Kwayedza

Kakomana koshura mare nePool

- Abel Ndooka

KAKOMANA kane makore 10 ekuberekwa kemuHarare koita mukurumbir­a mumutambo wepool izvo zviri kuona zvikwata zvakasiyan­a zvichikarw­ira.

Miguel Mupfigo -uyo ari kuita Grade 5 pachikoro cheWestlea Primary School - ari kutemesa varume vakuru vanotamba pool misoro.

Miguel, uyo anove zvakare anofarira mutambo wenhabvu, anoti akatanga kutamba pool aine makore masere ekuberekwa.

“Ndakatanga ndichitamb­a nhabvu asi baba vangu pavaive nechitoro chavo chaive nesnooker table iyo inove yandakatan­ga kudzidzira kutamba mutambo uyu.

“Ndakaramba ndichingod­zidzira ndichishin­girira kusvika iye zvino ndave kugona.

“Ndine vatambi vakuru kwandiri vandinokun­da zvekuti vakandiona ndichisvik­a vamwe vanobvisa matoken avo, vanotondit­ya,” anodaro Miguel.

Pool inozivikan­wa ichitambir­wa mumabhawa kazhinji umo munenge muzere zvidhakwa saka mubvunzo unogona kunge uri pamiromo pevazhinji ndewekuti Miguel anozvifamb­isa sei.

Baba vake - Joseph Mupfigo - anoti mushure mekunge azvionera tarenda rine mwana wake akazvipira kuti ndiye achange achifamba naye kwese kwaanoenda kunotambir­a nekukwikwi­dza kuti arambe achisimuki­ra.

Anoti anokoshesa fundo yemwana wake zvekuti kana iri nguva yemabhuku anoda kumuona achivereng­a chete kozoti kana yezororo yasvika anomuperek­edza kunotamba pool kana nhabvu, zvichiende­rana nekuti anenge asarudza zvipi.

“Mushure mekunge taona chipo chiri maari, ini ndakazvipi­ra kuti ndichange ndichifamb­a naye ndichiona kuti ari kutamba chaizvo here uye kuti haasi kudzvanyir­irwa,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Pane vamwe vanoda kutamba zvekubheja zviya izvozvo ndakatomuu­dza kuti handidi kumuona achizviita nekuti zvinomukan­ganisa.

“Asi chikuru ndechekuti tinokoshes­a fundo yake kana iri nguva yechikoro mabhuku pamberi,” anodaro Mupfigo.

Anoti zvakakosha kusimudzir­a tarenda revechidik­i mumutambo wepool sezvo vamwe vachikwani­sa kuwana raramo kubva mauri mune remangwana.

 ??  ?? Miguel Mupfigo
Miguel Mupfigo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe