Mbavha yogadzikwa mudhishi
MURUME wekuzama noto nekuba nharembozha yaive mumotokari kuChitungwiza ava kuzvidemba zvichitevera chirango chaakatemerwa nedare reko chekubhadhara faindi uye kukundikana kwake anozonopika kujeri.
Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Oliver Mudzongachiso, akapa Chrispen Mafara (18) wepanhamba 55899 Unit O, kuChitungwiza, chirango chekubvisa faindi ye$100 uye kukundikana kwake anozonogara mujeri kwemwedzi wose.
Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa17 Gunyana gore rapera, mumhan’ari — Agas Kusakaya (49) — akamisa motokari yake yerudzi rweOpel Astra ine nhamba dzinoti ACY 5481 pazvitoro zviri kwaSeke achibva akanganwa nharembozha yerudzi rweSamsung Galaxy Tab 3 iri mukati.
Akakiya motokari asi ndokukanganwa kuvhara rimwe hwindo rekudivi rinogara munhu asiri kutyairi.
Paakapinda muchitoro, Mafara akabva ati dzawira mutswanda ndokutora mukana uyu kuba nharembozha iye kwave kuverera pasina amuona.
Ongororo yakazoitwa nematikitivha yakaita kuti vasunge Chipaurendo Katsande uyo akange ave kushandisa nharembozha iyi, iyo inokosha $400.
Zvisinei, Katsande akazodura kuti Mafara ndiye akange amutengesera.
Kunyangwe zvazvo Mafara akatsika madziro panyaya iyi, dare rakamubata nemhosva zvichitevera umboo hwaivepo.
“Mhosva yekuba nharembozha handiibvumi nekuti nharembozha iyi ndakainhonga pagedhi rekireshi iri kuUnit J,” anodaro achiedza kuvhika mhosva.