Vorwira imba yenhaka
SEKURU vekunetsana nemuzukuru pamusoro pemba yakasiiwa nevabereki vanove vashakabvu vakapotera kudare.
Joseph Phiri akamhan’arira mwana wavatete vake, Simukai Chitimbe, kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekushungurudza maroja pamba.
“Mambo wangu, murume uyu haanzwisisi. Anoda kutora imba yevabereki vangu kuita yake. Anofunga kuti kuchengetwa kwaakaitwa nababa namai vangu kusvika vachizofa vachimusiya pamba apa naiye atovewo mudyi wenhaka iyi. Takatozomudzinga pamba nechisimba pamusana pekuti ainge ogara achifurufusha maroja asi ariwo anotipa mari,” akadaro.
Anoenderera mberi achiti: “Chikumbiro changu kudare ndechekuti Simukai asasvike kumba zvachose nekuti anoita basa rekupopota pamwe nebongozozo nemaroja. Kutaura kuno maroja ese akaenda, ini ndinotozeza kuti nditsvage vamwe nekuti anongouya oita zvimwe chetezvo.
“Ndiko kusaka ndauya kuno kuzotsvaga gwaro rekuti pakati pedu pave nerunyararo.”
Chitimbe akapikisana nemashoko aPhiri achiti sekuru vake vasati vafa vakamuudza kuti azochengeta imba iyi.
“Handibvumirani nemashoko ari kutaurwa naJoseph nekuti ini sekuru vangu vasati vafa vakandiudza kuti ndinosara ndichichengeta pamba. Sekuru vakafa ndikaita nguva ndichigara nambuya vachibva vazofawo. Zvino kubva zvashaya ambuya vakabva vatanga kundidzinga pamba kwete nekuti ndine mhirizhonga yandakakonzera,” anodaro Chitimbe.
Akaenderera mberi achiti, “Vakandidzinga pamba, vakandiburitsira zvinhu zvangu panze asi hapana kana wandainge ndambotukana naye. Zvekuti ndinoshungurudza maroja manyepo.
“Zvakare uyu haasi mwana wasekuru vangu asi kuti ndewaambuya. Sekuru havana kuita mwana naambuya kusvika vafe.”
Mutongi Sharon Chipanga akapa Phiri gwaro redziviriro asi ndokuti aisafanira kurambidza Chitimbe kusvika kumba uku sezvo imba yacho isati yanyoreswa zviri pamutemo kuti ionekwe kuti yosara iri muzita rani.