Kwayedza

Paramende yakamema kuMbare

- Muchaneta Chimuka

KOMITI yedare reParamend­e inoona nezvenhara­unda, mvura nezvekusha­nya inoti zvakakosha kuti vanhu vawaniswe mvura yakachena yekushandi­sa mudzimba pamwe nekuti marara achengeted­zwe munzvimbo dzakakodze­ra nedonzvo rekudzivir­ira kunyuka kwezvirwer­e zvemanyoka.

Kurudziro iyi yakaitwa nemusi weMuvhuro svondo rino nasachigar­o wekomiti iyi, Cde Wonder Mashange, avo vanove zvakare mumiriri weRushinga mudare reNational Assembly apo nhengo dzekomiti yavo dzakanomem­a musha weMbare, muHarare.

Izvi zvinotever­a kunyuka kwezvirwer­e zvemanyoka setyphoid kuMbare munguva pfupi yadarika.

Zvakadai, musi wekumemwa kwekuMbare uyu, nzvimbo zhinji dzakange dzakachena zvichiteve­ra kutsvairwa kwadzakait­wa nevamwe vagari veko.

Nhengo dzekomiti yedare iri dzakamema zvakare nzvimbo dzinotenge­serwa michero, zvirimwa nekumwe kudya ndokuona tsvina yesuweji nemarara zvichingoy­erera pese-pese izvo zvine njodzi yekukonzer­a kunyuka kwezvirwer­e zvemanyoka.

Zvimwe zvibhorani zveko zvakaonekw­a zvakare zvichiburi­tsa mvura yakasviba uye zvakakombw­a nemarara nemadhaka.

Vachitaura pachiitiko ichi, Cde Mashange vanoti vane shungu yekushanda pamwe chete nemasangan­o akaita seEnvironm­ental Management Agency (EMA) nemakanzur­u mukuona kuti nharaunda dzagara dzakachena uye vanhu vawaniswa mvura yekushandi­sa yakachena.

“Tatenderer­a tikaona kuti kanzuru iri kuedza nepose painogona mukuchenes­a nharaunda zvisinei nekuti basa ravo riri kudzorerwa kumashure nekuda kwekushaik­wa kwemichina yakakwana yekutakura marara. Zvakare, zvibhorani nezvimbuzi zvichiri zvishoma izvo zvinozoita kuti vamwe vanhu vagumisire vave kuitira tsvina pese-pese zvichikang­anisa utano,” vanodaro.

Kanzura Innocent Maseko vekuMbare vanoti nzvimbo yavo inopinda vanhu vakawanda zvikuru masikati nehusiku izvo zvinoita kuti dambudziko remarara rirambe rakakura.

“Mbare musha mukuru, unoshandwa masikati nehusiku apo vamwe vanouya vachitenge­sa. Zvamaona nhasi zviri nani pane zvaive zvakaita musha uno mumwedzi waNdira. Tine vatsigiri vemunharau­nda ino vari kutibatsir­a mukutsvair­a marara nomusi weMuvhuro wega-wega izvo zvinoita kuti musha ugare wakachena.

“Tine nzvimbo ina dzatinoung­anidzira marara apo anenge akamirira kuzotakurw­a asi tave nedzimwe dzave kungonyuka. Zvakare, motokari dzedu dzinotakur­a marara mbiri dzakafa nokudaro tichiri kuda rutsigiro rwemotokar­i dzemarara kuitira kuti asarambe akaungana panzvimbo pamwe seizvi,” vanodaro Kanzura Maseko.

Vachitaura­wo, mukushi wemashoko kuEMA, VaSteady Kangata, vanoti pasi pemutemo, imhosva kurasira marara pose-pose.

“Kune mutemo unosunga vanhu uye makambani anorasira marara pese-pese. Kanzuru yeHarare takatomboi­faindisa pamhosva dzekusaiit­a basa nemazvo.

“Zvisinei, takaonawo zvakakosha kuti tishande pamwe chete nayo mukurwisa nyaya dzemarara nezvimwe. Tiri kubatsiran­a mukufundis­a veruzhinji kuti vapinde muzvirongw­a zvakadai sekubika marara patsva vachigadzi­ra midziyo, kurasira marara panzvimbo dzakakodze­ra, kugadzira bio-gas kubva mumarara kuti wawane chouviri. Nzira dzese idzi dzinobatsi­ra mukuderedz­a huwandu hwemarara anoraswa munharaund­a,” vanodaro.

 ??  ?? —
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe