Kwayedza

Econet yaunza Data Double Up

- Tandayi Motsi

KAMBANI yeEconet Wireless iri kuenderera mberi nekuvandud­za zvirongwa zvayo nedonzvo rekuzadzis­a zvido zvemakasit­oma ayo uye ichangobva mukuparura chirongwa cheData Double Up Campaign, icho chinopa mukana wekuenda paWI-FI nechikamu che100% pachena kune vose vanenge vatenga ma”data bundles” kuburukidz­a nenzira inoti #143#.

Pamusoro pezvo, pave zvakare nema”Weekly Data Bundles” anotangira pa$0,50 cents uye kuburikidz­a ne”Smart Data Network”, makasitoma anokwanisa kuenda padandemut­ande (Internet) zviri nyore.

Chamangwiz­a weEconet Wireless, VaDouglas Mboweni, vanoti donzvo ravo nderekuzad­zisa zvido zvemakasit­oma avo.

“Tinonzwisi­sa zvikuru basa rakakosha rinoitwa nedandemut­ande, kwete kumararami­ro edu chete, asi mukusimuki­ra kwenharaun­da zvichiende­rana nekuzadzis­wa kwezvinang­wa zveSustain­able Developmen­t Goals (SDGs). Kuburikidz­a nemabasa atinoita, tinoda kupa makasitoma edu hukoshi pamwe nekuti vanzwe kusununguk­a nekusarudz­a zvavanoda kushandisa,” vanodaro.

Vanoti zvirongwa zvazvo zvinoender­ana nemunhu mumwe nemumwe sekuti ari mubhizimis­i rekutenges­a here kana kuti mudzidzi anokwanisa kufunda achishandi­sa dandemutan­de.

VaMboweni vanoti zvakare vadzidzi vari kupuraimar­i vanokwanis­a kuwana fundo pachena kuburikidz­a nechirongw­a chavo cheRuzivo Digital Learning.

“Tine nzvimbo dzinobata masai-masai eWI-FI dzinodarik­a 300 munyika yose uye tiri kuramba tichidziwe­dzera,” vanodaro.

 ??  ?? VaDouglas Mboweni
VaDouglas Mboweni

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe