‘Tinorara nemapfumo’
MURUME saimba ari kupomerwa nemudzimai wake kugara nemapfumo muimba yavanorara achinzi anoti anoda kubaya mukadzi uyu nawo nechikonzero chekuti haaterere.
Rudo Muzezwa akapotera kudare reHarare Civil Court achiti upenyu hwake huri parumanzombe nekuda kwemaitiro emurume wake, Kufakunesu Mapani, uyo anogara achimuvimbisa kumubaya nemapfumo.
“Murume wangu anogarondishungurudza achindirova nekundituka pamberi pavana.
Kutaura kuno ane mapfumo aakaisa mumba yekurara uye anoti achandibaya pamwe chete nemunin’ina wangu kana tikasaita sezvaari kuda. Mumwe nemumwe anotorara mukamuri yake.
“Ndakambomuti zviri nani timbosiyana tione kuti zvingagadzirise nyaya iyi here,” anodaro.
Muzezwa anoti Mapani anogara achimuudza kuti haadi kuona munin’ina wake pamba pavo, achiti ndiye ari kukonzera kuti vanetsane zvisinei nekuti vakagara vachinetsana asati avepo.
“Anoti iye haachadi kuona munin’ina wangu pamba, handizivi kuti akamuvengerei. Ndinomubvunza kuti kana mainini vakasuduruka zvinobatsirei asi anongonditi zviri nani nekuti ndiye ari kukonzera mhirizhonga pamusha.
“Tinogara tichingonetsana zvisinei nekuuya kwakaita munin’ina wangu pamba. Handitozivi kuti sei achida kubatanidzira munin’ina wangu munyaya idzi. Apa akaita vana vaviri nemumwe mudzimai watakavakidzana naye,” anodaro Muzezwa.
Anoenderera mberi achiti: “Ndakatombokwidza nyaya iyi kuvabereki vangu vakaitonga asi ndiri kuona kuti hunhu hwake hausi kuda kupera.”
Mapani anoti haashungurudze mudzimai wake asi kuti iye ndiye anotomunyima bonde.
“Mashoko ose aar i kutaura ekuti ndakamuvimbisa kumubaya nepfumo manyepo. Ndakangomuudza kuti mainini ngavambosuduruka pamba nekuda kwechikonzero chandinoziva ini senzira yekugadzirisa zviri kunetsa muwanano yedu. Kubva ipapo handizivi bonde nemudzimai uyu.
“Akabva atochinja zvekuti kana neni zviri kutondinetsa.”
Mutongi Sharon Chipanga akapa Muzezwa gwaro redziviriro.