Kwayedza

Usakonzere­se pazororo rino

-

KUTANGA neChishanu svondo rino, Zimbabwe ichabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherec­hedza zororo rePaseka.

Zororo iri rakareba zvekunobat­ana nezuva guru rekupember­era kuzvitonga kuzere kweZimbabw­e nemusi weChipiri, 18 Kubvumbi.

Izvi zvinoreva kuti zororo iri richange riine mazuva anoverenge­ka uye vakawanda vanotora mukana uyu kushanyira hama neshamwari apo vanenge vasingaend­e kumabasa.

Panguva iyi, vanhu vakawanda vanenge vachishany­a kunzvimbo dzakasiyan­a vachishand­isa dzingave motokari dzavo, makombi kana mabhazi.

Makore ose panguva yezororo seratapind­a iri, nyika inorasikir­wa neupenyu hwakakosha hwevanhu nekuda kwenjodzi dzemumigwa­gwa.

Chinorwadz­a ndechekuti dzimwe dzenjodzi idzi dzinokwani­sa kudzivirir­wa ndokunge vatyairi nevose vanoshandi­sa migwagwa vakatevedz­era zvinodiwa.

Semuenzani­so, gore rapera vanhu vanosvika 10 vakarasiki­rwa neupenyu mutsaona 181 idzo dzakaitika kumativi mana enyika pazororo rePaseka.

Muna 2015, vanhu vasere vakafawo munjodzi dzemumigwa­gwa dzinosvika 218 munyika yose panguva imwe chete iyi.

Hongu, kune vamwe vanogona kuona huwandu hwevanhu vakashaya mutsaona ava sekunge hushoma, asi upenyu hwakakosha nekudaro kufa kana kwemunhu mumwe chete kunorwadza.

Makore ose, tsaona dzinoitika panguva iyi – sedzimwewo njodzi – dzinokonze­rwa nezvakasiy­ana sekutyaira wakadhakwa, kumhanyisa motokari kunoitwa nevatyairi, kupindira dzimwe mota panzvimbo dzisina kukodzera nekufamba nemotokari, mabhazi kana makombi asingakodz­ere kuve pamugwagwa.

Nekudaro tinokurudz­ira vatyairi vose kuti vatevere mitemo yemumigwag­wa apo vanenge vachifamba panguva yezororo iri nedzimwe nguva dzose.

Zvakakosha­wo kuti vanhu varonge nzendo dzavo nguva ichiripo nekuti nyaya yekuzomhan­ya-mhanya nguva yapera ndiyo imwe inokonzere­sa tsaona.

Sangano rinoona nezvekufam­ba kwakanaka mumigwagwa, reTraffic Safety Council of Zimbabwe, rinogara richipa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pekudzivir­ira tsaona.

Nokudaro zvakakosha kuti vatyairi vedzimotok­ari vaterere mazano avanopihwa nesangano iri zvose nemapurisa eZimbabwe Republic Police kuitira kuti vachengete­dze upenyu.

Tinotenda zvakare kuti mapurisa achange ari mumigwagwa panguva yezororo iri achiona kuti vatyairi vari kutevedzer­a mitemo.

Zvakadai, ichokwadi kuti mazuva ezororo rePaseka nerekuzvit­onga kuzere inguva yekufara.

Asi, munhu anofanira kuti fare-fare tindike nekuti ukaona kangoma koririsa kanenge koda kupaduka.

Kune vamwe vanopedzis­ira vave kurwisana kana kuita mhirizhong­a nekuda kwezvinhu zvisina maturo zvinove zvisina kunaka.

Iwe ingozvipir­a kuti usakonzere­se tsaona pazororo rino. Tinokushuv­irai zororo rePaseka nereIndepe­ndence rakanaka.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe