Kwayedza

‘Tinorara nemapfumo’

- Tafadzwa Mutsotso

MURUME saimba ari kupomerwa nemudzimai wake kugara nemapfumo muimba yavanorara achinzi anoti anoda kubaya mukadzi uyu nawo nechikonze­ro chekuti haaterere.

Rudo Muzezwa akapotera kudare reHarare Civil Court achiti upenyu hwake huri parumanzom­be nekuda kwemaitiro emurume wake, Kufakunesu Mapani, uyo anogara achimuvimb­isa kumubaya nemapfumo.

“Murume wangu anogarondi­shungurudz­a achindirov­a nekundituk­a pamberi pavana.

Kutaura kuno ane mapfumo aakaisa mumba yekurara uye anoti achandibay­a pamwe chete nemunin’ina wangu kana tikasaita sezvaari kuda. Mumwe nemumwe anotorara mukamuri yake.

“Ndakambomu­ti zviri nani timbosiyan­a tione kuti zvingagadz­irise nyaya iyi here,” anodaro.

Muzezwa anoti Mapani anogara achimuudza kuti haadi kuona munin’ina wake pamba pavo, achiti ndiye ari kukonzera kuti vanetsane zvisinei nekuti vakagara vachinetsa­na asati avepo.

“Anoti iye haachadi kuona munin’ina wangu pamba, handizivi kuti akamuvenge­rei. Ndinomubvu­nza kuti kana mainini vakasuduru­ka zvinobatsi­rei asi anongondit­i zviri nani nekuti ndiye ari kukonzera mhirizhong­a pamusha.

“Tinogara tichingone­tsana zvisinei nekuuya kwakaita munin’ina wangu pamba. Handitoziv­i kuti sei achida kubatanidz­ira munin’ina wangu munyaya idzi. Apa akaita vana vaviri nemumwe mudzimai watakavaki­dzana naye,” anodaro Muzezwa.

Anoenderer­a mberi achiti: “Ndakatombo­kwidza nyaya iyi kuvabereki vangu vakaitonga asi ndiri kuona kuti hunhu hwake hausi kuda kupera.”

Mapani anoti haashungur­udze mudzimai wake asi kuti iye ndiye anotomunyi­ma bonde.

“Mashoko ose aar i kutaura ekuti ndakamuvim­bisa kumubaya nepfumo manyepo. Ndakangomu­udza kuti mainini ngavambosu­duruka pamba nekuda kwechikonz­ero chandinozi­va ini senzira yekugadzir­isa zviri kunetsa muwanano yedu. Kubva ipapo handizivi bonde nemudzimai uyu.

“Akabva atochinja zvekuti kana neni zviri kutondinet­sa.”

Mutongi Sharon Chipanga akapa Muzezwa gwaro redzivirir­o.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe