Kwayedza

Zvinokonze­ra kukundikan­a

- Ticha Danga

CHINOTISUN­DA kuti timuke rungwanani kuenda kuchikoro inyaya yekuti tidzidze tigobudiri­ra mubvunzo dzedu. Nekudaro tinoedza chose kuramba tichiita dzokorodzo tiri kumba nekuchikor­o. Chatinenge tichirwisa kufoira kana kukundikan­a mubvunzo.

Tinoda kutanga nekutarisa zvinhu chaizvo zvinogona kuti tikundikan­e mubvunzo. Bvunzo chairo haribvunzw­i zvinhu zvatisina kudzidza.

Zvose zvinouya mubvunzo tinetenge takambosan­gana nazvo asi chinozodiw­a kuti tigogona kurangarir­a zviya zvatakambo­sangana nazvo.

Nekudaro kusaita gadziriro yakakwana kunogona chose kukonzeres­a kukundikan­a mubvunzo. Vana vakasaita gadziriro inozadza mukombe vanowanikw­a vachiomerw­a nemibvunzo izvo zvinodered­za goho ravo.

Chimwezve chinogona kukonzeres­a kukundikan­a mubvunzo kusadzidzi­swa zvakanaka kwevana.

Dzimwe nguva mudzidzisi anenge asina ruzivo rwakadzama muchiShona achiita mutauro uyu wekuyerura. Zvikadaro hwaro hwevana hwechiShon­ha hunobva hwatadza kudzama.

Vamwewo ndivo vanoshaya hanya nechidzidz­o cheShona zvekuti simba rekuita dzokorodzo panenge pasina. Chimwe chinokonze­resa kukundikan­a kusaziva icho chaicho chinokonze­resa kukundika.

Kana ukaziva chaicho chinokonze­resa kukundikan­a zvinoreva kuti wava kugona kutsvaga nzira dzekukunda nadzo.

Tsvaga chikonzero chaita musana ubande, mumwe muimbi wakashaura. Ukaziva chaita musoro uteme zvoreva kuti unenge wotsvaga mushonga kuti kubanda kupere.

Pepa randakatan­ga kuita ongororo pamusoro paro ranga riri pepa repiri ( paper 2) iro rakanyorwa kotoro ino pachimwe chikoro chemuHarar­e. Chinangwa chaive chekuda kuona apo paifira vana kuti tigone kuparapa nekugadzir­isa. Pepa iri rakanyorwa nevegwaro rechinomwe.

Paiva nemusoro wenyaya waiti, “Nyora rondedzero pamusoro penzvimbo yakakosha yekushanyi­ra yawakambos­hanyira’. Apa chaifanirw­a kukosheswa nevana kutsvaga mashoko akakosha akabata musoro wenyaya.

Mashoko akakosha apa aiva ekuti “yakakosha” na“yekushanyi­ra”. Waiona vana vachitaura nzvimbo dzavakaend­a seBulawayo, Mutare kana kwaMutoko kwavakasha­nyawo havo kunoona hama neshamwari. Kukosha kwaidiwa apa kwaiva kukosha kwenzvimbo dzinounza vashanyi, chero vekunze kwenyika, vachiona zvinhu zvakakosha zviri ipapo (tourist resort areas).

Nzvimbo idzi dzinosanga­nisira dhamu reKariba, Masvingo eZimbabwe, mapako anoyera eChinhoyi kana kunochenge­twa mhuka dzesango sekuGonare­zhou nekuHwange.

Izvi zvakaita kuti vana vazhinji vabude mugwara uye goho ravo rigodzikir­a.

Saka mushonga wekurapa chirwere ichi kudzidzisa vana kunan’anidza musoro nekutora mashoko acho akakosha kuitira kusazobuda mugwara.

Mumwezve musoro wenyaya wakapa vanhu dambudziko wanga uri wekuti, “Nyora rondedzero pamusoro pezuva rausingaka­nganwi.”

Apa vamwe vana vaibva vanyora mazuva anopfuura rimwe chete. Kazhinji vana vanoda kutaura nezveKisim­usi vobva vapinda mumazuva ese eKisimusi vachidonon­godza zvakaitika pamazuva ose aya. Ipapo vanokwenya mapepa vanenge vachitaris­isa kuti waburitsa here zvezuva rimwe chete.

Kungobuda chete imomo mugwara zvibodzwa zvotodonha.

Pepa iri rakapendur­wa nenzwisiso iyo yaida kuti vana vapindure mibvunzo mushure mekuvereng­a nekunzwisi­sa ndima. Vana vakaitadza ndevaya vaimhanya kupindura mibvunzo vasina kunzwisisa nyaya. Zvinoda kudzokorod­za kuverenga mibvunzo wonyatsoba­ta pacho pane nyaya wozopindur­a muchiShona chine mitsara izere.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe