‘Ndakaba chigero chete’
MURUME wekuChitungwiza akaigochera pautsi zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa kuti anodya refovhoro kwemwedzi 18 nedare reko mushure mekubatwa nemhosva yekuba midziyo yemuridzi inosanganisira chigero.
Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Oliver Mudzongachiso, akatemera Tendai Kadengwa ( 24) wepanhamba 30505 Unit B, kuChitungwiza, chirango chekugara mujeri kwemwedzi 18 pamhosva yekuba midziyo inokosha $105.
Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa16 Kurume gore rapera munguva dzemasikati, Kandengwa akaenda kumba kwemumhan’ari – Kira Dengeza – panhamba 2457 Unit B, kuChitungwiza, uko akawana varidzi vemba vasipo achibva atora mukana uyu ndokuba midziyo.
Kandengwa akasvikowana misuwo yemba yakavharwa asi isina kukiiwa achibva aba nharembozha yerudzi rweSamsung, maketeni nechigero zvaikosha $105 asi pakawanikwa zve$25 chete.
Zvisinei, midzimu yakazodambura mbereko apo akaonekwa nevavakidzani vemumhan’ari achiri mumba vanova vakazotaurira muridzi wemba paakadzoka kubva kubasa zvikaita kuti asungwe.
Chigero chaakange aba akawanikwa ainacho.
Kandengwa akabvuma mhosva yake pasina kundandama.
“Mhosva yekuba midziyo yemuridzi ndinoibvuma asi handina kuba mimwe midziyo iri kutaurwa nemumhan’ari nekuti ndakaba chigero chete,” anodaro.
Kadengwa akabatwa nemhosva yekupinda muchivanze chevaridzi nechinangwa chakaipa pasi pemutemo weSection 131 of the Criminal Codification Act Chapter (9:23) Unlawful entry into premises in an aggravatory circumstances.