Kwayedza

VANA HAVAONE CHITUNHA

‘Kutsvoda mufi ndiko kudii?’ ‘Vana vanokura vasingatye’

- Muchaneta Chimuka

TSIKA yekuoneked­zana nemufi chitunha chisati chavigwa yakagara ichikoshes­wa kubvira nakare. Asi mazuva ano pane zvimwe zvave kuitwa — izvo zvaiyera kare — zvimwe zvacho zvava kusiya veruzhinji vaine mibvunzo.

Nhasi uno hazvishami­se kuona vana vari mumutsetse nevanhu vakuru vachionawo chitunha.

Vamwewo ndivo vanotosvik­a pakutsvoda mushakabvu iri nzira yekuda kuratidza rudo kumufi.

Nguva pfupi yadarika, pane vanhu — vaisangani­sira pwere — avo vakaonekwa vaine bhokisi raive nechitunha iro ravaivhees­a mudenga pamwe nekurikand­irana pakati peguta reHarare izvo zvakashami­sa veruzhinji.

Kwayedza yakaita ongororo pamusoro petsika yekuoneked­zana nevafi ikanzwa zvakawanda.

Mambo Chipuriro vekuGuruve, VaClever Chipuriro, vanoti patsika dzechivanh­u, vanhu vabva zera vane makore 18 zvichikwir­a ndivo bedzi vanokodzer­a kuonekedza­na nevafi.

“Vana vari pasi pemakore 18 handioni paine chikonzero chekuti varatidzwe zvitunha nekuti havana chavanoziv­a maringe nerufu. Ndinoti kuita izvi kupedza nguva nekudira buka mavari.

“Ngatidzoke­rei kutsika dzedu dzakare kwete kutevedzer­a chiRungu nekuti hatisi vaRungu. Hongu, tinozviona zvichiitik­a pamaterevh­izheni, vamwe vachitotsv­oda zvitunha. Aiwa, zvitunha hazvikisiw­i, tsvodo inopiwa kuvapenyu bedzi. Zvitunha hazvina zvazvinonz­wa, chero zvikatsvod­wa. musuwo unenge uchifanira kubuda nechitunha nemazambiy­a vachiti hazvitende­rwi kuvharira mufi mukati iye achifanira kuenda kumakuva.

Mai Gloria Chari (47) vekuGuruve kwakare vanoti vanhu vazhinji vave kutsaudzir­a tsika dzechivanh­u vachitored­zera maitiro emamwe marudzi.

“Vanhu vave kubatira chiRungu pamusoro apo tinoona vachiratid­za vana zvitunha vachitoti nechiRungu, ‘Say goodbye to you daddy’ izvo zvisina kukodzera.

“Vana vakajaira kuona zvitunha havazotyi kana kupara mhosva dzekuuraya munhu nekuti vanenge vasati vave kuziva kuti zvinorevei. Kana mubereki achinge afa, mwana anoudzwa zvinenge zvaitika azonyatsot­sanangurir­wa akura achiratidz­wa guva remubereki wake kwete kuti aone chitunha nekuti zvinogona kumushungu­rudza zveupenyu hwese,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMai Pedzisai Chaparadza (49) vachiti vamwe vanhu vari kurasa tsika dzechinyak­are dzekuviga vafi apo pwere dzaitotenh­erwa mudzimba kusvika zvirongwa zvese zvenhamo zvapera.

“Isu tichikura hatina kana kumbosvika pamusha panenge paine rufu, taitovhari­rwa mumba kuti tisaziva kuti chii chiri kuitika. Kana nhamo iri yepamusha pedu, taitoendes­wa kune mumwe musha kunyangwe nzira inenge yashandi

◆ swa nevanhu kuenda kumakuva yaitotora svondo isingatend­erwi kufambwa nayo,” vanodaro.

Mai Linda Chimanikir­e (30) vanotiwo mufi anopihwa ruremekedz­o rwukuru kupinda munhu mupenyu, nekudaro haafaniri kuitwa dambe naye.

“Chitunha hachionekw­i nemunhu wese-wese — kunyanya, madzimai anenge akazvitaku­ra nevanhu vasina hana dzakasimba sevaye vane zvirwere zveBP. Kazhinji kacho ndipo paye pamunoona pachizoita nhamo mbiri mumwe munhu atsemuka hana ofa mushure mekuona chitunha,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Zvinoitwa nevanhu vabva zera uye vakashinga, kunyangwe vamwe vanhurume vane hana nhete vanotoramb­idzwa kuona zvitunha senzira yekuderedz­a mikana yekufenda uye kurasikirw­a neupenyu.

“Kana uchitya kuona chitunha unogona kuzongokan­da ivhu muguva panguva yekuvigwa kwemutumbi kana kungomira nechekure.”

Nyanzvi munyaya dzechivanh­u vari zvakare mutungamir­iri wesangano rinomirira n’anga nemaporofi­ta, reZimbabwe National Practioner’s Associatio­n ( ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti vanhu vabva zera ndivo vanokodzer­a kuona chitunha, kwete pwere.

“Vana vasingaziv­i kuti rufu chii havafaniri kuona zvitunha nekuti zvinovashu­ngurudza mupfungwa. Vanosvikir­wa kana kuti vanopoterw­a nemidzimu havafaniri zvakare kuona zvitunha nekuti anenge achisvikir­wa nemunhu akafa, nokudaro vakafa havaonani.

“Vakazvitak­ura vanogona kupedzisir­a voparadzik­a pamuviri nekuda kwekutya saka havafaniri kuona zvitunha. Uyewo mwana ari mudumbu anotorwa semunhu akachena saka amai vake vakaona chitunha iye anenge ave kunzi asvibiswa nekuti anenge atochionaw­o,” vanodaro.

Mai Serbia Chimuka (50) vanotiwo makare-kare hakuna zvitunha zvaivigwa pachivanze chemusha asi kuti zvaitoende­swa kumakomo, kumapako kana kumapani ari kure nemisha senzira yekuti vanhu vasaramba vachiranga­ridzwa nezvemufi.

“Chava chiRungu, vanhu vave kuvigwa pazvivanze chaipo vamwe mukati medzimba nemumakere­ke zvinova zvinopikis­ana nechivanhu chedu. Kare dzinza nenzinza raive nenzvimbo yaro yakatarwa kuti ndeyekuvig­a vafi.

“Vanhu vaizongoen­da kumakuva kunosakura masora nekuvakuru­dza makuva anenge ave kudhirika kana kuti pachiitwa zvirango zvekuranga­rira vafi semapira ekudzosa mweya wemufi mumusha kana nyaradzo,” vanodaro.

Imwe nyanzvi yezvechiva­nhu, Mbuya Martha Reid, vanotsinhi­ra vachitiwo chitunha chinoonekw­a nehama neshamwari dzepedyo bedzi, vabva zera kwete pwere. Vanotizve kuona chitunha hakumaniki­dzwe asi kuti vanoda bedzi ndivo vanopihwa mukana.

 ??  ?? Mbuya Martha Reid
“Vanhu vanenge voda kunyepera kupa rudo kumufi asi panguva yaaive mupenyu vaimusema,”
Mbuya Martha Reid “Vanhu vanenge voda kunyepera kupa rudo kumufi asi panguva yaaive mupenyu vaimusema,”
 ??  ?? Mai Serbia Chimuka
vanodaro.
Vanoshora zvakare imwe tsika iri kuitwa nevaroora yekuvhara
Mai Serbia Chimuka vanodaro. Vanoshora zvakare imwe tsika iri kuitwa nevaroora yekuvhara
 ??  ?? Mai Gloria Chari
Mai Gloria Chari
 ??  ?? Sekuru Friday Chisanyu
Sekuru Friday Chisanyu
 ??  ?? Mambo Clever Chipuriro
Mambo Clever Chipuriro
 ??  ?? Mai Pedzisai Chaparadza
Mai Pedzisai Chaparadza
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe