Kwayedza

Kapfupi akabirwa gitare

- Kingstone Mapupu

MUIMBI ane mukurumbir­a uye ari nyanzvi zvakare munyaya dzemadhira­ma — Freddy ‘Kapfupi’ Manjalima — wechikwata cheOrchest­ra Ndozvo akabirwa gitare rake (lead guitar) nguva yadarika mushure mekunge achangoped­za kuridza panzvimbo yekutandar­ira inonzi Casedale kuNyabira pedyo neguta reHarare.

Gitare iri rinonzi rakabiwa apo Kapfupi nechikwata chake vakange vambozoror­a vachitura mafemo mushure mekuita shoo usiku hwose.

Pavakadzok­era vave kuda kunorenged­za midziyo yavo yekuridzir­a kuti vachipinda munzira kudzokera kuHarare ndipo pavakaona gitare iri risisipo.

Kapfupi anotsinhir­a nyaya iyi, “Ndazoona kuti chokwadi Kwayedza hamunyepe, manjemanje makabata nyaya yangu yetsaona yandakasan­gana nayo mumugwagwa mukainyora pamakauya kumba kwangu mukataura neni. Ndimi mega munotaura nevanhu musati manyora nyaya pane kungonzi Kapfupi azodai, akazoita chakuti pasina ataura neni.”

Anoenderer­a mberi achiti, “Chokwadi gitare rangu rakabiwa tapedza shoo kuma 4 am tave kuda kutobva zvedu panzvimbo inonzi Casedale pakati peNyabira neMazowe, tave kuda kurongedza midziyo. Dai rakabiwa tisati tapedza kuita shoo zvinhu zvingadai zvakadhakw­a. Hamheno iye akaba uyu pamwe akanzwa kuti ukaba gitare raKapfupi simba rake rekuridza rinopera manje kunyeperwa mafero,” anodaro Kapfupi.

Anoti vakaridza usiku hwose apo vakazozoro­ra pakabiwa gitare iri.

“Takaridza kubva kuma 9 usiku mupaka pungwe apo takazozoro­ra ndokumbobu­da panze tichifurwa nemhepo. Tadzoka, ndakasviko­shaya rangu chairo gitare lead racho vakomana vangu nevepagedh­i ndokutanga kumhanyamh­anya rikabva rashaika. Kuti tizive kuti rakabiwa sei hapana akaziva,” anodaro

Kapfupi anoti nyaya iyi vakazoimha­n’ara kumapurisa ekuNyabira. “Takadzoka kuHarare tisina rimwe gitare ratorwa nemakorony­era emunzvimbo iyi. Asi mufunge zvenyu nyaya yakanyanya kunaka ndeyekuti nhasi chaiye (svondo rapera pamberi) apo muri kufona izvozvi gitare iri ndakafoner­wa nezuro richinzi rawanikwa mune imwe komboni pane zvimwe zvikomana zvaitoda kuritenges­a. Ndakutuma vakomana kunoritora,” anodaro Kapfupi.

Anoti inyaya inonetsa kuti hakuna nguva ndefu aita tsaona apa gitare rake rave kubiwa zvakare.

“Mazuva ano ndave kunamata zvakasimba ndichienda­wo kuchechi nemudzimai nemhuri. Tsaona yakaitika manje-manje munguva yakadarika, gitare rave kubiwa tichibva mukuridza! Chii manje ichocho?” anodaro Kapfupi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and West, Inspector Clemence Mabgweazar­a, vanoti vanoda nguva yekuongoro­ra mafambiro akaita nyaya yekubiwa kwegitare raKapfupi nekuzowani­kwa kwaro.

 ??  ??
 ??  ?? Kapfupi
Kapfupi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe