Kwayedza

Dopiro reJazz roitwa

- Abel Ndooka

VAIMBI vemisambo yejazz neclassica­l music vekunyika dzinosanga­nisira Germany, Turkey, Brazil, England, South Africa, Iran neZimbabwe vachange vachiridza muno mashoo maviri pamwedzi pasi pechirongw­a chinonzi Twelve icho chiri kutanga mwedzi uno (Kurume) kusvikira gore rinouya muna Kukadzi.

ashoo aya ari kurongwa naEren Levendoglu anove shasha yekuridza piano neviolin.

Levendoglu anozivikan­wa pasi rose nekuronga dopiro remafaro reGumusluk Internatio­nal Classical Music Festival iro rinoitirwa kuGumusluk Bodrum, kuTurkey.

“Ndakatangi­sa chirongwa cheGumuslu­k Festival nechinangw­a chekupa vaimbi vemuTurkey mukana wekushanda nekudzidza kubva kuvaimbi vepasi rese vane mukurumbir­a. Mumakore ataita mutambo uyu, zvaona dunhu reGumusluk richisimuk­a zvikuru uye mimwe mitambo tiri kugara tichiirong­a,” anodaro.

Vadzidzi vemhanzi vari kutarisirw­a kufunda zvakawanda kubva kuna Levendoglu sezvo rimwe dingindira rake riri rekudzidzi­sa mhanzi kune vaimbi vari kusimukira.

“Twelve inoda kusvika kune vanhu vakawanda uye tinovimba kuti kuburikidz­a nayo ichadzidzi­sa pamwe nekusimudz­ira vaimbi vakasiyana,” anodaro Levendoglu.

Vaimbi vacharidza pamashoo eTwelve vanosangan­isira Levendoglu, Eduardo Crespo (Brazil), Trio Klavis (Austria), Bulent Evcil (Turkey), Jeanette Micklem (Zimbabwe), Oran Ektrin Trio (USA) naDereck Gripper (South Africa).

Vacharidza kunzvimbo dzinosanga­nisira St John’s College neChapungu Stone Village uye dzimwe nzvimbo dzacho dzichazozi­viswa nekufamba kwenguva.

 ??  ?? Eren Levendoglu
Eren Levendoglu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe