Kwayedza

Zvaishandi­swa kare nanhasi

- Ticha Danga

3. Hata – Kutsigisa

4. Mugwaku – Kupakura

5. Sanhu – Kutema

*** ZVAKABVA KUVANA:

Lynn Noku Sithole, Domboramwa­ri Primary School – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema.

*** Christophe­r Marks, Form 4 – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema.

***

Mai B Chinhoyi – 1. kutsamira;

2. kurara; 3. kutsigisa; 4. kupakura; 5. kutema

***

Tafadzwa Shara, Grade 4, Matarutse Primary School, Mhondoro – 1. kurara - rupasa;

2. kutsamira - mutsago; 3. kupakura - mugwaku; 4. kutsiga - hata; 5. kutema - sanhu.

*** Brookelyn Mverechena, Grade 7, Vainona Primary School – 1. kutsamira; 2. kurara; 3. kutsigisa; 4. kupakura; 5. kutema

*** Tafadzwa Shara, Grade 4, Matarutse Primary School, Mhondoro – 1. kurara - rupasa;

2. kutsamira - mutsago; 3. kupakura - mugwaku; 4. kutsiga - hata; 5. kutema - sanhu.

*** Michael Mariwa, 0777 073 901, Budiriro 1 – 1. kutsamira; 2. kurara; 3. kutsigisa; 4. kupakura;

5. kutema

***

0779 398 811 – 1. kutsamira; 2. kurara; 3. kutsigisa; 4. kupakurisa; 5. kutema

*** Takudzwa Kanga Chadzuka – 1. kutsamira; 2. kurara; 3. kutsigisa; 4. kupakurisa; 5. kutema

*** Spencer Mutemasang­o, Glen View 1 – 1. kurara - rupasa; 2. kutsamira - mutsago; 3. kupakura - mugwaku; 4. kutsigisa - hata; 5. kutema - sanhu.

*** Rosaria Sibanda, Grade 5, Tapiwa Primary School, Gweru – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema

*** Tadiwanash­e Jaure, Kuwadzana 1 High – 1. kurara - rupasa;

2. kutsamhira - mutsago; 3. kupakura - mugwaku; 4. kutsigisa - hata; 5. kutema - sanhu

*** Ruponeso Kativhu, Nyamapanda Primary School – 1. kurara - rupasa; 2. kutsamhira - mutsago; 3. kupakura - mugwaku;

4. kutsigisa - hata; 5. kutema - sanhu

***

Obey, Borrowdale – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema

*** Anotida Zimunhu, 7 Blue, Kudakwashe Primary – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema

***

Mai Mresherwa, Chimaniman­i Kushinga – 1. haaperi; 2. mumasese; 3. mujira; 4. nevarising­adi

***

0775 830 086 – 1. mandinonok­era; 2. kutunga; 3. apera; 5. muranda kumwe

***

0773 796 466 – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema

*** Shingairai Gwamure – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema.

***

0771 101 299 – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara;

3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema.

***

Fortune Mazowe, Grade 5 – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema.

***

Bryt Mhondiwa, Milton Park – 1. kutsamira; 2. kurara; 3. kutsigisa; 4. kupakura; 5. kutema

*** Prince Tapa, St Anhony’s CPS, Private Bag 119 Jerera – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema.

***

Edith Madade, Grade 4, Bembezaan Primary School, Kwekwe – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema.

*** Ndinonzi Lucia Geofreys, ndiri mugwaro rekutanga paMuguta Secondary School – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara;

3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema.

*** Tafadzwa Tawengwa, Grade 7 Silver, Dombotombo Primary School, Marondera – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara;

3. hata - kutsiga; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema.

*** Joseph C Madumani, Hatfield – 1. mutsago - kutsamira;

2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura;

5. sanhu - kutema

***

Tariro Mtombeni, Gweru – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa – kurarira; 3. hata – kutsiga; 4. mugwaku – kupakura; 5. sanhu - kutema.

*** Tinotenda Kampiwa, Gurure Primary School, Nyazura – 1. mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema.

*** Tinotenda Kampiwa, Gurure Pri School, Nyazura – Tsumo:

1. Mandinonok­e; 2. dzedanga rimwe; 3. nzima ; 4. nderake; 5. kumwe

***

0772 738 486 – Tsumo: 1. mandinonok­e; 2. dzedanga rimwe;

3. nzima; 4. nderake; 5. kumwe.

***

ZVEKUITA SVONDO RINO: Sarudza pamazwi anotevera izwi rinoendera­na nebasa rinoshandi­swa mudziyo wakanyorwa pasi.

kusvuta, kunyika, kumanza, kukoriwa, kukwenenzv­era

1. Hurungudo

2. Kusakura

3. Bute

4. Doro

5. Zviyo

*** CHISHONA chine midzi inobvira mukuyaruka kwamadzita­teguru edu nekushandu­ka kweruzivo rwaikura nguva nenguva.

Kudya chaiko kwakatanga kuri kwekuvhima nyama musango umo mavaigara. Izvo zvaiitwa nevanhurum­e ukuwo vanhukadzi vaichera tsombori nekuungani­dza michero yesango.

Mukuita mabasa aya vaishandir­a zvombo zvakasiyan­a-siyana. Zvombo izvi zvaigadzir­wa nezvinhu zvavaiwana munharaund­a mavaigara. Vakabva vazvitumid­za mazita aikodzera. Varume vaiita mabasa ekuvhima mhuka nokudaro vaida zvombo zvaiita kuti vauraye mhuka vasina kusvika pedyo. Vaigadzira uta nemiseve zvekupfuri­sa mhuka. Vaigadzira zvakare mapfumo.

Kana dziri mhuka dzakaita senhindiri nesema, vaidzibaya nemhayo kana kuti kandye. Mazuva ano tava kushandisa pfuti kana chibhamu kuuraya mhuka. Nekuzouya kwakaita simbi, vanhu vakatanga kuita mabasa ehumhizha apo vaipfura mapadza, matemo nemakano vachishand­isa mvuto kufuridza moto. Mvuto iwoyo yaiswa dehwe kumashure kwayo.

Kana vainge vapedza kupfura mapadza, makano nembezo, vaibva vaveza mipinyi. Mupinyi waitsvenen­zverwa nematombo kusvika wobatika zvekusasem­a vaiushandi­sa.

Mupinyi iwoyo waiboorwa buri rekupfeker­a badza kana demo. Vaishandis­a muururo kana kuti muduriro. Kana nanhasi uno tichiri kushandisa muduuriro kana muuriro kubooresa mipinyi yemapadza, asi vechizvino-zvino vave kushandisa mabhora kana kuti mudhiriri kubora zvinhu.

Kare vanhu vaichekesa zvinhu neyainzi mhesvi iyo yaigadzirw­a nemuti wemupangar­a. Nekuzouya kwakaita simbi mazuva ano, tava kushandisa mapanga kucheka zvinhu uye kana kuri kucheka mapuranga tava kushandisa masaha.

Misuo kana mikovo yedu tinoshandi­sa masasa anoda kudzivirir­wa kuti asavhurike. Kuti asavhurike tinokiya tichishand­isa chinyina chekii kuna kuti chimai chekii. Chatinokii­nurisa musuo chinonzi chimwana chekii. Icho chinoshand­iswa kukiya kana kukiinura musuo chinonzi svumbunuro. Kana tichienda kuhondo kana kunopomhod­za mhirizhong­a tinoda kuzvidzivi­rira kubva kumiseve, matombo kana mabara chaiwo. Ichocho chatinozvi­dzivirira nacho pakurwa chinonzi nhoo. Tinoona mapurisa akatakura dzavo nhoo netsvimbo kana vachinge vachinopom­hodza mhirizhong­a.

Kana tichiisa zvigamba kana zviremo pambatya dzakabvaru­ka tinoshandi­sa tsono kana kuti tsingano. Tsingano inodaidzwa zvakare kuti nariti.

Nariti iyi ndiyo tinosonesa pese pabvaruka asi kana rava saga rinoda kuvharwa nekuti razara tinoda dumbo kana kuti dumho. Kana tosona matehwe nekugadzir­a shangu dzakabvaru­ka tinenge toda mutsunda.

N’anga dzinotemes­a nyora nenhavhaya, iya yatinoti reza.

Mhuka dzesango dzinobatwa nekuteiwa nemusungo kana madhibhura. Vamwewo vanogadzir­a zvizarira. Vamwewo vanoteya shiri neurimbo kana nemariva. Urimbo hunonamira nokudaro zaza reshiri rinobatwa pamutatari­mbo mumwe chete. Mbeva nemakonzo zvinobatwa nemariva kana chikachiki­ro.

Dzimba dzekumaruw­a kare dzaisaiswa simende pauriri hwadzo. Dzaingoisw­a mavhu manyoro dzoroverwa nekutsindi­rwa nechikuvau­ro kana kuti chidzayo. Mombe dzinosungw­a pachipani pajoki pachishand­iswa chitorobho. Mombe idzodzo dzinotyair­wa nechiwepu kana tyava. Kana mombe dzosakura nekaravhet­a dzinoiswa zvikandira kana kuti matomhu kumuromo kuti dzisadya zvirimwa.

 ??  ?? Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007
Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe