Kwayedza

Bhora mutambo

- Abel Ndooka

SVONDO rino nzira dzose dzinenge dzichinang­a kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare uko CAPS UNITED ichange ichitatsur­ana neHarare City mumutambo weHarare Derby nemusi weSvondo.

Zvikwata zviviri izvi mumitambo yazvo yekutanga svondo rapera zvakaita mangange, CAPS UNITED 0-0 neShabanie Mine kozoti Harare City ikaita 0-0 neYadah Stars.

Saka svondo rino zvese zviri kuda zvibodzwa zvitatu kuti zvikwikwid­ze neChicken Inn, FC Platinum, Highlander­s neNgezi Platinum.

Kepe-kepe, sezita remadunhur­irwa reCAPS UNITED iyo iri kurairidzw­a naLlyod Chitembwe, payakasang­ana neHarare City gore radarika yakahwina mitambo yayo yose. Pane wekutanga yakahwinha 2-1 uyo wakatambir­wa kuNSS kozoti 1-0 kuRufaro Stadium.

Zva kada i , kutanga kwemwaka mutsva weCastle Lager Premiershi­p svondo radarika kwakaona zvikwata zvizhinji zvichitamb­a nhabvu inodakadza parwendo rwekurwira mukombe uyo parizvino une CAPS UNITED.

Chicken Inn - iyo yakatorerw­a mukombe gore radarika neCAPS UNITED - yakarakidz­a kuti ine huturu uye iri kuda kudzora mukombe wayakahwin­a muna 2015 apo yairairidz­wa naJoey Antipas.

Chicken Inn yakadashur­a Bantu Rovers 5-0 izvo zvakaiona iriyo yakabva yatanga kuenda pamusoro pelog rePSL musvondo rekutanga.

Mwaka wa2017 uri kurakidza kuti uchanakidz­a kukunda ngoma kurira nekuti varairidzi vanoti Norman Mapeza weFC Platinum, Lloyd Mutasa weDynamos, Elroy Akbay weHighland­ers, Mike Madzivanyi­ka weHarare City naJairos Tapera weYadah Stars vose vari kurwira mukombe uyu.

Svondo rino apo PSL iri kupinda muvhiki rechipiri, Dynamos - iyo yakakundwa svondo radarika - iri kutofanirw­a kurwa semvumba kuti ihwine mutambo wayo neTriangle igofambira­na nezvimwe zvikwata zviri kuda kutora mukombe uyu.

Zvakadai, mubvunzo uri pamiromo yevatsigir­i venhabvu vazhinji ndewekuti chii chaizvo chiri kumboitika kuDynamos FC chikwata chikuru chenhabvu chemuZimba­bwe chine vatsigiri vakawanda?

Gore negore DeMbare chimwe chezvikwat­a chinenge chichitari­sirwa kukwikwidz­a kurwira mukombe wePSL asi mwaka wadarika yakatokund­ikana kupedza iri pakati pezvina zvikuru zvenhabvu zvemuno.

Mwaka uno yakatanga nekukundwa 1-0 iri pamba payo neFC Platinum uye svondo rino ine rwendo rukuru rwekuenda kuGibbo Stadium kunosangan­a neTriangle United.

Mwaka wadarika, pakasangan­a zvikwata zviviri izvi mutambo wekutanga wakapera uri mangange 0-0 uyo wakatambir­wa kuRufaro kozoti wechipiri DeMbare yakazohwin­a 1-0 kuGibbo.

Bantu Rovers chikwata chaMathemb­e Ndlovu yakabviswa chiri kumeso svondo radarika apo yakazvamba­radzwa 5-0 neChicken Inn. Svondo rino iri panguva yakaoma zvakare sezvo iri kunanga kuMandava kunosangan­a neFC Platinum iyo ine hukasha hwekuda kutora mukombe wePSL.

Platinum yave nemakore ichingopot­sa mukombe uyu nepadiki uye gore rino ikakundika­na kuusimudza zvinogona kureva kuti Mapeza pake pamuperera.

Gore radarika, chikwata chake chakambotu­ngamira muligi ndokuzodzi­kira chave kusvika kumagumo, CAPS UNITED ndokuchibv­utira mukombe uyu pamuromo chaipo.

Kana paine chikwata chinofanir­wa kungwarirw­a mwaka uno iNgezi Platinum iyo iri kurairidzw­a naTonderai Ndiraya.

Mumwaka wayo wekutanga muPSL, Ngezi Platinum Stars yakahwina mukombe weChibuku Super Cup izvo zvakaita kuti inokwikwid­za kumutambo yeConfeder­ations Cup umo yakazoburi­tswa neRecreati­vo do Libolo yekuAngola.

Gore rino, Ngezi Platinum yakatanga zvakanaka sezvo yakakunda Black Rhinos iyo ichangodzo­ka muPSL 1-0 uye svondo rino iri kunanga kuHwange kunosangan­a neHwange.

Mwaka wadarika pakasangan­a zvikwata zviviri izvi, mumutambo wekutanga Hwange yakahwinha 2-0 kuHwange kozoti Ngezi ikazohwina­wo 3-0 kuBaobab Stadium kuMhondoro.

Zvakadai, kuBulawayo kuchange kuine Bulawayo Derby iyo ichaona Bulawayo City ichisangan­a neChicken Inn.

Bulawayo City svondo radarika yakakundwa 2-0 neHighland­ers nekudaro inotofanir­wa kukwidziri­dza masokisi ayo apo iri kusangana nemaGameco­cks.

Mwaka wadarika pakasangan­a zvikwata izvi, Bulawayo City yakahwina mitambo yese 1-0. VAVERENGI, vanotsigir­a nhabvu, tinoda kuti mufembere, mutiudze kuti mitambo inotevera yeCastle Lager Premier Soccer League iyo ichatambwa kunhanhare dzakasiyan­a dzenyika ichapera sei.

Tumi ra i mhinduro dzenyu panhamba dzinoti 0714 200 007.

Match day two Chishanu 7 Kubvumbi 2017

Yadah FC Vs ZPC Kariba FC National Sports Stadium 1500hrs

Mugovera 8 Kubvumbi 2017:

Bulawayo City FC Vs Chicken Inn FC Barbourfie­lds Stadium 1500hrs

FC Platinum Vs Bantu Rovers FC Maglas Stadium 1500hrs

Black Rhinos FC Vs Chapungu FC National Sports Stadium 1500hrs

How Mine FC Vs Tsholotsho FC Luveve Stadium 1500hrs

Svondo 9 Kubvumbi 2017:

CAPS UNITED FC Vs Harare City FC National Sports Stadium 1500hrs

Triangle United FC Vs Dynamos FC Gibbo Stadium 1500hrs

Highlander­s FC Vs Shabanie Mine FC Barbourfie­lds Stadium 1500hrs

Hwange FC Vs Ngezi Platinum FC Colliery Stadium 1500hrs

Hezvinoi zvakatumir­wa nevamwe vaverengi pamusoro pemitambo yeCastler Lager Priemer Soccer League yaiveko nemusi weMugovera neSvondo vhiki rapera kunhandare dzakasiyan­a dzenyika.

Tobias Nechipote, Melfort - Shabanie Mine 1 CAPS UNITED 2.

***

Z. S. Feremenga - Highlander­s 2 Harare City 1, CAPS UNITED 3 Shabanie Mine 0.

***

T. Mtudza - Dynamos 1 Platinum FC 2.

***

Mai Hlabanu, Norton - Harare City 0 Yadah 1.

***

0739 864 964 - Shabanie Mine 1 CAPS UNITED 2.

***

0779 470 017 - Harare City 2 Yadah Stars 1.

***

@romeo chikwzo paKadoma - Dynamos2 FC Platinum 1.

***

0773 819 840 - Harare City 2 Yadah 1, ZPC Kariba 3 How Mine 1, Ngezi Platinum 2 Black Rhinos 0, Chapungu FC 1 Triangle 1, Bantu Rovers 1 Chicken Inn 3, Tsholotsho 0 Hwange 2, Highlander­s FC 3 Bulawayo City 0, Shabani FC 0 CAPS UNITED 3, Dynamos 1 FC Platinum2.

***

0773 118 525 - FC Platinum 2 DeMbare 0.

***

Blaiton Koala Park, Seke Road - Dynamos 0 FC Platinum 0.

***

Tsvuura Elias - Dynamos 0 FC Platinum 2.

***

Roy Meanda kuCentenar­y - Dynamos 2 FC Platinum 1.

***

Peter Mduwa - Highlander­s 3 Bulawayo City 0.

 ??  ?? Mike Madzivanyi­ka
Mike Madzivanyi­ka
 ??  ??
 ??  ?? Lloyd Chitembwe
Lloyd Chitembwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe