Kambani yobatsira zvikoro
Edmore Murwisi, 0773 796 466 – 1. hurungudo - kukwenenzvera; 2. kusakura - kumanza; 3. bute - kusvuta; 4. doro - kukoriwa; 5. zviyo - shumba
*** Takudzwa Kanga Chadzuka, Grade 6, Hungwe Primary School, Mhondoro – 1. kukwenenzvera; 2. kumanza; 3. kusvuta; 4. kukoriwa; 5. kunyika
***
Pardon Kunamira Musvosvo, Chiendambuya – 1. hurungudo - kukwenenzvera; 2. kusakura - kumanza; 3. bute - kusvuta; 4. doro - kukoriwa; 5. zviyo - kunyika.
*** Acqualine Masango, Grade 3, Mhembere Primary School, Murewa – 1. hurungudo - kukwenenzvera; 2. kusakura - kumanza; 3. bute - kusvuta;
4. doro - kukoriwa; 5. zviyo - kunyika.
*** Makanaka Maseya, Grade 4C, Ruvimbo Primary School, Kwekwe – 1. kusvuta - Bute; 2. kunyika - zviyo;
3. kumanza - kusakura; 4. kukoriwa - nedoro; 5. kukwenenzvera - hurungudo.
*** Nathan Chinamora, Domboshava – 1. kusvuta - bute; 2. kunyika - zviyo;
3. kumanza - kusakura; 4. kukoriwa - doro; 5. kukwenenzvera - hurungudo.
***
0775 894 558, Rufaro, Harare –
1. kukwenenzvera; 2. kumanza; 3. kusvuta; 4. kukoriwa; 5. kunyika
***
Spiwe Joseph, Domboshava – 1. kusvuta - bute; 2. kunyika zviyo; 3. kumanza - kusakura; 4. kukoriwa - doro;
5. kukwenenzvera - hurungudo.
***
Nyon Chinembiri, Makomo Primary School – 1. kukwenezvera; 2. kumanza;
3. kusvuta; 4. kukoriwa; 5. kunyika.
***
Mai KD. Mapondera, 9255 Warren Park 1 – 1. hurungudo - kukwenenzvera; 2. kusakura - kumanza; 3. bute - kusvuta; 4. doro - kukoriwa; 5. zviyo - kunyika.
*** Clayton Mundoga, Grade 6, Nyarukunda School, Madziva – 1. hurungudo - kukwenenzvera; 2. kusakura - kumanza; 3. bute - kusvuta; 4. doro - kukoriwa; 5. zviyo - kunyika.
*** Theodora Nguruve, Waterfalls Primary School – 1. kukwenenzvera; 2. kumanza; 3. kusvuta; 4. kukoriwa; 5. kunyika
***
Amai 2, 0779 364 963 – 1. kusvuta - bute; 2. kunyika - zviyo; 3. kumanza - kusakura; 4. kukoriwa - doro; 5. kukwenenzvera - hurungudo.
***
Lazurus Kamhunga Charlotte Broooke – 1. kusvuta - bute; 2. kusakura - kumanza; 3. kukoriwa - doro;
4. kunyika - zviyo; 5. kukwenenzvera - hurungudo. *** Memory Chipato, Grade 4, Munyaradzi Primary School, Gutu – 1. hurungudo - kukwenenzvera; 2. kusakura - kumanza; 3. bute - kusvuta; 4. doro - kukoriwa; 5. zviyo - kunyika.
***
0784 232 254 – 1. hurungudo - kukwenenzvera; 2. kusakura - kumanza; 3. bute - kusvuta; 4. doro - kukoriwa; 5. zviyo - kunyika.
*** Pamela Katsuro, Form 3, Mirror Academy – 1. Dzayo; 2. chakatyokera;
3. nekukara; nyama; 4. mugashiri anodya arere; 5. shiri.
***
0735 463 983 – 1. kukwenenzvera;
2. kumanza; 3. kusvuta; 4. kukoriwa; 5. kunyika ***
Brenda Speca, Form 1 – 1. Mutsago - kutsamira; 2. rupasa - kurara; 3. hata - kutsigisa; 4. mugwaku - kupakura; 5. sanhu - kutema.
*** Yolanda Rutendo Ngorima, Form 3, St Stephens Secondary, Nyazura – 1. kumanza; 2. kukwenenzvera; 3. kusvuta; 4. kukoriwa; 5. kunyika.
***
Mai Calton, Norton – 1. kusvuta - bute; 2. kunyika - zviyo; 3. kumanza - kusakura; 4. kukoriwa - doro; 5. Kukwenenzvera - hurungudo.
***
0774 442 556 – 1. kukwenenzvera;
2. kumanza; 3. kusvuta; 4. kukoriwa; 5. kunyika. ***
0771 505 349 – 1. hurungudo - kukwenenzvera; 2. kusakura - kumanza; 3. bute - kusvuta; 4. doro - kukoriwa; 5. zviyo - kunyika.
***
Tricia Mufuka, Grade 2, Chimedza Primary School – 1. kukwenenzvera;
2. kumanza; 3. kusvuta; 4. kukoriwa; 5. kunyika.
***
Peter Dimikira, 3 Brigade, Mutare – 1. hurungudo - kukwenenzvera; 2. kusakura - kumhanza; 3. bute - kusvuta; 4. doro - kukoriwa; 5. zviyo - kunyika.
***
0775 146 651 - Tsumo: 1. Nzou hairemerwe nenyanga dzayo; 2. Chakabaya chikatyokera; 3. Chimedza matoo akadzipwa neganda remhuru; 4. Hokoto yemukwiri kuwa mumuti; 5. Hwedza ndinhasi, usiku hauriri shiri.
***
Tazira, Hatcliffe – 1. dzayo; 2. chikatyokera; 3. remhuru
*** Mitchelle Chidyausiku, Zengeza 2 High – 1. dzayo; 2. chakatyokera; 3. remhuru; 4. shiri
*** Progress Gondo – 1. haaperi; 2. mumasese; 3. warisingade;
***
0772 738 486 – Tsumo: 1. mandinonoke; 2. dzedanga rimwe; 3. nzima; 4. nderake; 5. kumwe.
***
ZVEKUITA SVONDO RINO: Munguva yeZhizha munowanikwa miriwo inomera yakawanda. Tsvaga utaure miriwo mishanu inowanikwa munguva yeZhizha.
***
Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007 BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri kuita mushandirapamwe nesangano rakazvimiririra reAccounting and Secretarial Private Limited (C and J) muchirongwa cheZimbabwe Schools Water and Sanitation Project (ZIMSWAP) icho chichabatsira mukuzadzikiswa kwezvimwe zvidzidzo zviri muNew Curriculum.
Vachitaura muHarare pazuva rekuparurwa kwechirongwa ichi svondo rapera, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti chichabatsira zvikuru mukufambiswa kwegwaro idzva redzidzo pamwe nechirongwa cheHurumende chekuwanisa vana zvekudya muzvikoro.
“Takaona zvakakodzera kuti tishande nevatsigiri vakasiyana kuti tifambise chirongwa cheNew Curriculum. Hongu, chirongwa ichi chakatanga pasina mari yekuti chichifambiswa, asi takaona kuti hazvaiita kuti timirire kuwana mari nenguva.
“Tiri kukurudzira masangano ose akazvipira kushanda nesu mukusimudzira dzidzo kuti auye. Pasi pechirongwa ichi, vana vachawaniswa mvura yakakwana uye yakachena kuburikidza nekuchererwa zvibhorani nekuisirwa pombi dzemvura zvinova zvinovabatsira muzvidzidzo zvakaita sezvekurima, kuvaka, kubika nezvimwe,” vanodaro.
Dr Dokora vanoti pachine mukaha mukuru panyaya yekutsigirwa kwehomwe yedzidzo uye Hurumende iri yoga haingazvigone pasina vatsigiri.
“Kuburikidza nechirongwa cheZIMSWAP, vana vanowaniswa hunyanzvi uye chikafu muzvikoro pasi pechirongwa cheSchool Feeding Programme (SFP). Vadzidzisi vachashanda nevarimisi vari mumatunhu avo mukufambisa zvirongwa zvekurima. Izvi zvichabatsirawo varairidzi vezvekurima nevesainzi.”
Dr Dokora vanoti chirongwa chekuwanisa vana chikafu muzvikoro chinobatsira mukuderedza hudofo, kurovha uye nzara nehurombo.
“Kubvira pakatangiswa chirongwa chekuwanisa vana chikafu muzvikoro, tinoona kuti nyaya dzekuenziswa kwemikana dziri kuwedzera apo vanasikana nevanakomana vave kuenda kuzvikoro zvakaenzana. Kurima kunodzinga nzara nehurombo uye utano hwevana Dr Lazarus Dokora (kurudyi) vachikwazisana naVaAntony Mackingtosh pazuva rekuparurwa kwechirongwa cheZIMSWAP nomusi weChina chadarika muHarare. — Mufananidzo: John Manzongo
nevadzidzisi hunosimudzirwa zvichiita kuti vana vafunde vaine moyo mumwe zvichiita zvakare kuti Zimbabwe irambe iri pamusoro muAfrica munyaya dzefundo,” vanodaro.
Vanoti mugore ra2006, bazi ravo rakanyorerana chibvumirano chemushandirapamwe nesangano reC and J nechinangwa chekuti vashande nezvikoro mukuita mabhindauko eSchools and Water Agricultural Project.
Vanoti pamari ichaburitswa mumabhindauko aya, chikamu che20% chinoenda kuchikoro apo 80% ichienda kuzvikwereti.
“Pari zvino tiri kushanda nezvikoro 44 izvo zviri kubatsirikana zvikuru nemabhindauko aya uye tiri kutarisira kuti zvikoro zvizhinji zvichapindawo muchirongwa ichi. Zvikoro izvi zviri kuchererwa zvibhorani zvemadiridziro edrip irrigation uye zvakaisirwa moto wemagetsi ezuva nemadhamu ekuchengetera hove,” vanodaro.
Dr Dokora vanoti varimisi nenyanzvi dzinoona nezvezvirimwa vachange vachibatsirana nevarairidzi kumatunhu anoti Manicaland, Mashonaland East, Mashonaland Central, Matabeleland North, Midlands, Mashonaland West neMasvingo.
VaPreviledge Tirivavi, avo vanove project manager weZIMSWAP, vanoti
kuparurwa kwakaita chirongwa ichi kuchabatsira kuti zvikoro zvinge zvichiwaniswa mvura nezvekushandisa munyaya dzekurima nekukasika.
“Tiri kutarisira kubatsira zvikoro zana mwedzi woga-woga kutanga mumwedzi waKubvumbi gore rino,” vanodaro.
VaAntony Mackingtosh, vanove managing director weC and J, vanotiwo mabhindauko aya achaitwa kwemakore mashanu ari kutevera.
“Tichapa mari inoita $5 000 kuchikoro chimwe nechimwe gore roga-roga mumakore mashanu ari kutevera senzira yekusimudzira dzidzo,” vanodaro.
Mutevedzer i wemukuru wechikoro cheBelgonnie Primary School kudunhu reMazowe, icho chinove chimwe chakabatsirikana mumabhindauko aya, VaAlexander Marengo, vanoti vanofara zvikuru nesanduko yakaunzwa pachikoro pavo.
Vanoti: “Vamwe vagari vemunharaunda vari kutowanawo mabasa ekuita pachikoro pedu zvichiita kuti vakwanise kubhadharira vana vavo mari dzechikoro.
“Takakwanisa kutenga mabhuku ekuverenga nekuvakisa zvimwe zvimbuzi pachikoro uye vana vedu vari kuwana kudya kune utano kubva muzvirongwa zvemubindu redu,” vanodaro.