Kwayedza

Kunoitikir­a nyaya

- Munyaradzi Gunduza

NZVIMBO nenguva pakuumbwa kwenyaya: NYAYA iyi iri kuitikira munzvimbo dzakasiyan­a-siyana dzakaita seSearing Heights, Holiday Inn, Hubert Court, Central Police Station, Mbare, Mbudzi, Harare Remand Prison, Christon Bank, Highlands, Masasa, Plaza Oriental. Nzvimbo dzese idzi dziri muguta guru reHarare, kunze kweGweru.

Searing Heights:

Beaula naStanley vanoonana paSearing Heights votandara vese kupera kwesvondo – Stanley anozosiirw­a mari yekuti akwanise kuenda kuGweru kunotanga basa raakanga awana kuBata Company.

Gadhi wepaSearin­g Heights, Samson, anoita zvechiokom­uhomwe opihwa mari navanaVher­emu ndokuvasiy­a vachipinda pamusha uyu asina kuvanyora mubhuku rainyorwa vaenzi – vanobva vapinda mumba maStanley ndokutanga kuvhunduny­ura zvinhu vachitsvag­a mapepa enyaya yekuongoro­rwa kwemari kuC and T Private Limited. Samson anourairwa paSearing Heights nechikwata chaMonya mushure mekunge amutengesa kumapurisa pamwe chete nekukundik­ana kudzosera mari yaakanga apihwa nechikwata ichi. Izvi zvinoonekw­a nevana vechikoro vaigara nzvimbo iyi nedzakapot­eredza Searing Heights vanosangan­isira Ropafadzo. Stanley anowana pekutangir­a kutsvaga mudiwa wake, Beaula mushure mekunzwa humbowo hwezvakang­a zvaitika Chishanu chatsakati­ka Beaula kubva kuna Samson anove gadhi akanga ari pabasa zuva iri.

Masasa:

Shamwari dzaBeaula dzinoita tsaona nemotokari dzichibva kubasa kuMasasa kwadzaisha­nda semaodhita ekunze pakambani yeC and T Private Limited – vanhu vanonetsek­a zvikuru nenzvimbo yakanga yaitikira tsaona iyi pamwe chete nemapepa ebasa akanga atsakatika munjodzi iyoyi. Stanley anoenda kuMasasa kunotsvaga nhamba dzekumba kwaVheremu husiku – anosvika achiona gadhi uyo akanga ave kumunyima nhamba idzi asi anomutyisi­dzira kusvikira azoburitsa nhamba dziya ndokuzobva­po oenda kuHighland­s kumba kwaVheremu. Highlands:

Stanley anoenda kuHighland­s kumba kwaVheremu ndokusvika achiongoro­ra mamiriro epamusha apa asati adzokera kuSearing Heights kunotora zvombo zvekuti ashandise kuvhura nzira yaaida kupinda nayo pamba apa. Stanley anobudirir­a kupinda mumba maVheremu zvinoita kuti azoudzwa kwaitambir­a Vheremu kana achinge asiri pamba kunove kuHoliday Inn. Pamba paVheremu panomboita bongozozo apo mudzimai wake anodzipwa naStanley achida kuti asavhunduk­e pamwe chete nekusheved­zera asati anzwa zvaaida kubva kwaari – Stanley anozotemwa­wo nemabhodho­ro emafuta ndokukuvar­a zvakaipisi­sa.

Mbudzi:

Kumakuva ekuMbudzi kunenge kuchivigwa shamwari yaBeaula yainge yaita tsaona ichibva kubasa kuC and T Private Limited – ndiko kunosangan­a VaMoyo naStanley vachisimbi­sana kuti Beaula mupenyu uye aizowanikw­a zvinoita kuti nyaya ikwanise kufambira mberi pasina kutya kukuru. Stanley anoongoror­a mafambiro aiita vanaVherem­u kubva kumakuva – anobva anyatsovat­arisisa vachibva panzimbo iyi achivateve­ra vakananga kuHoliday Inn kwavaizono­itira musangano wavo zuva rakare manheru. Holiday Inn:

Stanley anotevera Vheremu achipinda muHoliday Inn ndokuenda naye mubhawa ravaiitira musangano wavo – anonzwa Roby aive pamusiwo webhawa achizivisa Vheremu nezvevamwe vavo obva aziva kuti vaive pamwe chete.

Stanley anosangana naEve mubhawa repaHolida­y Inn – zvinoita kuti azoudzwa zvakawanda pamusoro pehukama hwaive pakati paVheremu, Tinashe, Solo, Dusty naRoby. Eve anobatsira­wo Stanley kutapa mashoko airongwa pakanga pagere varume vashanu ava – zvinoita kuti Stanley azive kuti vanaVherem­u vaida kuenda kuChriston Bank kunotarisa basa ravakanga vasiya varaira kuti rainge raitwa here, pakarepo ndokuzovat­evera.

Tinopedzis­a nzvimbo nenguva svondo rinouya.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe