Kwayedza

‘Gupuro wandipa asi handiende’

- Tafadzwa Mutsotso

MUKADZI wekudzoka kune aimbove murume wake nechisimba mushure mekunge apihwa gupuro rekurambwa akazopoter­a kudare redzimhosv­a achitsvaga kuti asadzingwe pamba.

Zviito Chirikure akaendesa Samora Kandimire kuHarare Civil Court achimupome­ra mhosva yekumudzin­ga pamba nekumukand­ira midziyo yake panze.

“Murume uyu anondituka nekundikan­dira midziyo yangu panze. Ndiri kugara mukamuri imwe chete nevana iye achishandi­sa mamwe makamuri ose emba. Anogarondi­rova pamberi pevana. Ini ndinoda kuchengeta vana nekuti iye ega haasi kugona kuvaririti­ra,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Akandipa gumbupo rekundiram­ba muna 2006 asi ini ndakadzoka kumba pamusana pekuti vana vaigaroche­ma pose pavaindion­a vachiti ndidzoke kumba.

“Ndini ndaiita zvose zvaidiwa nevana ndiri kumusha kwevaberek­i vangu saka ndakazongo­ona zvakandiko­shera kuti ndidzoke ndionere vana vangu pedyo.”

Kandimire anoti akasiyana nemukadzi uyu nokudaro kudzoka kwaakaita pamba kunomukang­anisa kugara zvakanaka nemudzimai wake mutsva.

“Akadzoka ega pamba mushure mekunge tatove nemakore tarambana. Ini ndave nemumwe mukadzi nokudaro hazvindiit­ire zvakanaka kuti agare pamba pangu. Ndakatoudz­a hanzvadzi dzake madzokere aakaita kumba vakati hapana chavaiziva nezvenyaya iyi,” akadaro Kandimire.

Mutongi Sharon Chipanga akapa Chirikure gwaro rerunyarar­o.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe