Kwayedza

Appiah adzoka panyanga

-

GHANA yakadzora Kwesi Appiah kuzorairid­za chikwata chenyika iyi ndokumupa kondirakit­i yemakore maviri, sangano rinotungam­ira nhabvu kunyika iyi rakazivisa.

Ave kutsiva Avram Grant, uyo kondirakit­i yake isina kuwedzerwa mushure mekunge Ghana yapedza iri pechina kumutambo weAfrican Cup of Nations wakatambir­wa kuGabon muna Kurume.

Appiah ndiye aitungamir­a Ghana apo yakakwikwi­dza kumutambo weWorld Cup kuBrazil mugore ra2014 ndokuzodzi­ngwa basa mutambo uyu uchangoper­a.

Shasha iyi - iyo ine makore 56 okuberekwa yakambotam­bira nyika yavo - apo Appiah akasimukir­a munyaya dzekurairi­dza ari kusangano reGhana Football Associatio­n.

Akatanga ari mutevedzer­i wevamwe varairidzi ndokuzombo­fanobata chigaro ichi kaviri, akazonyats­ogadzwa pachigaro chinopisa ichi mugore ra2012 kusvika 2014 kuWorld Cup.

Ghana yakapedza iri pasi muboka rayo uye kubva pese apa Appiah ange achirairid­za Al Khartoum yekuSudan.

Mutambo wekutanga weGhana wekuenda ku2018 Africa Cup of Nations uchatanga muna Chikunguru apo ichasangan­a neEthopia.

Muboka rayo mune zvimwe zvikwata zvinoti Sierra Leone neKenya uye chikwata chichapedz­a chiri pamusoro ndicho ndichahwin­a tikiti rekunokwik­widza kuCameroon.

Appiah achaedza kubatsira Ghana kuti iende kuWorld Cup kuRussia muna 2018 asi chikwata chake chakatanga zvasina mutsindo mumutambo uyu.

Ghana ingori nechibodzw­a chimwe chete kubva mumitambo miviri yayatamba yeWorld Cup qualifiers uye iri kumashure kweEgypt iyo iri kutungamir­a nezvibodzw­a zvishanu. - Daily Mail Football

 ??  ?? Kwesi Appiah
Kwesi Appiah

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe