‘Gupuro wandipa asi handiende’
MUKADZI wekudzoka kune aimbove murume wake nechisimba mushure mekunge apihwa gupuro rekurambwa akazopotera kudare redzimhosva achitsvaga kuti asadzingwe pamba.
Zviito Chirikure akaendesa Samora Kandimire kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumudzinga pamba nekumukandira midziyo yake panze.
“Murume uyu anondituka nekundikandira midziyo yangu panze. Ndiri kugara mukamuri imwe chete nevana iye achishandisa mamwe makamuri ose emba. Anogarondirova pamberi pevana. Ini ndinoda kuchengeta vana nekuti iye ega haasi kugona kuvariritira,” anodaro.
Anoenderera mberi achiti: “Akandipa gumbupo rekundiramba muna 2006 asi ini ndakadzoka kumba pamusana pekuti vana vaigarochema pose pavaindiona vachiti ndidzoke kumba.
“Ndini ndaiita zvose zvaidiwa nevana ndiri kumusha kwevabereki vangu saka ndakazongoona zvakandikoshera kuti ndidzoke ndionere vana vangu pedyo.”
Kandimire anoti akasiyana nemukadzi uyu nokudaro kudzoka kwaakaita pamba kunomukanganisa kugara zvakanaka nemudzimai wake mutsva.
“Akadzoka ega pamba mushure mekunge tatove nemakore tarambana. Ini ndave nemumwe mukadzi nokudaro hazvindiitire zvakanaka kuti agare pamba pangu. Ndakatoudza hanzvadzi dzake madzokere aakaita kumba vakati hapana chavaiziva nezvenyaya iyi,” akadaro Kandimire.
Mutongi Sharon Chipanga akapa Chirikure gwaro rerunyararo.