Kwayedza

‘KWAYEDZA muchapedze­rana nenjuzu’

- Kingstone Mapupu

MUKADZI anongoda kunzi Mai Chikerema, uyo anoti anorarama upenyu hwepasi pemvura munzizi Munyati, Nyatsime naManyame — anoti haasi kukwanisa kuenda kunonamata kumachechi nekuda kwemhiko dzavanopih­wa nenjuzu idzo anoti vanogara vachikumbi­ra kwadziri pane zvose zvavanoita.

Asi mukadzi uyu anoyambira vatori venhau achiti kana nyaya ino ikabuda munhau, vachazvion­a nenjuzu.

“Vabereki vangu zvose nehama uye vekwandaka­roorwa havachandi­da nekuda kwemweya wenjuzu uyu. Njuzu idzi dzinondite­vera kwandinoen­da kwose, kana dai ndikati ndipinde chechi.

“Imi (veKwayedza) mukaramba muchida kuburitsa nyaya iyi hameno kana makasimba nekuti muchaedzan­a masimba nadzo. Ndinotaura nemachembe­re makuru munyaya dzepasi idzi, uyewo ndinobatsi­ra vamwe vane matambudzi­ko akaita seangu avo ndinongova­ti vatenge machira ndovagadzi­rira,” anodaro Chikerema.

Anoenderer­a mberi vachiti: “Mumwe musi ndakaenda kuchechi kuZengeza, ndave kudzoka ndikaona munhurume achibuda mukati medombo akanditeve­ra ndokundibv­unza kuti, ‘ Ko amai imi makabva rinhi kumvura?’, ini ndikamuti kare achibva adzokera. Ndichisvik­a kumba, ndakasviko­rutsa ropa rikazara mugomo.

“Saka nyaya iyi mukaiburit­sa munoda kuti ndife zvose nevana vangu vasara. Ndakakumbi­ra kare kumvura kuti vana vangu vaviri vasauraiwe.”

Mudzimai uyu anoti machira aakabva nawo kumvura nechuma zvaakapihw­a nenjuzu haadi kuti zviparadzw­e sezvo achitya kufa sezvaakaud­zwa nenjuzu idzi.

“Ndakauya ndichibva kumvura nendiro yemuti yaiva nemupunga, jira nechuma. Ndakanzi hazvifanir­we kuparadzwa. Kana ndichida kunamata saizvozvi, ndinongozv­iendesa kumusha asi kunamata kwacho zviri kuramba,” anodaro.

 ??  ?? Lissa Chikerema
Lissa Chikerema

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe