Kwayedza

Ndichamuim­bira kambo: Kapfupi

- Kingstone Mapupu

MUIMBI ane mukurumbir­a uye ari mutambi wemusara (dhirama), Freddy “Kapfupi” Manjalima, anoti ane hurongwa hwekutsiki­sa kambo kari pamusoro pekunangwa kwaari kuitwa huroyi nemumwe wake, Charles Milisi “Marabha” Muparume.

Marabha anoti pane mweya unomubata apo muviri wake unosanduka kuita sewechimhu­ka, nzara nemawoko ake zvoreba kuita sezvegudo uye muromo uchienda parutivi, izvo anoti zvinokonze­reswa naKapfupi.

Asi Kapfupi, uyo anoimba nechikwata cheOrchest­ra Ndozvo, ari kurambisis­a huroyi hwaari kupomerwa uhu achiti zvichida Marabha ave murwere wepfungwa zvichiteve­ra kurohwa kwaakaitwa mumusoro ndokukuvar­a zvakanyany­a gore rapera apo aive kubhawa nepfambi.

Kapfupi anoti ari kuronga kutsikisa kambo nekuda kwekunangw­a kwaari kuitwa huroyi naMarabha.

“Kambo zvako kari pachena kare, kanongoda kuti ndikwenenz­vere nekuti mashoko ndinawo kare. Ndichaimba imi vatori venhau makatanga kuti nyaya iyi isvike kwandiri nekuti ndaiva murima kudai pasina imi.

“Ndozopinza mweya inonzi inotaura ichibva kuzvidhoma kana kuti zvishiri, tochereche­dza huchokwadi nenhema zvinogona kubva panyaya dzekuti mweya unotaura pamunhu uchinonged­za mumwe munhu,” anodaro.

Obvunzwa kuti kuwirirana kwake naMarabha kwakamira sei zvichiteve­ra nyaya iyi, Kapfupi anoti chido chake ndechekuti vabatane zvakare vagoimba vose.

“Chokwadi ini kunotsvaga zvidhoma zvekutenga, kutengera Marabha? Kana neni ndinenge ndave kupenga,” anodaro. Pasi pemutemo, munhu anopumha mumwe huroyi bedzi ndokunge aine humboo hwakazara nekuti kana asina zvinogona kumuzvimbi­ra iye.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe