Kwayedza

Beam – ‘Chikwereti hachisi kumubereki’

Regai vana vanyorese bvunzo: Hurumende

- Tandayi Motsi

VANA vanodzidza vachibhadh­arirwa mari pasi pechirongw­a cheBasic Education Assistance Module (Beam), avo vanenge vaine zvikwereti zvemari dzechikoro havafanirw­e kurambidzw­a kunyoresa bvunzo dzeZimbabw­e Schools Examinatio­n Council (Zimsec) sezvo mari iyi ichizobhad­harwa neHurumend­e.

Mashoko aya akataurwa nemutevedz­eri wegurukota rinoona nezvevasha­ndi veHurumend­e nekubatsir­wa kwevanosha­ya, Engineer Tapiwa Matangaidz­e, mudare reNational Assembly nguva yadarika.

Eng Matangaidz­e vaipindura mubvunzo wemumiriri weSt Mary’s mudare iri, VaUnganai Tarusenga, avo vanoti vamwe vabereki vane vana vanobhadha­rirwa mari dzechikoro neBeam vari kumanikidz­wa nevakuru vezvikoro kuti vafanobvis­a mari iyi apo Hurumende inenge yanonoka kuibhadhar­a.

“Pane dambudziko riripo pari zvino, revana vari kubvisirwa mari pasi pechirongw­a cheBeam avo vabereki vavo vari kumanikidz­wa nevakuru vezvikoro kuti vafanobhad­hara mari dzemafizi kana vana vavo vachida kuenda kuForm 1 kana Form 5.

“Mutemo unoti kudii pamusoro pevatungam­iriri vezvikoro vanoramba vachida kuti vabereki vafanobvis­a mari yefizi vachimirir­a Hurumende painozobha­dhara mari yeBeam?” vanodaro VaTaruseng­a.

Eng Matangaidz­e vanoti: “Mutemo weHurumend­e unoti kana mwana achibatsir­wa pasi pechirongw­a cheBeam, kana mari iyi isati yabviswa, chikwereti chinenge chiri cheHurumen­de. Saka mukuru wose wechikoro anofanirwa kunge achiwanisa mwana ari kubhadhari­rwa neBeam nzvimbo yaanenge achitsvaga kana iripo.

“Hongu, panogona kunge paine kunonoka kwekubhadh­arwa kwemari iyi, asi chibvumira­no chinenge chiri pakati pechikoro neHurumend­e. Saka izvi zvinhu zvakajeka. Vana vari kubhadhari­rwa mari neBeam vanofanirw­a kutenderwa kunyoresa kuti vazokwanis­e kunyora bvunzo. Kana paine vakuru vezvikoro vasiri kutevedza izvi tizivisei pamwe chete nebazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, tinoita kuti vazviteved­zere.”

Vana vanobatsir­wa pasi pechirongw­a cheBeam vanosangan­isira nherera nevanobva kumhuri dzinotambu­ra.

 ??  ?? Eng Matangaidz­e VaUnganai Tarusenga
Eng Matangaidz­e VaUnganai Tarusenga
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe