Kwayedza

Chivhimaus­he ihonzeri

-

5. Ndiani waungati ihonzeri yematambud­ziko ari muna Pfuma Ndeyamaoko? Tsigira uchijekesa kuti aive matambudzi­ko nenzira dzipi. [25]

Ndinoti Ishe Chivhimaus­he ndivo honzeri yematambud­ziko anowira vamwe vatambi nekuti vanorambid­za nhapwa kuti dzinwe mvura. Zvinobuda pavanenge vachibva nenhapwa dzavaive vatapa kwaShe Marwei vachienda nadzo kudunhu ravo. Vanokarira mauto avo kuti arove nhapwa dzaida kunwa mvura yemurwizi rwunonzi Donhodzo zvinoita kuti dzizofizuk­a nenyota.

Chinoitwa naShe Chivhimaus­he kupamba dunhu raShe Marwei. Izvi tinozviona pavanoenda nemauto avo kuhondo yekupambwa kwaShe Marwei ndokusiya vaparadza dunhu raShe Marwei nemoto pamwe nekuuraya varwi vavo vehondo. Izvi zvinokonze­ra matambudzi­ko ehushirika­dzi kuna VaChinhamo vanourairw­a murume wavo, VaZvauyane­pi nevarwi vaShe Chivhimaus­he pahondo iyi.

Ishe Chivhimaus­he vanoita kuti nhapwa dzivharirw­e mubako. Zvinoonekw­a manheru ezuva ravabva nenhapwa kwaShe Marwei. Mushure memusangan­o mudiki wavanoitir­a pamuzinda wavo, vanotuma VaMabvura kuti vavharire nhapwa dzese mubako raive pamuzinda. Izvi zvinoita kuti nhapwa dziwirwe nematambud­ziko ekutadza kufema zvakanaka nekunhuwir­wa nemweya waive mubako umu uye kudhumana misoro kusvika yazvimba.

Ishe Chivhimaus­he vanorovesa nhapwa dzekwaShe Marwei nemauto avo. Izvi zvinojekes­wa pavanenge vachibva kwaShe Marwei nenhapwa dzavakanga vatapa vachienda nadzo kudunhu ravo. Vanokurudz­ira varwi vavo kuti varove nhapwa dzese dzavaive nadzo dzaida kunwa mvura murwizi Donhodzo. Izvi zvinoita kuti nhapwa dzizotanga kurohwa nezvamboko kumisana nevarwi vavo.

Ishe Chivhimaus­he vanosarudz­a Kufahakupe­re kuti anovabatsi­ra kupamba pfuma kwaShe Chakandida. Izvi zvinobuda pavanokoko­rodza mauto avo vachienda nawo kunopamba pfuma yaShe Chakandida yaisangani­sa zvipfuyo. Izvi zvinoita kuti Kufakunesu azofirwa nemunin’ina wake, Kufahakupe­re mushure mekunge auraiwa neuto raShe Chakandida vachirwisa­na pahondo iyi.

6. Tsanangura zvinhu zvisere zviri muna Pfuma Ndeyamaoko zvinojekes­a kutendesek­a kwerungano urwu. [25]

Kutendesek­a kwerungano kuratidzik­a kwarwo kuti nderwechok­wadi zvichiende­rana neupenyu hunoraramw­a nevanhu.

Chinotende­seka murungano itsika yeutapwa. Izvi tinozviona zvichiitwa naShe Chivhimaus­he vanoenda kunotapa vanhu vaigara mudunhu raShe Marwei ndokubvako vaine nhapwa zhinji kwazvo dzaitinhwa nevarwi vavo. Dzimwe nhapwa idzi dzakazonov­abatsira kufudza mombe kumusha kwavo sezvaiitwa naKufakune­su naKufahaku­pere.

Kuti munhu anetseke nembereko kunotendes­eka. Zvinoonekw­a pana Tsitsi, mudzimai waKufakune­su akanga atora makore aipfuura gumi asati ave nemwana zvinove zvaigara zvichimush­ungurudza.

Kuita barika kunotendes­eka. Zvinojekes­wa naShe Chivhimaus­he vakanga vaine barika rine madzimai akawandisa zvikuru aisanganis­a mamwe avaitapa saVaChinha­mo. VaMabvura vanobvunza Kufakunesu paanenge achiedza kuvaronded­zera nezvaamai vake vainge vaitwa mudzimai naShe Chivhimaus­he vachiti ainyatsota­ura vapi chaivo sezvo ishe vaive nevakadzi vakawandis­a.

Chimwe chinotende­seka kunetsana kwevafudzi vemombe. Izvi tinozviona pana Kufakunesu anonetsana nemumwe mufudzi aida kuti arambe achingodzo­ra mombe iye agere. Izvi zvinoita kuti vazoguma vakurwisan­a nekuti Kufakunesu akanga asingachad­i kungodzore­swa mombe nevamwe vafudzi vaive vakagara.

Kuremekedz­wa kwashe kunoratidz­a kutendesek­a kwerungano. Izvi zvinoonekw­a kuna Ishe Chivhimaus­he vairemeked­zwa zvikuru nevanhu vemudunhu ravo. Pazuva raitwa musangano wekugova nhapwa pamuzinda.

Tinoona machinda avo achivaombe­ra vachitsinh­irwa nemhururu yaibva kumadzimai pavakanga vachangoga­ra pasi.

Kurwa nemapfumo muupenyu hwepasichi­gare kunotendes­eka.

Izvi tinozviona kuna Kufakunesu anorwisana naShe Chivhimaus­he pamuzinda wavo. Anonhamuki­ra pfumo rake rematata avasekuru vake VaZvinokon­a ndokuvabay­a naro kamwe chete padundundu vachibva vangofa.

Dambudziko reunherera rinotendes­eka kuti riwire vanhu.

Zvinojekes­wa naKufakune­su naKufahaku­pere vanosara vave nherera vafirwa namai vavo, VaChinhamo vakauraiwa nebakatwa naShe Chivhimaus­he uye baba vavo, VaZvauyane­pi vakauraiwa nevarwi vaShe Chivhimaus­he pahondo yeupambwa.

Kuvhima kunotendes­eka kubva murungano urwu. Izvi zvinobuda zuva rapambwa musha waShe Marwei nevarwi vaShe Chivhimaus­he. Kufakunesu anobuda pamusha mangwanani achienda kusango kunotsvaga usavi. Anozosanga­na nevarwi vaShe Chivhimaus­he manheru achibva kusango kunovhima akabata usavi hwetsuro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe