ZVIDHOMA ZVINODA ‘STONDIDO’ ‘Zvinobvuta nyama, mazai nechingwa’ ‘Zvava kutoda vanozvigona’
PANE mudzimai wemumusha weOld Tafara, muHarare, uyo ari kuti zvidhoma zviri kumutambudza zvava kumberi — zvava kuruta zvekusvika pakuti kana akangodya “tumastondido” tunonaka senyama, chingwa kana mazai, izvo zvinopinda mudumbu make, zvotora zvose zvaadya zvekusara onzwa nzara.
Anoti kana akangodya chikafu chinonaka uye chakabikwa zvakanaka bedzi, hapana chakanaka — chose chinotorerwa chava mudumbu izvo zvaanotonzwa kuti mune chiri “kupakura” zvaanenge adya.
Mukadzi uyu ari kuti zvinhu zvaanoudzwa kuti zvidhoma izvi zviri kumutorera chikafu chaanenge adya chose mudumbu uye chimwe chechikafu ichi chinobuda nekusikarudzi kwake asi chisina kuzeyewa.
Sezvinonzi zviri kuitika kwaari izvi zvishoma, mudzimai uyu anoti anoona varoyi pamba pake masikati machena uye mwanakomana wake ave kusvitsa makore maviri achigara akazvivharira mumba.
Mai Dor ica Noah ( 65) vepanhamba 1482 Tsombori Crescent vanoti vave nenguva yakareba nedambudziko iri uye kwavanofamba vanoudzwa kuti zviri kukonzerwa nezvidhoma.
“Ndinodya zvakawanda kudarika vanhu vose mumba mangu. Asi pandinenge ndaguta, ndinozonzwa sekunge ndine dombo hombe mudumbu, ndichitonzwa kuremerwa.
“Dzimwe nguva ndinonzwa kuda kuita weti yakawandisa asi ndikamhanya kuchimbuzi, ndinonoburitsa ringava sadza kana nyama panzvimbo yeweti. Pamwe ndinonzwa mudumbu mangu muchitopinzwa chinenge ruwoko, kudya kwandinenge ndadya kuchitorwa sezvinoita mugwaku mupoto,” vanodaro.
Vanoti zvekutorerwa kudya mudumbu izvi zvinonyanyoitika kana vakadya nyama kana chingwa chine margarine, dovi kana mazai.
“Ndave kutotya kutenga nyama, zvikuru soseji, kana chingwa mumba mangu.
“Musi wandinodya mastondido chete, kudya uku kunotorwa ndichangopedza kudya.
“Ndinozoswera nenzara kana kurara nayo asi ndambodya. Kwandinofamba ndinonzi ndakaberekeswa zvikwambo kana kuti zvidhoma zvinondidyira kudya mudumbu,” vanodaro Mai Noah.
Vanoti dambudziko iri rakatanga apo murume wavo akashaya makore akadarika panove ndipowo pavakatanga kuona masaramusi akasiyana pamba pavo.
“Ndinoona varoyi vasina kupfeka pamba pangu masikati machena. Vamwe vacho ndinotovaziva, ndeve muno muTafara, uye vanondinongedzera vachiti vachandikaurisa. Ini handina zvandinogona kuvaiita.”
Varoyi vavanoona ava vanoti vanosanganisira vanhu vakuru netuvana. Mai Noah vanoti vana vavo vatanhatu — vasikana vatatu nevakomana vatatu —havana dambudziko seravo, kunze kwemukomana mumwe chete uyo anogara akazvivharira mumba.
“Ndine mukomana mudiki wekupedzisira wandinogara naye pamba, Tinashe Noah (20), uyo anogara akazvipfigira mumba chipo chemakore maviri zvatanga. Idambudziko randinoda kuti ndibatsirwe neruzhinji rweZimbabwe, mwana wangu aite zvakanaka,” vanodaro.
Vanoenderera mberi: “Matambudziko angu aya dzimwe nguva zvinombonzi nemaporofita nen’anga ndezvekumusha kwangu vamwe vachiti kwemurume. Ini nemurume wangu tose tinobva kuMozambique, saka zvichida ikoko kune vamwe ikoko vanoshereketa vachitisairira mweya yakaipa.”
Mai Noah vanotizve dzimwe nguva vanongoshaya kudya kwakaita sehupfu, shuga, sauti nemafuta ekubikisa izvo zvinongonyangarika pasina munhu wavavanoona achizvitora.
“Kudya kunonyangarika mumba makakiiwa toshaya kuti zvaenda kupi uye zvinonziwo zvinotorwa nezvidhoma. Saka nguva zhinji tinogara tichitenga zvinhu zvatinenge tambotenga kare, hapana mbavha inozviba asi kuti zvinotorwa nezvidhoma,” vanodaro Mai Noah.
Kwayedza payakashanyira mhuri iyi svondo rino, yakawana Tinashe akazvivharira mumba uye akatozomutswa naamai vake apo airamba kubuda. Akazobvuma kuonana nevatori venhau mushure mechinguvana asi ndokuzoedza kutiza achida kunozvivharira mumba.
“Zviri kutaurwa naamai manyepo, ndinobuda kunze ini. Inyaya yekuti hakuna mabasa saka ndinogara zvangu ndakarara. Ndinobuda wani kunze, hapana panondirwadza ini,” anodaro mukomana uyu.
Asi akatadza kupindura kuti ane shamwari yechisikana kana yechikomana here avo anoenda achinoona.
Ganda remukomana uyu rinoratidza kuti rave kuda zuva sezvo achinzi anongogara mumba mune mumvuri. MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti mhuri yekuOld Tafara, muHarare, iyo ine mukadzi anotorerwa chikafu nezvinhu zvaasingaone, inoda kubatsirwa.
“Mhuri iyi inofanirwa kushandirwa yose pasina anosara nekuti pane mhiko dzakaipa dzakaiswa pamusha apa izvo zvinogona kunge zvakasiiwa nababa vayo vakange vakaromba,” vanodaro.
Mashoko avo anotsinhirwa naVaPatrick Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni (41) vekuMt Darwin vachiti Mai Noah nemhuri yavo vanogona kunge vachishandiswa nezvikwambo.
“Dambudziko remhuri iyi rekuti amai vanotorerwa kudya mudumbu nekuitawo weti yechikafu vachiona varoyi masikati machena, uku mwana achigara akazvivharira mumba, zvinoda kuti vabatsirwe nevanogona.” Madzibaba Enock vechechi yeJohane Masowe Nguwo Tsvuku Nyenyedzi Nomwe vekuBudiriro 4, muHarare, vanotiwo mhuri iyi inoda kushandirwa nenguva.
“Nyaya dzakadai hadzidi kuvarairwa, dzinoda kuti vanhu ava vabatsirwe nenguva uye nevanogona,” vanodari Madzibaba Enock.