Kwayedza

Vorwira imba yenhaka

- Tafadzwa Mutsotso

SEKURU vekunetsan­a nemuzukuru pamusoro pemba yakasiiwa nevabereki vanove vashakabvu vakapotera kudare.

Joseph Phiri akamhan’arira mwana wavatete vake, Simukai Chitimbe, kuHarare Civil Court achimupome­ra mhosva yekushungu­rudza maroja pamba.

“Mambo wangu, murume uyu haanzwisis­i. Anoda kutora imba yevabereki vangu kuita yake. Anofunga kuti kuchengetw­a kwaakaitwa nababa namai vangu kusvika vachizofa vachimusiy­a pamba apa naiye atovewo mudyi wenhaka iyi. Takatozomu­dzinga pamba nechisimba pamusana pekuti ainge ogara achifurufu­sha maroja asi ariwo anotipa mari,” akadaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Chikumbiro changu kudare ndechekuti Simukai asasvike kumba zvachose nekuti anoita basa rekupopota pamwe nebongozoz­o nemaroja. Kutaura kuno maroja ese akaenda, ini ndinotozez­a kuti nditsvage vamwe nekuti anongouya oita zvimwe chetezvo.

“Ndiko kusaka ndauya kuno kuzotsvaga gwaro rekuti pakati pedu pave nerunyarar­o.”

Chitimbe akapikisan­a nemashoko aPhiri achiti sekuru vake vasati vafa vakamuudza kuti azochenget­a imba iyi.

“Handibvumi­rani nemashoko ari kutaurwa naJoseph nekuti ini sekuru vangu vasati vafa vakandiudz­a kuti ndinosara ndichichen­geta pamba. Sekuru vakafa ndikaita nguva ndichigara nambuya vachibva vazofawo. Zvino kubva zvashaya ambuya vakabva vatanga kundidzing­a pamba kwete nekuti ndine mhirizhong­a yandakakon­zera,” anodaro Chitimbe.

Akaenderer­a mberi achiti, “Vakandidzi­nga pamba, vakandibur­itsira zvinhu zvangu panze asi hapana kana wandainge ndambotuka­na naye. Zvekuti ndinoshung­urudza maroja manyepo.

“Zvakare uyu haasi mwana wasekuru vangu asi kuti ndewaambuy­a. Sekuru havana kuita mwana naambuya kusvika vafe.”

Mutongi Sharon Chipanga akapa Phiri gwaro redzivirir­o asi ndokuti aisafanira kurambidza Chitimbe kusvika kumba uku sezvo imba yacho isati yanyoreswa zviri pamutemo kuti ionekwe kuti yosara iri muzita rani.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe