Kwayedza

Akajutwa $300 ‘nemushandi’ weZesa

- Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI anoshanda semuuto akagurwa kunorira nemumwe murume uyo ainyepera kuti anoshandir­a kukambani yemagetsi yeZesa Holdings apo akabirwa $300 mushure mekuvimbis­wa kuti aizogadzir­irwa magetsi epamba pake.

Wellington Masona ( 43) wepanhamba 14304 Unit O, kuChitungw­iza, akamiswa mudare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts ndokubatwa nemhosva yekutsotsa Wadzanai Garabha (46) wepanhamba 34803 Unit G, kuChitungw­iza kwakare.

Mutongi wedare iri – Oliver Mudzongach­iso – akapa Masona chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitatu ndokuzoise­ndeka yose parutivi paine chitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari mari yake kuburikidz­a nekuiendes­a kwamabhara­ni wedare iri.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti rimwe zuva mumwedzi waNyamavhu­vhu 2015, Masona akaenda kumba kwemumhan’ari achimunyeb­era kuti iye mushandi weZesa uye akange anogadziri­sa tambo dzemagetsi izvo zvaida kuti abhadhare $300 yebasa iri.

Garabha akabva abhadhara mari iyi mushure mekunge amuona akapfeka mbatya (work suit) sedzinopfe­kwa nevashandi veZesa. Masona akazobva pamba paye achivimbis­a kuti achadzoka achipedzis­a basa rake pazuva rimwe chete iri asi akabva angoita museve waenda neuma, ndokuenda zvachose.

Mumwedzi waMbudzi 2015, mumhan’ari akazofunga kuenda kumahofisi eZesa kunobvunza achibva audzwa kuti Masona haasi mushandi wavo, zvikaita kuti amumhan’arire kumapurisa.

Garabha akaudza dare kuti aida mita yemagetsi, nokudaro akaudzwa nemumwe waanoshand­a naye kuti Masona aigona kumubatsir­a.

“Mumwe wandinosha­nda naye ndiye akandipa nhamba dzefoni dzaMasona achiti anomuziva semushandi weZesa ndichibva ndamufoner­a akauya kumba kwangu akapfeka work suit yeZesa. Saka mushure menguva refu asina kuunza mita kana kudzora mari yangu, ndakaona zvakakodze­ra kuti ndimumhan’arire uye kuZesa ndakaenda vakanditi havana mushandi akadaro,” anodaro.

Masona akabvuma mhosva yake pasina kupedzera dare nguva.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe