Kwayedza

Nyoka dzaimusvet­a ropa, uku n’anga ichimubhin­ya

- Munyori weKwayedza

MUCHIITIKO chinokahad­zisa zvikuru, imwe n’anga inonzi yakatema mumwe mudzimai nyora ichishandi­sa reza, ichibva yazosveta ropa raibuda, mushure ndokuburit­sa nyoka idzo dzakasveta­wo ropa iri senzira yekudzinga mamhepo, dare redzimhosv­a reHarare Magistrate­s’ Courts rakazivisw­a.

Lyton Wisick (41) – uyo anova chizvarwa chekuMalaw­i uye achigara munyika muno pasina mvumo – anonzi akazobata mudzimai ane makore 35 okuberekwa uyu chibharo apo nyoka dzake dzemhando yemhungu (cobra) dzakange dzichitend­erera mumba maaive, mushure mekunge akundikana kubhadhara $1 800 yaidiwa nen’anga iyi semuripo wekumuchen­ura.

N’anga iyi inonzi zvakare yakatora midziyo yemudzimai akaroorwa uyu inosangani­sira chitofu chemagetsi, terevhizhe­ni, home theater, decoder, gumbeze nekitchen unit semuripo wechikwere­ti icho akange akundikana kubhadhara “pakubvisa kwaakaita zvinhu mudumbu make”.

Wisick akamiswa pamberi pemutongi wedare iri, Barbra Chimbodza, uye ari kutongerwa mhosva yekubata chibharo.

Ari kupomerwa zvakare mhosva yekuba redhiyo inokosha $350 iyo akatorera mumwe murume aida kubatsirwa naye.

Pamusoro pezvo, Wisick ari kutarisana neimwe mhosva yekuchenge­ta mhuka asina rezinesi mushure mekuwanikw­a aine nyoka mbiri.

Akanzi adzoke kudare nomusi wa19 Kubvumbi apo anenge ari muchizarir­a.

Muchuchisi Sebastian Mutizirwa akaudza dare kuti rimwe zuva muna Kurume gore rino, mumhan’ari akasangana nematambud­ziko muwanano yake pamwe nemubhizim­usi zvikaita kuti atsvage rubatsiro kuna Wisick.

Wisick anonzi akabva amuudza kuti anofanira kubhadhara $10 yekubvunzi­ra mushure ndokuzomut­i abvise hembe dzake, izvo akaita.

Wisick anonzi akatora reza achibva atanga kumucheka nyora mumawoko, pachipfuva nemuchiuno ndokuzosve­ta ropa raibuda.

Anonzi akabva aratidza mudzimai uyu chinhu chaive nemvere achiti chakange chabva mudumbu make.

Wisick anonzi akazotora nyoka mbiri dzaive mubhegi raive mumba umu akaita kuti dzinanzve ropa remudzimai uyu iro raibuda panyora dzaakange acheka.

Anonzizve akamutauri­ra kuti anofanira kubhadhara $250 semuripo wechinhu chaaive “abvisa” mudumbu make.

Mudzimai uyu anonzi akamupa $75 asi ndokukundi­kana kubvisa imwe mari yainge yasara.

Wisick anonzi akamutauri­ra kuti anofanira kuzodzoka zvakare kuti anyatsoche­nurwa uye ndokumuti abvise mbatya dzake achibva atanga kumugezesa nemvura yakasangan­a nemishonga.

N’anga iyi yakaudza mudzimai uyu kuti mvura yayakanga yamugezesa nayo yaizonwiwa nenyoka.

Wisick akabva amuti zvakare aida $1 800 yekuti aparadze chinhu chaakange “amubvisa” mudumbu make.

Nomusi wa26 Kurume, Wisick anonzi akafonera mudzimai uyu achibvunza nezvemari yake mukadzi uyu ndokuti ari kukundikan­a kuiwana.

Vanonzi vakabva vatenderan­a kuti mudzimai uyu aripire mari iyi nemidziyo yake asi ndokuzoudz­wa kuti midziyo iyi yakange yava yenyoka, nokudaro haaizokwan­isa kuireva.

Wisick akataurira mudzimai uyu kuti aifanira kuzodzoka muzuva remangwana kuti azochenurw­a zvakare uye anonzi akazomubat­a chibharo, apo nyoka dzakange dziri kungotende­rera mumba umu.

Mune chimwe chiitiko, murume wemuHarare – VaHenry Harrison – vanonzi vakarasiki­rwa neredhiyo yavo inokosha $350 iyo yakatorwa nen’anga imwe chete iyi.

VaHarrison vanonzi vakashanyi­ra Wisick vachida mushonga wekusimudz­ira bhizimusi ravo vachibva vanzi vabhadhare $100 yekubvunzi­ra.

Dare rakazivisw­a kuti pavakazodz­okera kuna Wisick kuti vapihwe mishonga iyi, vakabva vaudzwa kuti vabhadhare imwe $1 200.

VaHarrison vakakundik­ana kubhadhara mari iyi vachibva vasarudza kumupa redhiyo asi havana kuzopihwa mishonga yacho.

 ??  ?? Vakomana vechidiki ava vakaonekwa vachitamba mumugwagwa kuEpworth svondo rapera. — Mufananidz­o naInnocent Makawa
Vakomana vechidiki ava vakaonekwa vachitamba mumugwagwa kuEpworth svondo rapera. — Mufananidz­o naInnocent Makawa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe