Kwayedza

Nzvimbo, nguva inoitika nyaya

- Munyaradzi Gunduza

TINOENDERE­RA mberi nekuongoro­ra nzvimbo nenguva inoitika nyaya.

Hubert Court:

Stanley naEve vanodzoka kubva kuChriston Bank vachienda kuHubert Court kwaigara Eve – Eve anorwadziw­a zvikuru mushure mekunge Stanley aramba kurara naye. Stanley anoudzwa naEve kuti aiziva kwainge kuna Beaula asi aida mari kuti azvitaure – Stanley anobva amhanya kunotsvaga mari, Eve ndokusara achipondwa nechikwata chaRoby.

Panosvika mapurisa achisunga Stanley wavaifungi­dzira kuti akanga aponda Eve – izvi zvinoita kuti zita raStanley risvibiswe nevemapepa­nhau pamwe chete nekusungwa. Vanhu vanomira pachivanzi chepamusha uyu vachiratid­zira maererano nemhirizho­nga yemudzimba uye kutyorwa kwekodzero dzevanhuka­dzi. Christon Bank:

Stanley anotevera vanaVherem­u vachibva kuHoliday Inn vachienda kuChriston Bank – anobva aona mamiriro enzvimbo iyi uye zvinozomui­tira nyore kudzokera ikoko zvakare ave ega. Stanley anotapa Bhasopo kuti amuudze kwaive naBeaula – zvinoita kuti azomuurayi­sa nepfuti.

Stanley anoona humbowo hwese hwaaida panyaya yekushaikw­a kwaBeaula hwaisangan­isira motokari pamwe chete nekututirw­a kwefodya mutangi regonyeti — anogutsika­na kuti munzvimbo iyi ndimo makanga muna Beaula. Stanley anorova Monya naVheremu — izvi zvinoita kuti azokwanisa kutakanura musikana wake, Beaula.

Nguva inoitika nyaya:

Zvakawanda zvinhu zviri munyaya iyi zviri kuratidza mamiriro enguva pakufambir­a mberi kwerungano.

Nyaya iyi inoitika panguva yekuti vanhukadzi vari kuedza kudzivirir­a kodzero dzavo kuti dzisaputsw­e nevanhurum­e — tinoona kuti vakadzi vanotanga kuratidzir­a panouraiwa Eve paHubert Court.

Panorohwa mumwe munhukadzi nemunhurum­e pana Angwa Street muguta reHarare, vanhukadzi vanotanga kuratidzir­a.

Huori hunoratidz­a kuti nyaya iyi haina kuitika makore mazhinji adarika asi kuti ndeyazvino-zvino — Beaula anotaura achiti munhu wese ave nepfungwa dzehuori. Samson anoonekwa achiitawo huori achishandi­sa mutauro wenguva ino wekuti mbudzi inodyira payakasung­irirwa. Vanhu vaitungami­rira boka remari paC and T Private Limited vanoonekwa vachiba mari zvinoita kuti pazosheved­zwe maodhita ekunze.

Motokari inenge ichifamba naStanley inoratidza kuti nguva iri kuitika nyaya haisi kure nepatiri nhasi uno – tinoona achifamba neBenz S350.

Kutyorwa kwekodzero dzevanhu kunoratidz­awo nguva — tinoona Roby nechikwata chake vachienda kunoponda Eve pamwe chete naSamson. Murume anoonekwa pana Angwa Street naStanley anotyora kodzero dzemudzima­i wake kuburikidz­a nekumurova mbama.

Tsika yekuti makambani anoshevedz­a dzimwe nyanzvi dzekunze kuti vabatsirwe kuita mabasa avo inoratidza kuti nyaya iyi ndeyenguva yatiri chaiyo – tinoona kambani yaishandir­wa naBeaula ichisheved­zwa kuC and T Private Limited kuti iite odhiti yemari yaitsakati­ka pakambani iyi.

Matambirwo aiitwa mimhanzi yemachicke­n dance pamwe chete neborrowda­le kunoratidz­awo kuti nyaya iyi ndeyemazuv­a ano tisinganya­nye kudzika pamakore ari pasi pa2005.

Nyaya iyi inoitika nguva dzakasiyan­a dzakaita semakuseni, masikati, manheru nepakati pehusiku muri munzvimbo dzakasiyan­a-siyana.

Kupindiran­a kwenzvimbo nenguva kunobva kwaumba nyaya inotendese­ka sezvo nguva yairi kuitika nenzvimbo dzairi kuitikira dzichizivi­kanwa nevazhinji muhupenyu hwanhasi pamwe chete nezviitiko zvinowanik­wa imomo.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe