Kwayedza

‘Ngaticheng­etedzei tsika dzechivanh­u’

- Malven Mugadzikwa

MUIMBI ari kusimukira mumusambo weMbende Jerusarema — Rishon Murandu — anoti nziyo dzake dzakananga­na nekudzorer­edza tsika dzechivanh­u dzakanaka uye dzinoyemur­ika.

Murandu, uyo anoimba nechikwata cheArts Laboratory Band, anoti zvakakosha kuchengete­dza tsika dzechivanh­u sezvo dziri idzo dzinoumba hunhu hwakanaka.

“Chinangwa changu chikuru ndechekuti mutambo weMbende-Jerusarema uve hwaro kana kuti mwongo wekudzorer­edza tsika dzedu dzimwe dzacho dzinove dzava kurasika.

“Vazhinji vanoziva Mbende-Jerusarema uri mutambo unotambwa kwaMurehwa chete. Mukuridza kwandiri kuita nziyo dzangu ndichisang­anisa ngoma nemagitare, ndiri kuda kuti Jerusarema risangova rekwaMureh­wa chete asi kuti rive richiterer­wa nekuonekwa pasi rose.

“Ndinoda zvakare kuti tidzorered­ze tsika dzevanhu vemuZimbab­we sezvo zhinji dzacho dzava kuyeredzwa nekuda kwechizvin­o-zvino chazara muvanhu,” anodaro Murandu.

Murandu akatanga kunyora nziyo dzemusambo uyu mugore ra2002 ndokuzotsi­kisa dambarefu rake rekutanga - Mbende- Jerusarema - muna 2011.

Muchinda uyu anoti dambarefu rake iri harina kunyanya kuita mukurumbir­a sezvo vanhu vazhinji vakanga vasati vava kuziva nezvake.

Dambarefu rake rechipiri, Yarira Ngoma, iro raakabudit­sa muna 2014 anoti ndiro rakaita mukurumbir­a nekambo kanonzi Muroora ako anoti kaifarirwa neveruzhin­ji.

“Kambo aka kakanyanya kufarirwa nevanhu nenyaya yekuti kanocherec­hedza tsika dzedu dzechivanh­u dzekupembe­rera muroora kana apinda mumusha. Kambo katakaridz­a tichida kuratidza kukosha kwakaita muroora kana apinda mumusha. Kanobudits­awo kukosha kwakaita vanhukadzi zvakare,” anodaro.

Murandu anoti parizvino ari kufara nekuti veruzhinji vava kutsgira nziyo dzake.

Anoti dambarefu rake idzva richangobu­da — Tsika Dzekwedu — riri kutambirwa neveruzhin­ji nekuda kwenziyo dzinodakad­za pamwe nemavhidhi­yo acho.

“Kubva muvanhu vari kuteerera nziyo dzepadamba­refu iri zviri kuratidza kuti hunyanzvi hwatakawed­zera mukubatani­dza magitare nengoma zviri kuita kuti vafarire kuteerera nekuona mavhidhiyo acho. Padambaref­u idzva iri, pane kambo kanonzi Tsika Dzekwedu kanobudits­a kukosha kwekwataka­bva uye makuriro atakaita mutsika dzedu dzechivanh­u,” anodaro Murandu.

Anoenderer­a mberi achiti, “Padambaref­u rekupedzis­ira iri pane kambo zvakare kanonzi Vanodanana kari kunyanyofa­rirwa neveruzhin­ji. Kambo aka kanodzidzi­sa veruzhinji kuti mukugarisa­na kwatakaita hatifaniri kunzwa godo tikaona vanodanana. Kanodzidzi­sa kuti vanhu ngavayemur­e rudo rwevanhu pane kuedza kuparadza,” anodaro Murandu.

Murandu anoti vane matambudzi­ko avari kusangana nawo sechikwata ayo anosangani­sira kushomeka kwemidziyo yekuridzis­a.

Anotiwo zvakare ane shuviro yekuti vakwanise kuita mashoo nekuridza pamakungan­o akasiyana asi dambudziko nderekuti havasati vava nemotokari yekufambis­a nekudaro vari kukumbira rubatsiro kune vanokwanis­a.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe