Zvinokonzera kukundikana
CHINOTISUNDA kuti timuke rungwanani kuenda kuchikoro inyaya yekuti tidzidze tigobudirira mubvunzo dzedu. Nekudaro tinoedza chose kuramba tichiita dzokorodzo tiri kumba nekuchikoro. Chatinenge tichirwisa kufoira kana kukundikana mubvunzo.
Tinoda kutanga nekutarisa zvinhu chaizvo zvinogona kuti tikundikane mubvunzo. Bvunzo chairo haribvunzwi zvinhu zvatisina kudzidza.
Zvose zvinouya mubvunzo tinetenge takambosangana nazvo asi chinozodiwa kuti tigogona kurangarira zviya zvatakambosangana nazvo.
Nekudaro kusaita gadziriro yakakwana kunogona chose kukonzeresa kukundikana mubvunzo. Vana vakasaita gadziriro inozadza mukombe vanowanikwa vachiomerwa nemibvunzo izvo zvinoderedza goho ravo.
Chimwezve chinogona kukonzeresa kukundikana mubvunzo kusadzidziswa zvakanaka kwevana.
Dzimwe nguva mudzidzisi anenge asina ruzivo rwakadzama muchiShona achiita mutauro uyu wekuyerura. Zvikadaro hwaro hwevana hwechiShonha hunobva hwatadza kudzama.
Vamwewo ndivo vanoshaya hanya nechidzidzo cheShona zvekuti simba rekuita dzokorodzo panenge pasina. Chimwe chinokonzeresa kukundikana kusaziva icho chaicho chinokonzeresa kukundika.
Kana ukaziva chaicho chinokonzeresa kukundikana zvinoreva kuti wava kugona kutsvaga nzira dzekukunda nadzo.
Tsvaga chikonzero chaita musana ubande, mumwe muimbi wakashaura. Ukaziva chaita musoro uteme zvoreva kuti unenge wotsvaga mushonga kuti kubanda kupere.
Pepa randakatanga kuita ongororo pamusoro paro ranga riri pepa repiri ( paper 2) iro rakanyorwa kotoro ino pachimwe chikoro chemuHarare. Chinangwa chaive chekuda kuona apo paifira vana kuti tigone kuparapa nekugadzirisa. Pepa iri rakanyorwa nevegwaro rechinomwe.
Paiva nemusoro wenyaya waiti, “Nyora rondedzero pamusoro penzvimbo yakakosha yekushanyira yawakamboshanyira’. Apa chaifanirwa kukosheswa nevana kutsvaga mashoko akakosha akabata musoro wenyaya.
Mashoko akakosha apa aiva ekuti “yakakosha” na“yekushanyira”. Waiona vana vachitaura nzvimbo dzavakaenda seBulawayo, Mutare kana kwaMutoko kwavakashanyawo havo kunoona hama neshamwari. Kukosha kwaidiwa apa kwaiva kukosha kwenzvimbo dzinounza vashanyi, chero vekunze kwenyika, vachiona zvinhu zvakakosha zviri ipapo (tourist resort areas).
Nzvimbo idzi dzinosanganisira dhamu reKariba, Masvingo eZimbabwe, mapako anoyera eChinhoyi kana kunochengetwa mhuka dzesango sekuGonarezhou nekuHwange.
Izvi zvakaita kuti vana vazhinji vabude mugwara uye goho ravo rigodzikira.
Saka mushonga wekurapa chirwere ichi kudzidzisa vana kunan’anidza musoro nekutora mashoko acho akakosha kuitira kusazobuda mugwara.
Mumwezve musoro wenyaya wakapa vanhu dambudziko wanga uri wekuti, “Nyora rondedzero pamusoro pezuva rausingakanganwi.”
Apa vamwe vana vaibva vanyora mazuva anopfuura rimwe chete. Kazhinji vana vanoda kutaura nezveKisimusi vobva vapinda mumazuva ese eKisimusi vachidonongodza zvakaitika pamazuva ose aya. Ipapo vanokwenya mapepa vanenge vachitarisisa kuti waburitsa here zvezuva rimwe chete.
Kungobuda chete imomo mugwara zvibodzwa zvotodonha.
Pepa iri rakapendurwa nenzwisiso iyo yaida kuti vana vapindure mibvunzo mushure mekuverenga nekunzwisisa ndima. Vana vakaitadza ndevaya vaimhanya kupindura mibvunzo vasina kunzwisisa nyaya. Zvinoda kudzokorodza kuverenga mibvunzo wonyatsobata pacho pane nyaya wozopindura muchiShona chine mitsara izere.