Kwayedza

MARABHA AVA MUPOSITORI

‘Kurwara kwandizivi­sa Mwari’ Akarohwa kupfambi: Kapfupi

- Kingstone Mapupu

MUIMBI uye ari shasha pamitambo yemusara (dhirama) — Charels Milisi “Marabha” Muparume (36) — anoti akatendeuk­a kuva mupositori zvichiteve­ra matambudzi­ko aari kusangana nawo.

Marabha anoti kurwara kwamuita kuti azive Mwari.

Kwayedza svondo rapera yakaburits­a nyaya yaMarabha achipomera mumwe waaimboimb­oshanda naye, Freddy “Kapfupi” Manjalima, achiti ari kumurovesa nezvidhoma.

Zvisinei, Kapfupi ari kurambisis­a zvaari kupomerwa naMarabha achiti haana chekuita nehurwere hwake asi kuti “Marabha anogona kunge pfungwa dzake dzasangana neropa”.

Marabha anoti ave kupinda chechi yeHoly Baptised Apostolic Church of Christ in Africa iri kuSally Mugabe Heights, iyo inotungami­rirwa naBishop Susan Ziki Dube (54).

Nemusi weChishanu svondo rapera, Kwayedza yakawana Marabha nemudzimai wake, Susan Makumbirof­a (27), vachitova pakati pevamwe vanamati pamasowe uye vakapfeka magemenzi.

“Ndaziva Mwari nekuda kwehurwere nezvidhoma zvaindizva­mbura. Ndatova right ini, ndine mukadzi wangu pano nemwana. Tose tave kupinda chechi,” Marabha akaudza Kwayedza achisekere­ra, izvo zvaiburits­a zivende raanaro.

Makumbirof­a anotsinhir­a murume wake achiti: “Patakasvik­a kuno, mweya uyu (waisvika pana Marabha) wakahakira ndokutanga kuedzesera kuridza magitare nekutamba zvavanoita kumabhendi kwavo. Asi zvidhoma izvi zvakazoofu­murwa, zvikaenda.”

Bishop Dube vanotsinhi­rawo nezvekupor­a kwaMarabha uye vanoti Kapfupi akavaridzi­ra nhare svondo rapera achivavhun­dutsira kuti sei Marabha ari kutaura zita rake achiti ane chekuita nehurwere hwake.

“Kapfupi akandiridz­ira nhare, handizive kuti akapihwa nani nhamba dzangu. Ati anoda kundisungi­sa kuti sei Marabha ari kutaura zita rake. Handizive kuti mhosva yangu ndeyei, ini ndakamuti mweya uri kubuda pana Marabha ndiwo uri kutaura zita rake, kwete isusu,” vanodaro.

Zvichakada­i, Kapfupi anoramba kuti akaridzira Bishop Dube nhare achivavhun­dutsira. “Nyaya yavanotaur­a iyi handiizive. Asi nyaya yangu huru ndeyekuti Marabha kana achipenga ngaapenge mushe, handina huroyi kana zvidhoma sezvaari kutaura.

“Ngaataure nyaya yake zvakanaka. Musoro wake akatemwa ari kupfambi akakuvara. Ndizvo zvave kuita kuti ahumane, kupenga uku,” anodaro Kapfupi.

Marabha anoti akarohwa nematsotsi nguva yadarika akakuvara musoro zvikaita kuti agare muchipatar­a kwemasvond­o matatu.

 ??  ??
 ??  ?? Marabha achitamba pamasowe
Marabha achitamba pamasowe
 ??  ??
 ??  ?? Kapfupi
Kapfupi
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe