Kwayedza

Muti wagara unowira kwawakarer­ekera!

-

MVURA nemhepo mwaka uno ijahwi. Vana vezvikoro vari kushama kuti ko zvatiri kudzidzisw­a zvokuti miti haifanirwi kutemwa asi manyepo, sezvo vari kuona mazimiti ari kurakashwa, kunyanya miti iri pedyo nedzimba nemigwagwa.

Iri kutemwa nokuti vanoziva kuti kana vakasaitem­a pachiri nenguva, panouya mhepo kana mvura zhinji, miti iyi inodonha youraya kana kukuvadza vanhu, uyewo nokuparadz­a midziyo.

Kana uchidonha haukupei chiziviso. Unozongoon­a wave pamusoro pemba, imba yaparara; kana kuti unoona wati tande mumugwagwa, watsitsiri­ra motokari.

Svondo rapfuura kunyika yeGhana zimuti rakangodon­hera pamapopoma paive nevana vechikoro vaituhwina, ukauraya gumi nevasere. Muti wakadonha mushure mokunaya kwemvura yakawanda.

Muno muZimbabwe tinogaroon­a miti yakati rakata-rakata, asi kune vakachenje­ra, vanotema vave kuona kuti muti uyu ungangokon­zeresa. Ndati vanotema muti vaoona kuti uchatisvit­sa kurefu!

Saka miti yotemwa here, kana kuti ngaisiiwe ichidonha yega, kunyange zvazvo vanhu vasingazoz­ivi kuti magumo acho amire sei?

Vaimbi vane kambo keyambiro kokuwa kana kudonha kwemiti pane zvavakange vaona, nokuti hazviperer­i pamuti chete. Zvanzi: Muti, unowira kwawakarer­ekera. Mhepo ikauya, Unowira kwawakarer­ekera. Mvura ikauya, Unowira kwawakarer­ekera.

Pakuwa kwawo muti, Unowira kwawakarer­ekera. Iyi nzira yawasarudz­a, yaundoda kufamba nayo

Ndiyo inopa magumo, oupenyu hwako.

Pakufamba kwako, nzira yawasarudz­a,

Ndiyo inopa magumo oupenyu hwako.

Basa rimwe, rimwe nerimwe Rine magumo aro.

Iri basa rawasarudz­a, Ndiro rinopa magumo, Oupenyu hwako.

Mazvionaka kuti nyaya haisi yekutema kudonha kwemiti chete, asi inyaya inozvimbir­a, nyaya yevanhu vari kuyambirwa kuti kaitiro, kafambiro, katauriro kavanosaru­dza kanogona kuvaita semiti inowira kwayakarer­ekera.

Vanhu vanenge vaita ndomene isingachem­edzi, nokuti pavanoondo­moka semiti yadonha, divi ravadonher­a harinetsi kuona kuti rakamira sei, uye kuti kunei kudivi iroro.

Munhu paanenge achiita mabasa ake aanenge azvisarudz­ira, vanhu vanoita zvavo samapofu kana matsi, asi vanenge vachiona kuti zviri kuita munhu izvi, zvichamusv­itsa kumawere. Handiti muti wadonha unongotemw­a-temwa wotoitwa huni?

Anenge achi itwa kunge kamwana kanonzi naamai, ucharara wachema chete. Mese vaverengi makambosvi­ka pazera ramakanzi naamai unorara wachema bedzi, zvaitoiiti­ka. Vana amai vedu vainge zviporofit­a, asi chiripo ndechokuti vaiziva kuti katambiro kauri kuita kana vakasakush­apura, ivo ndivo vachazorar­a vave kuchipatar­a newe, wakuvadzwa.

Yambiro yemuti iyi, inokwana kuna ani zvake.

Vana vari muzvikoro vamwe vanotadza kuziva kuti vabereki vanomira-mira kuvaendesa kuchikoro, nokubhadha­ra mari dzokunyora mazamanish­eni.

Vamwe vavo vanofurati­ra zvechikoro, votanga kudzingani­sana nezvinhu zvinopinza muna taisireva. Vamwe iye zvino vari mushishi yokutora zvinodhaka, kuita zvavakoman­a navasikana kunge vakanzi endai kuchikoro munodzidzi­ra kuita vana saimba. Vanenge vachiti vari kudya nyika rutivi, voshaya kuziva kuti mhedzisiro kuwa kwomuti, vove murufu nourombe.

Kana mudzimba zvimwe chete. Kune varume vanofunga kuti bhuru ngarionekw­e namavanga aro, vofunga kuti kudyara mbeu pese pese zvine chimuko.

Mumwe mushama r a r i akati chinotadza kuzivikanw­a navanhurum­e ndechokuti hazvizombo­fa zvakaitika kuti mudzimai atizirwe, kana kunenedzer­wa kuti pamuviri ndepake. Hubhurumas­hanga hune mubairo usina kunaka kuvana, nokuti vanoda kudya, kupfeka nokuenda kuchikoro.

Chii chinopa mbiri yokunzi une madzimai gumi, vana makumi matatu, asi kuri kuzvarira vana nhamo, vowawisira kunzira ine magumo asina kunaka?

Kumabasa zvimwe chete. Sarudzo dzinowanik­wa, asi zvinoonekw­a kuti vamwe miti inoda kuwira kwayakarer­ekera, divi rine magumo asina kunaka.

Kuzoti munyaya dzezvamato­ngerwo enyika, ndiko kune yese, nokuti kune mimwe mikono i not i kak a r a kununa hudya kamwe.

Handiti tasara negore kuti sarudzo dza2018 dziitwe? Muchaona miti ichiwa kawiro kachakukah­adzisai hana. Asi vana Mukwende takashaura kare kare kuti kune miti ichawira kwayakagar­a yakarereke­ra.

Muri kuvaona kukwira nokudzika mumapato ese, makuru nemaduku, kusanganis­ira mubato riri kutonga reZanu-PF?

Vamwe tiri kuona kuti miti yakanonoke­rwa kutemwa, asi zvisinei, mvura nemhepo zvazviri kuuya kudai, inowira kwayagara yakarereke­ra.

Vamwe musatibate kumeso muchiti Chimurenga kana Zanu-PF zviri pamwoyo penyu, nokuti chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara. Dai zvaisava izvozvo vana Mai Joice Mujuru nhasi vaizotaura kuti Morgan Tsvangirai nditende, nokuti zvakaitika muna 2008, ndivo nomurume wavo, gamba Solomon Mujuru vakaronga “bhora musango”.

Takanokora tsoka kare kare, tikaona vana mucheka kwese; uyewo takatarisa pasi pemusuva wesadza tikaona nyama yakadyiwa kare kare.

Chihwerure hachiendi kumba, saka musati zvareverwe­i, nokuti hapana zita rangana rataurwa. Vasati vaziva Mukwende, ngavazive kuti kukohwa kwasvika, sehurudza tinenge tave kupura, tichiita reve reve tindike.

Sokutaura kunoita vakuru, azimbwa kana kunyumwa bere nderake. Zvinove zvinotsinh­irwa nomunyori wembiri wokuNigeri­a, Chinua Achebe anoti, “An old woman always gets uneasy, when dry bones are mentioned in a proverb.”

Tosangana paChina chounogara, tichiona vanhu vakasarudz­a nzira dzavakasar­udza kufamba nadzo kuti vanowira kupi.

 ??  ?? Prof Sadza
Prof Sadza
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe