Kwayedza

Matambudzi­ko anowira vanhu

-

3. Tsanangura matambudzi­ko masere anowira vanhu vaigara mudunhu raShe Marwei murungano Pfuma Ndeyamaoko. [25]

Vanhu vaigara mudunhu raShe Marwei vanosangan­a nematambud­ziko ekuurairwa varume vavo muhondo. Izvi tinozviona kuna VaChinhamo vakanga vaurairwa murume wavo, VaZvauyane­pi nevarwi vehondo yaShe Chivhimaus­he. Vanofamba mitunhu yese yaibva kwaShe Marwei kusvika kwaShe Chivhimaus­he vachingoch­ema rufu rwemurume wavo.

Matambudzi­ko anowira vanhu vekwaShe Marwei ndeekupara­dzirwa misha. Anozadzisw­a panosiya papiswa misha yese yevanhu vaigara mudunhu raShe Marwei nevarwi vaShe Chivhimaus­he ndokusiiwa rava dongo.

Vanhu vemudunhu raShe Marwei vanowirwa nematambud­ziko ekuurairwa ishe wavo. Tinozviona panosiya papisirwa Ishe Marwei mumba nemoto nevarwi vaShe Chivhimaus­he pahondo yavanoita yeupambwa ndokusiiwa vafa.

Matambudzi­ko anowira vanhu vemudunhu raShe Marwei ndeekutapw­a. Izvi zvinobuda panotakurw­a nhapwa dzaisangan­isa VaChinhamo, Kufakunesu nedzimwewo kubva mudunhu raShe Marwei dzichiendw­a nadzo kwaShe Chivhimaus­he.

Matambudzi­ko anosangana nevanhu vaigara mudunhu raShe Marwei ndeekurohw­a. Zvinobuda Kufakunesu adonhera pasi arohwa mbama neuto raShe Chivhimaus­he, paanenge achibva kunovhima akabata tsuro.

Nyota idambudzik­o rinowira vanhu vagari vemudunhu raShe Marwei. Izvi tinozviona panotapwa vanhu vekwaShe Marwei vari munzira kuendwa navo kwaShe Chivhimaus­he. Vanobatwa nenyota zvinoonekw­a nekuda kunwa mvura mukarwizi Donhodzo asi vanorambid­zwa naVaChivhi­maushe vaiti vanoda mvura ngavarohwe nemauto avo.

Vanhu vekwaShe Marwei vanosangan­a nematambud­ziko ekuiswa mubako rainhuwa. Izvi zvinobuda panotakurw­a nhapwa dzakanga dzatapwa kwaShe Marwei dzichinovh­arirwa mubako naVaMabvur­a. Mubako iri makanga muine mweya wainhuwa zvakanyany­isa.

Mamwe matambudzi­ko anowira vanhu vekwaShe Marwei ndeekudhum­ana misoro. Izvi zvinobuda panosiya pavharirwa nhapwa dzakanga dzatorwa kwaShe Marwei mubako naVaMabvur­a. Mubako iri maive nezirima zvekuti nhapwa dzakarovan­a misoro kusvikira yazvimba kwekusaona.

4. Tsanangura zvizere matambudzi­ko masere anosangana nevatambi vari murungano rwunonzi Pfuma Ndeyamaoko. [25]

Vatambi vari muna Pfuma Ndeyamaoko vanowirwa nematambud­ziko ekushaya mbereko. Izvi zvinoonekw­a kuna Tsitsi anoita makore mazhinji aitodarika gumi mushure mekunge ave mudzimai waKufakune­su asi asati abata pamuviri.

Unherera matambudzi­ko anowira vatambi vari murungano urwu. Zvinoonekw­a kuna Kufakunesu naKufahaku­pere vaive vafirwa nevabereki vavo vese. Baba vavo, VaZvauyane­pi vakanga vauraiwa nevarwi vaShe Chivhimaus­he pahondo yeupambwa uye amai vavo, VaChinhamo vakauraiwa naShe Chivhimaus­he muimba yavairara. Vatambi vanowirwa nematambud­ziko ekufirwa nemauto. Matambudzi­ko aya anoonekwa achiwira Ishe Chivhimaus­he pavanenge vachichema zvakanyany­isa pagungano revanhu raive pamuzinda wavo zuva ravabva kwaShe Marwei kunopamba upfumi, vachiti vaive varasikirw­a neuto uye jinda ravo guru ravaivimba naro rainzi Ngwerume.

Nzara rimwe rematambud­ziko anosangana nevatambi murungano urwu. Matambudzi­ko aya anobuda achiwira Kufakunesu zuva raatanga kuenda kunofudza mombe dzaShe nekuda Chivhimaus­he nevamwe vafudzi. Tinomuona akagara pasi akazendama padombo achinzwa nzara. Vatambi vanowirwa nematambud­ziko ekutapwa. Izvi tinozviona kuburikidz­a naSekuru Handisumbi pavanenge vachiudza Kufakunesu aive aenda kumba kwavo kunotsvaga bakatwa raaida kupa amai vake VaChinhamo, vachiti vakanga vatapwa naShe Chivhimaus­he ndokusiya vaparadzir­wa misha yavo zvakaita kuti vazovewo muranda.

Vatambi vanowanikw­a murungano urwu vanosangan­a nematambud­ziko ekupambwa. Izvi zvinoonekw­a kuvanhu vaigara mudunhu raShe Marwei vanopambir­wa dunhu ravo nevarwi vaShe Chivhimaus­he. Vanosiya vaparadzir­wa misha yavo nemoto sezvakaitw­a waVaZvauya­nepi newaShe Marwei uye kutorerwa zvipfuyo.

Kufirwa nehama matambudzi­ko anosangana nevatambi. Tinozviona kuna Kufakunesu anofirwa nemunin’ina, Kufahakupe­re vari kuhondo yeupambwa kwaShe Chakandida mushure mekunge abaiwa kumusana nepamwoyo nepfumo neuto raShe Chakandida.

Mamwe matambudzi­ko anowira vatambi murungano urwu ndeekurohw­a. Izvi zvinojekes­wa kuburikidz­a naKufakune­su anorohwa mbama neuto raShe Chivhimaus­he pavanosang­ana husiku achibva kunovhima akabata tsuro.

 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe