Kwayedza

Madiridzir­o eMoneyMake­r opinda muGuruve

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeBlagefie­lds Marketing (Pvt) Ltd iyo inogadzira pamwe nekutenges­a michina yemadiridz­iro yemhando yakasiyana yotenderer­a nenyika ichipa ruzivo kuvarimi pamusoro pekukosha kwekushand­isa madiridzir­o nedonzvo rekusimudz­ira goho.

Svondo rapera, kambani iyi yakashanyi­rwa dunhu raMambo Chipuriro, VaClever Chipuriro, kuGuruve kuMashonal­and Central ndokuita hurukuro nevarimi. Vachitaura pagungano iri, VaSydney Mukumbi vanove partnershi­p and sales officer kukambani iyi vanoti madiridzir­o eMoneyMake­r Pumps akakosha zvikuru nekuti haadhure uye ari nyore mukushandi­sa kana zvichienza­niswa nekudirdza nemigoro.

“Tiri kufambiran­a nechirongw­a cheHurumen­de cheZim-Asset icho chine donzvo rekusimudz­ira mibato yemaoko yakadai sekurima, kuvaka, mabhindauk­o ekubika nezvimwe zvinopa veruzhinji chouviri pamwe nekusimudz­ira upfumi hwenyika. Michina iyi inhaka yemusiiran­wa nekuti yakasimba uye inoita kuti murimi ange achidiridz­ira pakuru mukati menguva diki zvichibats­ira zvakare kuti akohwe pakuru. Tinokurudz­ira murimi wese kuti ave nemuchina wake kuitira kuti panozoenda mvura yemudenga ange akagadziri­ra kurima kwegore rose pane kumirira mwaka wekunaya kwemvura,” vanodaro.

VaMukumbi vakawana nguva yekuratidz­ira varimi mashandisi­rwo emuchina uyu apo vaidhonza mvura yemurwizi rweko vachidirid­zira zvirimwa zvaive chinhambwe chemamita anodarika makumi mana. Vagari venzvimbo iyi - kusanganis­ira vadzidzi vepaChipan­gura Secondary School, madhumeni nevarimi - vakawanawo mukana wekudzid- zira kushandisa muchina iyi.

“Ini ndinofara zvikuru nekuti ndakwanisa kudhaya mvura ndichishan­disa muchina wemhando yechitsoka-tsoka ndikaona kuti haurwadzi. Ndinoda kwazvo muchina uyu pabhizimus­i rangu rekukanya zvidhinha nekuti zvinoda mvura yakawanda uye pakugeza matanga enguruve,” anodaro Graduate Muroyiwa anove mugari wenzvimbo iyi.

Zvakadai, mumiriri weGuruve South mudare reNational Assembly - Cde Patrick Dutiro - vakatenger­a Mai Monica Hamadzirip­i pamwe nemurume wavo, VaRonny Mupfurutsa, muchina wemadiridz­iro wemhando yeHandpump senzira yekuvacher­echedza mukusarudz­wa kwavakaitw­a sevarimi vakuru vemuWard 5 kuGuruve.

“Munhu anoda kubatsira kana kuti ane nzara haamupi hove nekuti anodya yopera zuva iroro asi kuti unomufundi­sa kuraura hove kuti adzidye misi yose. Ndatengera mhuri iyi muchina wemadiridz­iro kuti vavandudze kurima kwavo vagoramba vachikohwa pakuru zvekutonot­engesa kudura guru reGrain Marketing Board (GMB),” vanodaro Cde Dutiro.

Madiridzir­o eMoneyMake­r Irrigation Pumps anokosha zvikuru nekuti haashandis­i magetsi, peturu kana dhiziri zvinoita kuti varimi vasadhurir­we.

 ??  ?? VaSydney Mukumbi (vechipiri kubva kurudyi) vachitarid­za mashandisi­rwo anoitwa muchina wemadiridz­iro eMoneyMake­r unonzi Max Pump kwaMambo Chipuriro svondo rapera. - Mufananido: Muchaneta Chimuka.
VaSydney Mukumbi (vechipiri kubva kurudyi) vachitarid­za mashandisi­rwo anoitwa muchina wemadiridz­iro eMoneyMake­r unonzi Max Pump kwaMambo Chipuriro svondo rapera. - Mufananido: Muchaneta Chimuka.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe