‘NDINODYISWA NHUNZI, HONYE’
‘. . . nehove mbishi’ ‘. . . Zvichitondinakira’ ‘. . . Ndozorutsa ropa’
MUKADZI wechidiki anogara kuChitungwiza, asi kumusha achibva kuMhondoro-Ngezi, svondo rapera akabongomora kuchema achiti atambura neupenyu hwekugara pasi pemvura apo njuzu dzinomudyisa sadza, nhunzi, honye nehove mbishi.
noti kubvira achiri mudiki, upenyu hwake ndehwekugara mumvura munzizi Munyati, Nyatsime kana Manyame.
Kana ari mumba, zvikangomubata anomuka atoenda kurwizi uko anodyiswa zvakasiyana.
Kuzosvika kuchema pamberi pevatori venhau, anoti haachada izvi, ave kuda kunamata, asi zvinhu zvacho hazvisi kumusiya – zvinomutevera kana nekuchechi.
Sezvinonzi izvi zvishoma, mukadzi uyu anoti dzimwe nguva anogokorora kurutsa ropa richizara mugomo we20 liters mukati menguva dikidiki, izvo zvaanoti zvinokonzereswa nenjuzu sechirango.
Kana dai iye achiti haafarire mararamiro aya, anoti njuzu idzi dziri kungomutevera, dzichimushevedza kuti vanosangana kumvura uko dzinomudyisa zvakasiyana.
Chikerema ( 35) — uyo asina kuda kutaura zita rake rekutanga apo zvakamubata achiita hurukuro ino — pari zvino ari kugara panhamba 41 Nungu Road, kuZengeza 2, kuChitungwiza.
Svondo rapera Chikerema akasvimha misodzi achichema pamberi peKwayedza achiti shavi renjuzu riri paari ramutambudza zvekusvika pakukanganisa wanano yake.
Nekuda kwekuti iye nevamwe vemhuri yake havasi kugashira shavi renjuzu iri, anoti zvaita kuti afirwe nevana vatatu pavana vake vashanu — vose vasina kurwara.
Akati aendewo kuchechi, njuzu idzi dzinomutevera ikoko.
Chikerema ari kutsvaga rubatsiro kune vanokwanisa kumuyamura.
Anoti akatorwa nenjuzu ari Form 2 apo aigara natete
vake kwaNembudziya, kuGokwe.
“Ndakakura ndisingade mafuta nesipo zvinonhuwirira uyewo kudya ndaiita kwekusarudza. Hanyanisi KUNZE kunotarisirwa kunge kuine makore pamwe nemhepo inenge ichivhuvhuta
kana majarini ndaisadya, chingwa ndichidya makanda bedzi,” anodaro.
Anoti akatorwa nenjuzu apo ainge aenda nevamwe vasikana vechidiki kurwizi kumativi mana ose enyika uye mvura inogona kunaya kune dzimwe
rwaMunyat i paaigara kuGokwe.
Murwizi urwu, anodaro Chikerema, makabuda munhurume ndokubva atanga kuvashevedza. nzvimbo. Kuchange kuchitonhora mangwani kwozodziya nekufamba kwenguva.
“Murume uyu akatanga kusanduka muviri wake wose kuita sehove, aine vhudzi raiva rakareba kusvika kumusana. Musi uyu, vamwe amai vaivapo, vakazomhanya ndokudyorera mbatya dzataida kuwacha ndokutiti tiende kumba vachiti yatainge taona injuzu. Takatizira kumba tose.”
Chikerema anoenderera mberi, ipapo maziso ake akatsvuka, misodzi ichiyerera nematama: “Takadzokera kurwizi urwu zvakare rechimangwana tiri 4. Ndakazoona chamupupuri ichi chakauya chakandinanga apo ndakaita chadzimira. Ndiko kutorwa kwandakaitwa.
“Ndakazobengenuka ndave kugara pasi pemvura netumwe tuchembere tuviri – murume nemukadzi netumwewo tuvana tudiki – avo vaitaura mitauro yakangosiyana, kusanganisira Shona.”
Kana ari kuChitungwiza, Chikerema anoti njuzu idzi dzinomukwezva kunzizi Nyatsime naManyame.
Anoti pasi pemvura paanoendeswa panotova nedzimba uye anodyiswa sadza nehonye, nhunzi kana hove 14 Kubvumbi Kuchange kuine makore, kuchidziya, kuine mhepo mbishi izvo zvaanoti zvinonaka zvikuru.
“Sadza rinenge riine usavi hwehonye, nhunzi kana hove mbishi uye zvichitonaka zvikuru.
“Tiri pasi pemvura ipapo, ndairambidzwa kutamba nevamwe vana uye mitauro yakaita sechiRungu nedzimwewo ndimi zvinotaurwa. Mbatya dzinongopfekwa sezvatinoita kuno (kunyika) asi kunobva mbatya idzi handikuzive.”
Chikerema anoti mbatya dzinonyanya kupfekwa pasi pemvura dzinosanganisira dzeruvara rwuchena, blue negoridhe.
Anotizve kune mitumbi yevanhu vanovigwa mumapako nenjuzu idzi pasi pemvura ipapa uye vanoudzwa kuti ndeye vanhu vanenge vatorwa kunyika, hama dzavo dzozochema ivo vobva vauraiwa nenjuzu idzi.
Zvinonzi kana munhu akatorwa nenjuzu, hama neshamwari dzake hadzifanirwe kumuchema uye izvi zvikaitika, munhu iyeye haadzoke ari mupenyu.
“Njuzu ndinodziona, dzimwe nguva dzinouya dzichiita fanika mazihove
◆ uye mvura inotarisirwa kunaya zvakanyanya kune mamwe matunhu enyika. —