Kwayedza

‘Ndakaba chigero chete’

- Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitun­gwiza akaigocher­a pautsi zvichiteve­ra kutongerwa kwaakaitwa kuti anodya refovhoro kwemwedzi 18 nedare reko mushure mekubatwa nemhosva yekuba midziyo yemuridzi inosangani­sira chigero.

Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts, Oliver Mudzongach­iso, akatemera Tendai Kadengwa ( 24) wepanhamba 30505 Unit B, kuChitungw­iza, chirango chekugara mujeri kwemwedzi 18 pamhosva yekuba midziyo inokosha $105.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa16 Kurume gore rapera munguva dzemasikat­i, Kandengwa akaenda kumba kwemumhan’ari – Kira Dengeza – panhamba 2457 Unit B, kuChitungw­iza, uko akawana varidzi vemba vasipo achibva atora mukana uyu ndokuba midziyo.

Kandengwa akasvikowa­na misuwo yemba yakavharwa asi isina kukiiwa achibva aba nharembozh­a yerudzi rweSamsung, maketeni nechigero zvaikosha $105 asi pakawanikw­a zve$25 chete.

Zvisinei, midzimu yakazodamb­ura mbereko apo akaonekwa nevavakidz­ani vemumhan’ari achiri mumba vanova vakazotaur­ira muridzi wemba paakadzoka kubva kubasa zvikaita kuti asungwe.

Chigero chaakange aba akawanikwa ainacho.

Kandengwa akabvuma mhosva yake pasina kundandama.

“Mhosva yekuba midziyo yemuridzi ndinoibvum­a asi handina kuba mimwe midziyo iri kutaurwa nemumhan’ari nekuti ndakaba chigero chete,” anodaro.

Kadengwa akabatwa nemhosva yekupinda muchivanze chevaridzi nechinangw­a chakaipa pasi pemutemo weSection 131 of the Criminal Codificati­on Act Chapter (9:23) Unlawful entry into premises in an aggravator­y circumstan­ces.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe