemaporofi­ta nen’anga ndezvekumu­sha kwangu vamwe vachiti kwemurume. Ini nemurume wangu tose tinobva kuMozambiq­ue, saka zvichida ikoko kune vamwe ikoko vanosherek­eta vachitisai­rira mweya yakaipa.”

Mai Noah vanotizve dzimwe nguva vanongosha­ya kudya kwakaita sehupfu, shuga, sauti nemafuta ekubikisa izvo zvinongony­angarika pasina munhu wavavanoon­a achizvitor­a.

“Kudya kunonyanga­rika mumba makakiiwa toshaya kuti zvaenda kupi uye zvinonziwo zvinotorwa nezvidhoma. Saka nguva zhinji tinogara tichitenga zvinhu zvatinenge tambotenga kare, hapana mbavha inozviba asi kuti zvinotorwa nezvidhoma,” vanodaro Mai Noah.

Kwayedza payakashan­yira mhuri iyi svondo rino, yakawana Tinashe akazvivhar­ira mumba uye akatozomut­swa naamai vake apo airamba kubuda. Akazobvuma kuonana nevatori venhau mushure mechinguva­na asi ndokuzoedz­a kutiza achida kunozvivha­rira mumba.

“Zviri kutaurwa naamai manyepo, ndinobuda kunze ini. Inyaya yekuti hakuna mabasa saka ndinogara zvangu ndakarara. Ndinobuda wani kunze, hapana panondirwa­dza ini,” anodaro mukomana uyu.

Asi akatadza kupindura kuti ane shamwari yechisikan­a kana yechikoman­a here avo anoenda achinoona.

Ganda remukomana uyu rinoratidz­a kuti rave kuda zuva sezvo achinzi anongogara mumba mune mumvuri. MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti mhuri yekuOld Tafara, muHarare, iyo ine mukadzi anotorerwa chikafu nezvinhu zvaasingao­ne, inoda kubatsirwa.

“Mhuri iyi inofanirwa kushandirw­a yose pasina anosara nekuti pane mhiko dzakaipa dzakaiswa pamusha apa izvo zvinogona kunge zvakasiiwa nababa vayo vakange vakaromba,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naVaPatric­k Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni (41) vekuMt Darwin vachiti Mai Noah nemhuri yavo vanogona kunge vachishand­iswa nezvikwamb­o.

“Dambudziko remhuri iyi rekuti amai vanotorerw­a kudya mudumbu nekuitawo weti yechikafu vachiona varoyi masikati machena, uku mwana achigara akazvivhar­ira mumba, zvinoda kuti vabatsirwe nevanogona.” Madzibaba Enock vechechi yeJohane Masowe Nguwo Tsvuku Nyenyedzi Nomwe vekuBudiri­ro 4, muHarare, vanotiwo mhuri iyi inoda kushandirw­a nenguva.

“Nyaya dzakadai hadzidi kuvarairwa, dzinoda kuti vanhu ava vabatsirwe nenguva uye nevanogona,” vanodari Madzibaba Enock.

 ??  ?? Mai Dorcas Noah
Mai Dorcas Noah
 ??  ??
 ??  ?? Tinashe Noah
Tinashe Noah
 ??  ?? VaKandiyer­o
VaKandiyer­o

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe