Kwayedza

‘Basa mberi, mari mushure’

- Muchaneta Chimuka

CHEMBERE yekuKambuz­uma, muHarare – iyo yakashanda kwemakore anodarika makumi maviri samukoti – inoti varapi vemazuva ano vasiyana zvikuru nevakare sezvo vakudhara vaive neshungu pamwe nechido nebasa ravo uye vaisatunga­midza mari mberi.

Mbuya Serina Maurukira (77) vanoti mumakore avakashand­a, zvaiera kunzwa kuti vanamukoti vanoramwa basa nekuda kwezvikonz­ero zvakaita sekuda kuwedzerwa mari yavanotamb­ira.

“Ndakaberek­erwa muchipatar­a cheMutare General Hospital asi ndiri chizvarwa chekuMozam­bique. Ndakazoroo­rwa kuChiweshe nemurume wangu uyo ave mushakabvu, Harrison Maurukira (78),” vanodaro.

Vanoti vakatanga kushanda basa remumba mugore ra1952 vaine makore 17 okuberekwa apo vaipota vachiwedze­ra fundo yavo panguva imwe cheteyo.

“Panguva iyi, dzidzo yaibvira paSub A kusvika kuStandard 6, inova yandakasvi­ka muna 1956.”

Mbuya Maurukira vanoendere­ra mberi: “Mugore ra1957, ndakaenda kuMorganst­er Memorial Hospital, kuMasvingo, uko ndakanoita zvidzidzo zvangu zvekurapa kwemakore matatu, kureva kuti kubvira 1957-59.”

Vanoti muna 1960, vakatanga kushanda pachipatar­a cheHarare Central Hospital vari general nurse.

“Kureva kuti ndaishanda mumawadhi ose aisanganis­ira kunovhiiwa varwere nekunorapw­a vanodzoker­a kudzimba (out-patient). Asi hawaipihwa basa kusvika mwedzi mitatu yadarika. Mushure meizvi, murapi aizoshanda kwemakore matatu asina kusainiswa magwaro ekupinda basa nekuti vaida kutanga vaona kuti uri murapi ane chido chekubatsi­ra varwere here asi peyi yako ichiuya yakakwana.”

Mbuya Maurukira – avo muhurukuro ino vaitaura vachimboka­nda mamwe mashoko echiRungu uye anoshandis­wa navanachir­emba navanamuko­ti – vanoti panguva iyi, kwakange kusina vashandi vanorapa vairamwa mabasa sezvave kuitwa mazuva ano nekuti nhunha dzavo dzaigadzir­iswa vachishand­a.

“Munguva iyi, ndinovimba kuti takange tiri varapi 583 paHarare Central Hospital. Dambudziko raivepo bedzi nderekuti pakange pasati pave nechikamu cherabhori­tari chekuitira ongororo. Saka zvinhu zvose taiendesa kune yamava kuti Parirenyat­wa Group of Hospital kuti zvinovhene­kwa, ndiko kwaive nemuzinda wacho.

“Asi ndinofara kuti chipatara cheHarare Central Hospital nhasi uno chave neshanduko huru yekuvawo nerabhorit­ari uye zvivakwa zvawanda zvinova zvave kuita kuti varwere vakawanda vange vachibatsi­rwapo,” vanodaro.

Zvisinei, Mbuya Maurukira vanoti vanamukoti vekare vachiri kuramba vachipembe­dzwa zvikuru kana zvichienza­niswa nevemazuva ano.

“Pandinofam­ba ndinombonz­wa vamwe vanhu vachiti muzvipatar­a zvemazuva ano varwere havasi kubatwa zvakanaka, zvinondirw­adza zvikuru. Unotonzwa vanhu vachiti varapi vekare ndivo vaive kwavo izvo zvinondipa mubvunzo wekuti sei pave neshanduko yakadai?” vanodaro.

Vanoti mazuva ano kune vamwe vari kudzidzira kuve vakoti nekuda kwekuti vanenge vashaya mamwe mabasa ekuita.

“Ndinoona kuti mazuva ano vanhu vazhinji vari kupinda mubasa rekurapa nekuda mari bedzi kana kuti ndiro basa ravanenge vaona kuti riri nyore kupinda, asi vasina chido nebasa racho. Kare taicherech­edzwa zvikuru kuti vaone kuti uri munhu akaita sei kuti unge uchiva murapi.

“Vaitarisa rudo, tsitsi neshungu pabasa uye zvaitotyis­a kuti unzwe kuti pane munhu afa pachipatar­a nekuti paitonyorw­a maripoti akakura kuti paonekwe firo yacho kuti yakamira sei nezvikonze­ro zvacho.”

Mbuya Maurukira vanoti sevarapi, vaito mur

“N enda tal) muk yake yem zvisi

“N mus kuti ndao mur zvin

 ??  ?? Mbu
Mbu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe