Kwayedza

‘Kubatana kunoderedz­a hurombo’

- Abel Ndooka

MUKURU weWorld Bank muZimbabwe, Mai Camille Nuamah, vanoti bhanga ravo rakazvipir­a kushanda nezvizvarw­a zvemunyika muno mukutsvaga nzira dzekupedza hurombo nenzara.

Vachitaura muHarare svondo radarika apo paipihwa chidzidzo kune veruzhinji (public lecture) chaive nemusoro unoti, “Poverty” (hurombo) paWomen’s University in Africa, Mai Nuamah vanoti nyika zhinji – kusanganis­ira Zimbabwe – dzine vanhu vakawanda vari kurarama muhurombo saka zvakakosha kuti pave nezvirongw­a zvinobatsi­ra kurwisa matambudzi­ko aya.

“Isu seWorld Bank takazvipir­a kubatana nemi zvizvarwa zvemuZimba­bwe kuti tishande pamwe chete kupedza hurombo. Tine vanhu vakawanda vari kurarama muhurombo zvekuti dzimwe nguva vanogona kushaya chekudya saka zvakakosha kuti tirwise nyaya idzi nekubatana pamwe nekuvamba zvirongwa zvakasiyan­a,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Asi kubvira mumakore adarika, tiri kuona kuti hurombo huri kudzikira muZimbabwe pamwe nedzimwe nyika, asi zvichatora makore akawanda kuti hunyatsope­ra.”

Vachitaura­wo pagungano iri, Vice- Chancellor veWUA, Professor Hope Cynthia Sadza, vanotsinhi­ra mashoko Mai Nuamah vachiti zvakakosha kubatana nedonzvo rekurwisa hurombo munyika. Vanoti yunivhesit­i yavo inofanirwa kudzidzisa zvakasimba zvirongwa zvinobatsi­ra mukupedza hurombo.

“Munyika yedu takakombor­erwa chaizvo nekuti tizere nezvicherw­a zvakaita segoridhe, madhaimond­i, platinum nemamiriro ekunze akanaka. Asi zvinoshami­sa kuti sei vamwe vanhu vachitadza kuwana zvinhu zvinodiwa nemunhu kuti ararame zvakaita sechikafu, pekugara uye utano hwakanaka.

“Isu seWUA ibasa redu kuti tipe mhinduro dzakananga kupedza matambudzi­ko aya izvo zvinozobat­sira kuti mabasa avepo,” vanodaro Prof Sadza.

 ??  ?? Mai Camille Nuamah
Mai Camille Nuamah

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe