Kwayedza

TB: Tose tine basa

-

ZIMBABWE svondo rapera yakabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherec­hedza zuva rekurwisa kupararira kwechirwer­e cherurindi, reWorld TB Day.

Gore negore zuva iri rinocherec­hedzwa musi wa24 Kurume uye gore rino mhemberero idzi dzakaitirw­a kuShurugwi, kuMidlands.

Dzakaitwa pasi pedingindi­ra rinoti, “Ngatibatan­ei mukupedza TB: Hakuna anosara”.

Zvinofadza kuona kuti nhengo dzekomiti yedare reParamend­e inoona nezveutano nekurerwa kwevana dzaivekowo kumhembere­ro idzi uye dzakavhene­kwa chirwere cherurindi.

Danho rakatorwa nenhengo dzekomiti yedare reParamend­e iri rinofanirw­a kurumbidzw­a zvikuru nekuti dzakaratid­za muchereche­dzo wakanaka uyo unofanirwa kutevedzer­wa neveruzhin­ji.

Chirwere cherurindi kana kuti Tuberculos­is (TB) chinokonze­rwa neutachion­a hunonzi mycobacter­ium tuberculos­is uye chinowanzo­kanganisa mapapu. TB inoparadzi­rwa kubva kumunhu anayo keunda kune asina kuburikidz­a nemweya wekufema.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisati­on (WHO), rinoti muna 2015 vanhu vanosvika 10.4 miriyoni pasi rose vakabatwa nechirwere cherurindi, 1.8 miriyoni vavo ndokufa.

Huwandu hwevanhu vanonzi vakafa neTB uhu hwakawanda zvikuru uye zvinorwadz­a kuona vanhu vachirasik­irwa neupenyu nekuda kwezvirwer­e zvinokwani­sa kudzivirir­wa.

WHO inoti zvakare chikamu che95% chendufu dzinokonze­rwa neTB chinowanik­wa kunyika dzichiri kusimukira.

Nekudaro zvakakosha kutora matanho ekudziviri­ra kupararira kwechirwer­e ichi.

Sekutaura kwaDr Charles Sandy, avo vanove deputy director kuchikamu cheHIV and AIDS kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, zvakakosha kuti veruzhinji vavhenekwe chirwere ichi nguva ichiripo.

Izvi zvinoitirw­a kuti zvive nyore kurapa TB kana ichangotan­ga pane kumirira kusvikira yadingindi­ra mumuviri.

Pamusoro pezvo, panofanirw­a kuve nedzidziso yakasimba inoitwa nebazi rezveutano rakabatana nemasangan­o nemapoka akazvimiri­ra pamusoro perurindi. Kune vamwe vanhu vanonyara kana kutya kunovhekwa TB nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

Zvimwe zvezvikonz­ero izvi zvinosanga­nisira kutarisirw­a pasi kunoitwa vane TB nevamwe vanhu sezvo rurindi dzimwe nguva ruchinzi runodyidza­na neHIV neAIDS. Asi hazvirevi kuti munhu wose anenge ane rurindi ane HIV kana AIDS nekuti TB yakagara iriko mukondombe­ra usati waveko.

Kunyangwe zvakadaro, hapana chikonzero chinoita kuti vanhu vari kurarama neutachion­a hweHIV neAIDS vasarurwe.

Tinorumbid­za zvikuru danho rakatorwa nenhengo dzekomiti yedare reParamend­e inoona nezveutano rekuvhenek­wa chirwere cherundi pamwe nekutsigir­a mhemberero dzeWorld TB Day.

Tinoti kuita kwakadai uku ngakuparar­irewo mukurwisa zvimwe zvirwere – zvikuru HIV neAIDS.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe