Kwayedza

Kukundwa kufunga nehuku

-

Kusarudza kuda kana kusada. Kusarudza kumira tichiona murume nemukadzi vatisingaz­ive vari kurwa pamagirosa. Kusarudza kupa kana kunyima Mwari chanzi yekuti atiratidze kuti hupenyu chii.

Tinosarudz­a kutaura chokwadi, kana kunyepa. Asi ndinotenda Mwari kuti havana kuti vana vasarudze vabereki. Dai vana vaisarudza vabereki, dai vabereki vazhinji vasina vana.

Zvimwe chetewo nevamwe vana vanoshungu­rudza vabereki, dai zvainzi vabereki vasarudze, vana ivavo vangadai vari maburi anobvinza. Nekuti kana uri buri uri chinhu chisipo!

Iko zvino ndave kunzwisisa kuti sei mumwe mufundisi akati pane chikonzero chiripo chakaita kuti Eve ave mbabvu muBhaibher­i. Akati chikonzero ndechekuti ukatora tsvimbo kuti urove munhu pambabvu, munhu iyeye anod- zikisa maoko ake kuti avharidzir­e mbabvu dzake.

Adam ndiye ruoko rwakasimba rwunocheng­etedza Eve. Adam haaise Eve pachena, asi iye ndiye anogamha tsvimbo nezvibhake­ra, achigamhir­a Eve.

Murume chaiye anofanira kufa achirwira kuchengete­dza mukadzi wake nemwanasik­ana wake.

Haafanirwe kupa mukadzi nemwanasik­ana wake kuti vatorwe, kuti iye agobuda mune zvinonetsa. Varume vanopa vanasikana nevakadzi vavo kumapere kuti ivo varege kutarisana nematambud­ziko imbwende.

Handina kumbobvira ndazvifung­a kuti kune vamwe vanhu vanokundwa kufunga nehuku.

Kana uchida kuona kuchengeta nekuchenge­ra – cherechedz­a huku ichangobva mukuchocho­nya mazai. Hausvike pedyo nayo ukabata tunhiyo twayo yakati favava. Unoiona zvino yavhura mapapiro ayo ichimhanya kuti ikurume.

Maitiro ayo, nekuchema kwainenge ichiita anokuudza kuti pano paita hondo, hapana kumira zvakanaka.

Ndakaona huku ine nhiyo ichimisidz­ana nenyoka nevavariro yekuti ichengete vana vayo vasadyiwe. Ndakaona huku ichirumwa nenyoka asi ichiramba yakavharid­zira vana vayo pasi pemapapiro. Ndiko kuchengete­dza.

Huku haitize nyangwe chinhu chakakura semombe, nekuti inoziva kuti vana vayo havana simba, uye havazive chinonzi njodzi kana kutiza njodzi.

Ndizvo zvinoita kuti Jesu muBhaibher­i ashandise muenzaniso wehuku achiti, “Iwe Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaprofita uye uchitaka namabwe avo vakatumwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidz­a vana vako pamwe chete, sehuku inounganid­za hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo, asi ukaramba!”

Zvino ndipo paunonzwa kuti vamwe baba nevamwe amai vakanosiya mwana kun’anga kwemakore 10, achirapwa nekurepwa.

Imi kurapwa rudzii kunoita makore 10? Hamuzvione kuti n’anga iyo yakatozvio­na kuti inogona kuita zvainoda nekuti kubvuma kusiya mwana kun’anga kwakaita vabereki ava kunoratidz­a kushaya han’ya.

Hazvireve chinhu kuti baba namai vataure kuti vakaita makore 10 vachitadza kutora mwana wavo kubva kun’anga. Inga wani vanhu vanorwira zvipfuyo zvavo chaizvo. Kutoona munhu achisarudz­a kufa nekuti vanhu vanenge vamutorera imbwa yake chaiyo.

Hakuna munhu anorambira nemwana wemumwe munhu nekuti mwana haasi hembe yemubhero yakabviswa pamuviri nemumwe munhu nekuti akanga asisaide.

Zvino nyangwe mukazotora mwana uyu mushure memakore ese aya, anofara here kuti mamununura iye akachekwac­hekwa nyama nemweya kudaro? Kana dai vari baba vakanga vachitunga­mirira zvekutauri­rana nen’anga iyi, amai vaive kupi chaizvo?

Madzimai muri vabatsiri mudzimba umu, regai kungobvumi­ra hufuza hwevarume. Regai kukundwa nechidhinh­a chisina maziso nepfungwa chinoziva kuti kana chagadzikw­a pachagadzi­kwa chinofanir­a kugara, asi kana pakauya chinokorom­ora madziro chinobva.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe