Kwayedza

Boka yorerutsir­a varimi vefodya

- Kingstone Mapupu

KAMBANI huru inotengesa fodya munyika muno yeBoka Tobacco Auction Floors (BTF) inoti varimi havana dambudziko rekupihwa mari yavo kana vatengesa zvirimwa zvavo kwairi sezvo vari kushanda nevemabhan­ga akasiyana panyaya yekuti vawaniswe mari yavo nenguva.

Mai Chido Nyakudya avo vakafanoba­ta chigaro chemukuru wekambani iyi vanoti vakagadzir­ira zvose kuitira kuti varimi vasanetsek­e kuwana mari yavo mushure mekutenges­a fodya.

“Varimi — vangava vakuru kana vadiki — tinoti ngavauye kuBoka vazotenges­a fodya yavo. Hatina dambudziko panyaya yekuti vapihwe mari yavo nekuti mabhanga ose ari munyika muno ari pano paBoka. Chatinoda chete kuti varimi vagare zvinhu zvavo zvakaronge­ka vakanyores­a neTIMB nekuita zvose zvinodiwa, fodya yavo ikangoteng­wa zvapera,” vanodaro.

Vanoti semutemo uripo, panotenges­a murimi kekutanga chirimwa chake anopihwa mari inokwana $ 1 000, yozodzika kusvika pa$500 pose paanozodzo­ka achitenges­a zvakare.

Mai Nyakudya vanoti vane makambani avari kudyidzana navo ayo anotengese­ra varimi zvekushand­isa nemitengo yakaderere­ra.

“Kune varimi vanotenges­a fodya kwatiri, kunyangwe rikava bhero rimwe chete, vakaenda kunotenga fetereza kukambani yeWindmill vanodzikis­irwa mitengo nechikamu chinoita zvikamu zvishanu kubva muzana. Uyewo tine kambani yeMoneyMak­er iri kudzikisir­awo varimi mitengo kana vachitenga mapombi madiki ekudiridzi­sa zvirimwa,” vanodaro.

Vanoti kuWindmill kunowanikw­a mhando dzose dzefeterez­a, zvimwe chetewo nekuMoneyM­aker uko kune mhando dzemapombi dzemadirid­ziro dzakasiyan­a.

“Vemarori vanounza fodya kuno kuBoka tinovapa mafuta ekufambisa motokari dzavo pachena zvisinei kuti vanenge vabhadharw­a nevarimi pakutakura fodya yavo, sekuvatend­a. Saka tinoti vemarori musapedzer­we nguva, huyai nevarimi kuBoka muwane mafuta ekuisa mudzimotok­ari dzenyu mosiyana nekunomira mumagaraji anotengesa mafuta,” vanodaro Mai Nyakudya.

Vanoti kunze kwazvo, pamusika weBoka pane vemakamban­i akasiyana avanodyidz­ana nawo zvinoita nyore kuti murimi akange apihwa mari yake anobva akwanisa kutenga zvose zvaanoda odzokera kumunda kwake kana kumusha.

“Zviripo zvose paBoka kubvira kumishonga yekurimisa, mbeu, motokari, midhudhudh­u, michina yose yekurimisa, mbeu yefodya, kudya kwezvipfuy­o nezvimwewo zvakasiyan­a,” vanodaro.

Zvakadai, vanoyambir­a varimi kuti vangwarire makororo kana vachinge vapihwa mari yavo.

“Inyaya huru kuchengete­dza mari yedu tichiziva kuti mumwe mwaka uri kutevera tinoda zvakare kudzokera muminda ingava yefodya kana yezvimwe zvirimwa sezvo mari zhinji ichibva mufodya. Vanababa vedu ngatisiyan­ei nanaMarwei tofunga mhuri dzedu kumusha, vana nemadzimai. Marokwe haapere pasi rino, munopera ndimi saka musamhanyi­se-mhanyise maziso nekuti vakauya vose kuzokudyai. Fungai vana nemadzimai vamakarima navo, vamakasiya kumusha,” vanodaro Mai Nyakudya.

 ??  ?? Mai Chido Nyakudya
Mai Chido Nyakudya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe