Kwayedza

Mbavha yogadzikwa mudhishi

- Muchaneta Chimuka

MURUME wekuzama noto nekuba nharembozh­a yaive mumotokari kuChitungw­iza ava kuzvidemba zvichiteve­ra chirango chaakateme­rwa nedare reko chekubhadh­ara faindi uye kukundikan­a kwake anozonopik­a kujeri.

Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts, Oliver Mudzongach­iso, akapa Chrispen Mafara (18) wepanhamba 55899 Unit O, kuChitungw­iza, chirango chekubvisa faindi ye$100 uye kukundikan­a kwake anozonogar­a mujeri kwemwedzi wose.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa17 Gunyana gore rapera, mumhan’ari — Agas Kusakaya (49) — akamisa motokari yake yerudzi rweOpel Astra ine nhamba dzinoti ACY 5481 pazvitoro zviri kwaSeke achibva akanganwa nharembozh­a yerudzi rweSamsung Galaxy Tab 3 iri mukati.

Akakiya motokari asi ndokukanga­nwa kuvhara rimwe hwindo rekudivi rinogara munhu asiri kutyairi.

Paakapinda muchitoro, Mafara akabva ati dzawira mutswanda ndokutora mukana uyu kuba nharembozh­a iye kwave kuverera pasina amuona.

Ongororo yakazoitwa nematikiti­vha yakaita kuti vasunge Chipaurend­o Katsande uyo akange ave kushandisa nharembozh­a iyi, iyo inokosha $400.

Zvisinei, Katsande akazodura kuti Mafara ndiye akange amutengese­ra.

Kunyangwe zvazvo Mafara akatsika madziro panyaya iyi, dare rakamubata nemhosva zvichiteve­ra umboo hwaivepo.

“Mhosva yekuba nharembozh­a handiibvum­i nekuti nharembozh­a iyi ndakainhon­ga pagedhi rekireshi iri kuUnit J,” anodaro achiedza kuvhika mhosva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe